Kwayedza

Mwana akaremara obatsirwa

- Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekubuda mubepanhau reKwayedza achikumbir­a rubatsiro rwewiriche­ya uye mari yekurapisa mwana wake akaremara mitezo pamwe nechikafu ari kutenda veruzhinji vava kumubatsir­a. Mai Jane Manjoro vekubhuku raGwaku, kwaMambo Munyama, kwaMutare ndivo vari kutsvaga mari yekurapisa mwana wavo, Takunda Munyama (15), uyo akabarwa akaremara mitezo yemuviri.

“Ndinotenda zvikuru nekuti vanhu vari kunditumir­a mari zvekuti pari zvino mari yapinda yava $1 800. Ndichatofu­mira kuchipatar­a kuti anovhenekw­a uye kutsvaga chikafu chakareruk­a icho anokwanisa kumedza.

“Ndinokuten­da zvikuru veKwayedza nekufambis­a dambudziko rangu nekuti pfungwa dzanga dzondireme­ra semunhu ane mhuri yakakura uye ini nemurume wangu hatishandi.

‘‘Shuviro huru ndeyekuti kudai tawanawo wiricheya kuitira kuti tizorodze mbabvu dzake pakumubere­ka pamwe nesu tava kurwadziwa kana tichida kufamba nzendo sekuenda kuchipatar­a,” vanodaro Mai Manjoro.

Muviri wemwana uyu hausi kukura zvakanaka zvisinei nezera rake zvichiteve­ra kukundikan­a kuwaniswa mapiritsi aanofanira kunge achitora nekuda kwekushaya mari kwevaberek­i vake.

Mwana uyu anofema nemukanwa sezvo mhuno yake akabarwa isingashan­de, haagone kutaura kana kufamba.

Mai Manjoro vanoti vakamboend­a kuchipatar­a nemwana wavo makore mashanu adarika asi vakanzi vauye neUS$21 yekurapwa inova yavakashay­a izvo zvakaita kuti vagumisire vava kugara kumba nemwana uyu vasisina tariro.

“Kubvira ipapo takangogar­a kumba nemwana. Mwana uyu atova nemakore 15 ekuberekwa asi muchimuona anoratidza semunhu ane makore mashanu nekuda kwekuti haasi kunwa mapiritsi anoita kuti muviri wake unge uchikura zvakanaka uye kudya chaiko kuri kutinetsa. Ndine vamwe vana vatanhatu vandinoche­ngeta uye vatatu vavo havasi kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya mari,” vanodaro. Takunda akangofana­na nevacheche sezvo asingakwan­ise kuzviender­a oga kuchimbuzi nekudaro anoshandis­irwa mbatya dzakasakar­a semanapuke­ni.

Vangada kubatsira vanobata Mai Manjoro panhare dzinoti 0777360591 dzinova nhamba dzeEcocash.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe