Kwayedza

Wanisai vakwegura zvinodziya: HAZ

- Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira vakwegura, reHelpAge Zimbabwe (HAZ), nerinoona nezvekodze­ra dzevakura reOlder Persons Board anokurudzi­ra kuwaniswa kwembatya dzinodziya nekudya kwakakodze­ra kuvanhu ava munguva ino yechando zvichiteve­ra kukwira kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19.

Kurudziro iyi yakapihwa naMai Priscilla Gavi avo vanova mukuru weHAZ vari zvakare sachigaro weOlder Persons Board.

Vakataura mashoko aya vachiti vakwegura vari pamyatwa yekubatwa neCovid-19 nekuda kwezera ravo uyewo nemagariro avo mumisha.

“Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti vakwegura vari panjodzi huru yekubatwa nechirwere cheCovid-19 nekuda kwenyama dzavo dzisisakwa­nise kurwisa zvirwere. Saka isu tinoti vanhu ava vanoda kuwaniswa zvose zvavanoda, zvikuru mbatya dzinodziva senguva ino yechando dzakaita semajazi, majuzi, shangu, masokisi, nguwani dzeshinda, magirovhos­i, magumbeze nezvimwe kuti vagare vachidziir­wa,” vanodaro Mai Gavi.

Vanoti nyanzvi dzinoti senguva ino yechando, Covid-19 inosimuka kudarika nguva yekupisa sezvinoone­kwa nekuwanda kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi panguva ino apo vamwe vari kurasikirw­a neupenyu.

“Kubva pakatanga chirwere ichi pasi rose nemuno kumavambo kwegore rapera, zvakava pachena kuti munguva ino yechando denda iri rinokwira kudarika munguva dzekudziya. Sezvo vakwegura vedu vari panjodzi yekubatwa neCovid-19 kudarika vamwe vanhu, ikurudziro yedu kuti tivawanise zvinodziya nguva dzose vachigaraw­o mudzimba dzakavhari­ka dzinodziya.

“Kune vakwegura vatinoona vachigara pamhene nekushaya kuchengetw­a zvakanaka nehama,” vanodaro Mai Gavi.

Vanoti munyika muno mune vakwegura vanodarika 760 000, chikamu chavo chinoita makumi masere kubva muzana vanova vanotambur­a zvikuru uye vakawanda vavo vachigara kumaruwa uko kwavasinga­wane zvinovakwa­nira.

“Vazhinji vavo vanogara kumaruwa uko vanenge vari voga nekuda kwekuti vanoramwiw­a nevana kana nehama dzavo nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a. Saka ikurudziro yedu kuti tibatsire vakwegura ava nezvavanod­a, zvikuru mbatya nekudya.

“Senguva ino yekutongor­a, pane kudya kunodiwawo kunodziisa miviri kwakaita sesvutugad­zike ine masamba ekofi nekumwe kunokurudz­irwa nemachirem­ba.”

Mai Gavi vanoti chikamu chiri pakati nepakati chevakwegu­ra ava vaimboshan­da asi zvino vava pamudyandi­gere apo pasina mari zhinji yavanowana.

“Hapana mari yavanowana zhinji kubva kuhomwe dzavakache­ngetera mari iyi, vamwe vavo vakatenga mombe nezvimwe zvipfuyo zvakazoper­a kufa nezvirwere saka havasisina chavainach­o kuti vakwanise kuzvibatsi­ra. Vanotoda ruyamuro kubva kuvana kana hama,” vanodaro Mai Gavi.

Vanoti vazhinji vevakwegur­a havasisina simba rekuzvisha­ndira.

“Kubika chaiko vakawanda vevakwegur­a havagone, kana kuita mamwe mabasa sekucherer­a mvura zvinovaita kuti pamwe pacho vagare mutsvina nguva dzakawanda. Naizvozvo vane mikana mikuru yekubatwa nedenda reCovid-19. Kana kupfeka iwo mamasiki nekuzvisha­mbidza havazvikwa­nise.”

Vanofanani­dza vanhu vakwegura nevana vadiki vachiti vanoda kubatsirwa nguva dzose.

 ??  ?? VAKWEGURA
VAKWEGURA
 ??  ?? MAI Priscilla Gavi
MAI Priscilla Gavi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe