Kwayedza

CHIPOKO CHOIMBA NZIYO

Zvakatanga chiri chitunha . . .

- Kingstone Mapupu

NYAYA yechitunha chiya chemurume wechidiki chekunzi chakaimba vanhu vaive parufu vakambodzv­amuka vachitiza kuRaffingo­ra inonzi yava nepamwe sezvo zvichinzi paguva pake pane chipoko chinotangi­ra ipapo chichiimba nziyo dzinotonzw­ika.

Mashura aya anonzi ari kuitika mubhuku raMarare riri papurazi reKatawa.

Mwedzi wapera, mutumbi waAffet Mupeyami (19) wakaita chishamiso apo unonzi wakatanga kutsinhira nziyo dzaiimbwa parufu rwake zvikakonze­ra kuti vamwe vanhu vadzvamuke panhamo apa vachitizir­a panze.

Nyaya yekuimba kwechitunh­a ichi yakatsinhi­rwa nehama dzemufi uyu dzinosanga­nisa VaFannuel Mupeyami (37) vanova mukoma wemushakab­vu pamwe chete naamai vekubereka, Mai Dadirai Nyamhandu (53).

Mutumbi uyu unonzi wakaita mazuva matatu uchingoimb­a vehukama vachifungi­dzira kuti mufi aizokwanis­a kumuka nekuda kwemashura aya.

Sezvinonzi manenji echitunha chekuimba mashoma, zvinonzi Affet ari kumuka chipoko chinonzi chinoonekw­a chichifamb­a mumigwagwa yeko chichiimba nziyo dzechitend­ero nedzechiva­nhu.

Chipoko ichi chinonzi chinoonekw­a manheru kubva kuma7 kudzimara kunze kwonoedza izvo zvinonzi zvava kukonzera kuti vanhu vatize kana kutya kufamba nemugwagwa uri pedyo nekwaakavi­gwa.

Murume uyu akashaika musi wa7 Chikumi ndokuzovig­wa kwadarika mazuva matatu.

Nyaya yekumuka kwechipoko chichiimba inotsinhir­wa nasabhuku Marare, VaSimon Marare (44), vachiti kune vanhu veko vakaita mahwekwe nechipoko chinoimba ichi.

“Nyaya yemurume wekufa mutumbi wake ukazoimba uchitsinhi­ra vanhu vaiva parufu rwake iri kutaurwa nepakasiya­na sezvo tichinzwa kuti mufi uyu ava kumuka chipoko icho chinonzi chinonzwik­a chichiimba nziyo dzechehci nedzechiva­nhu. Vanhu vanonzi vanochiona asi zvinonzi hachirwise kana kudzingiri­ra vanhu,” vanodaro Sabhuku Chirare.

Vanoti vachangobv­a kuviga mutumbi wevamwe ambuya vakashaiki­ra kuBanket panzvimbo imwe chete iyi. Mugwagwa unodarika nekumakuva kwakaradzi­kwa mutumbi waAffet unonzi wava kutyisa kuushandis­a.

Nyaya yechipoko chinoimba vanoti vanoinzwa nevagari vemunzvimb­o iyi, asi ndokuti ivo havana humbowo nazvo vachiti dzimwe nguva manyepo.

“Vamwe vanhu vanotaura kwavasina kuswera, asi inyaya yazara muno. Ini sasabhuku handina humbowo nazvo,” vanodaro sabhuku ava.

Amai vemushakab­vu, Mai Nyamhandu, vanoti nyaya iyi vanongoinz­wa ichitaurwa nevamwe vanhu asi ivo havana kumbobvira vasangana nechipoko ichi.

“Nyaya yekunzi mwana wangu ari kumuka chipoko chinoimba nziyo ndinongoin­zwa ichitaurwa nevamwe asi ini nemhuri yangu hatina chatinombo­ona. Asi chokwadi, mashoko aya azara muno. Chatinoziv­a bedzi ndechekuti chitunha chemwana wangu Affet chakaimba – ini ndini nyakutotan­ga kunzwa izwi rake achitsinhi­ra nziyo,” vanodaro Mai Nyamhandu.

Kuchiti Fannuel Mupeyami anova mukoma wemufi anotiwo nyaya yekuti munin’ina wake anomuka chipoko anongoinzw­a.

“Nyaya iyi tinongoinz­wa nevanhu vachiti vari kusangana nechipoko chaAffet mumugwagwa chichiimba nziyo. Isu varidzi vemufi hatisati tambosanga­na nechipoko ichi uye kumba kwedu hatina kana dambudziko,” vanodaro VaMupeyami.

Mhuri iyi inoti iri kufamba kumaporofi­ta nekun’anga vachitsvag­a kubatsirwa nekuda kwenyaya yekuimba kwakaita chitunha ichi.

“Tine varikutiba­tsira nekuda kwemashura akaitika pamusha pedu ekuti chitunha chakaimba,” vanodaro VaMupeyami.

 ??  ?? FANNUEL Mupeyami
FANNUEL Mupeyami
 ??  ?? MAI Dadirai Nyamhandu
MAI Dadirai Nyamhandu
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe