CHIPOKO CHOIMBA NZIYO
Zvakatanga chiri chitunha . . .
NYAYA yechitunha chiya chemurume wechidiki chekunzi chakaimba vanhu vaive parufu vakambodzvamuka vachitiza kuRaffingora inonzi yava nepamwe sezvo zvichinzi paguva pake pane chipoko chinotangira ipapo chichiimba nziyo dzinotonzwika.
Mashura aya anonzi ari kuitika mubhuku raMarare riri papurazi reKatawa.
Mwedzi wapera, mutumbi waAffet Mupeyami (19) wakaita chishamiso apo unonzi wakatanga kutsinhira nziyo dzaiimbwa parufu rwake zvikakonzera kuti vamwe vanhu vadzvamuke panhamo apa vachitizira panze.
Nyaya yekuimba kwechitunha ichi yakatsinhirwa nehama dzemufi uyu dzinosanganisa VaFannuel Mupeyami (37) vanova mukoma wemushakabvu pamwe chete naamai vekubereka, Mai Dadirai Nyamhandu (53).
Mutumbi uyu unonzi wakaita mazuva matatu uchingoimba vehukama vachifungidzira kuti mufi aizokwanisa kumuka nekuda kwemashura aya.
Sezvinonzi manenji echitunha chekuimba mashoma, zvinonzi Affet ari kumuka chipoko chinonzi chinoonekwa chichifamba mumigwagwa yeko chichiimba nziyo dzechitendero nedzechivanhu.
Chipoko ichi chinonzi chinoonekwa manheru kubva kuma7 kudzimara kunze kwonoedza izvo zvinonzi zvava kukonzera kuti vanhu vatize kana kutya kufamba nemugwagwa uri pedyo nekwaakavigwa.
Murume uyu akashaika musi wa7 Chikumi ndokuzovigwa kwadarika mazuva matatu.
Nyaya yekumuka kwechipoko chichiimba inotsinhirwa nasabhuku Marare, VaSimon Marare (44), vachiti kune vanhu veko vakaita mahwekwe nechipoko chinoimba ichi.
“Nyaya yemurume wekufa mutumbi wake ukazoimba uchitsinhira vanhu vaiva parufu rwake iri kutaurwa nepakasiyana sezvo tichinzwa kuti mufi uyu ava kumuka chipoko icho chinonzi chinonzwika chichiimba nziyo dzechehci nedzechivanhu. Vanhu vanonzi vanochiona asi zvinonzi hachirwise kana kudzingirira vanhu,” vanodaro Sabhuku Chirare.
Vanoti vachangobva kuviga mutumbi wevamwe ambuya vakashaikira kuBanket panzvimbo imwe chete iyi. Mugwagwa unodarika nekumakuva kwakaradzikwa mutumbi waAffet unonzi wava kutyisa kuushandisa.
Nyaya yechipoko chinoimba vanoti vanoinzwa nevagari vemunzvimbo iyi, asi ndokuti ivo havana humbowo nazvo vachiti dzimwe nguva manyepo.
“Vamwe vanhu vanotaura kwavasina kuswera, asi inyaya yazara muno. Ini sasabhuku handina humbowo nazvo,” vanodaro sabhuku ava.
Amai vemushakabvu, Mai Nyamhandu, vanoti nyaya iyi vanongoinzwa ichitaurwa nevamwe vanhu asi ivo havana kumbobvira vasangana nechipoko ichi.
“Nyaya yekunzi mwana wangu ari kumuka chipoko chinoimba nziyo ndinongoinzwa ichitaurwa nevamwe asi ini nemhuri yangu hatina chatinomboona. Asi chokwadi, mashoko aya azara muno. Chatinoziva bedzi ndechekuti chitunha chemwana wangu Affet chakaimba – ini ndini nyakutotanga kunzwa izwi rake achitsinhira nziyo,” vanodaro Mai Nyamhandu.
Kuchiti Fannuel Mupeyami anova mukoma wemufi anotiwo nyaya yekuti munin’ina wake anomuka chipoko anongoinzwa.
“Nyaya iyi tinongoinzwa nevanhu vachiti vari kusangana nechipoko chaAffet mumugwagwa chichiimba nziyo. Isu varidzi vemufi hatisati tambosangana nechipoko ichi uye kumba kwedu hatina kana dambudziko,” vanodaro VaMupeyami.
Mhuri iyi inoti iri kufamba kumaporofita nekun’anga vachitsvaga kubatsirwa nekuda kwenyaya yekuimba kwakaita chitunha ichi.
“Tine varikutibatsira nekuda kwemashura akaitika pamusha pedu ekuti chitunha chakaimba,” vanodaro VaMupeyami.