Mwana akaremara obatsirwa
MUDZIMAI wekubuda mubepanhau reKwayedza achikumbira rubatsiro rwewiricheya uye mari yekurapisa mwana wake akaremara mitezo pamwe nechikafu ari kutenda veruzhinji vava kumubatsira. Mai Jane Manjoro vekubhuku raGwaku, kwaMambo Munyama, kwaMutare ndivo vari kutsvaga mari yekurapisa mwana wavo, Takunda Munyama (15), uyo akabarwa akaremara mitezo yemuviri.
“Ndinotenda zvikuru nekuti vanhu vari kunditumira mari zvekuti pari zvino mari yapinda yava $1 800. Ndichatofumira kuchipatara kuti anovhenekwa uye kutsvaga chikafu chakareruka icho anokwanisa kumedza.
“Ndinokutenda zvikuru veKwayedza nekufambisa dambudziko rangu nekuti pfungwa dzanga dzondiremera semunhu ane mhuri yakakura uye ini nemurume wangu hatishandi.
‘‘Shuviro huru ndeyekuti kudai tawanawo wiricheya kuitira kuti tizorodze mbabvu dzake pakumubereka pamwe nesu tava kurwadziwa kana tichida kufamba nzendo sekuenda kuchipatara,” vanodaro Mai Manjoro.
Muviri wemwana uyu hausi kukura zvakanaka zvisinei nezera rake zvichitevera kukundikana kuwaniswa mapiritsi aanofanira kunge achitora nekuda kwekushaya mari kwevabereki vake.
Mwana uyu anofema nemukanwa sezvo mhuno yake akabarwa isingashande, haagone kutaura kana kufamba.
Mai Manjoro vanoti vakamboenda kuchipatara nemwana wavo makore mashanu adarika asi vakanzi vauye neUS$21 yekurapwa inova yavakashaya izvo zvakaita kuti vagumisire vava kugara kumba nemwana uyu vasisina tariro.
“Kubvira ipapo takangogara kumba nemwana. Mwana uyu atova nemakore 15 ekuberekwa asi muchimuona anoratidza semunhu ane makore mashanu nekuda kwekuti haasi kunwa mapiritsi anoita kuti muviri wake unge uchikura zvakanaka uye kudya chaiko kuri kutinetsa. Ndine vamwe vana vatanhatu vandinochengeta uye vatatu vavo havasi kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari,” vanodaro. Takunda akangofanana nevacheche sezvo asingakwanise kuzviendera oga kuchimbuzi nekudaro anoshandisirwa mbatya dzakasakara semanapukeni.
Vangada kubatsira vanobata Mai Manjoro panhare dzinoti 0777360591 dzinova nhamba dzeEcocash.