Kwayedza

Covid-19: Dziviriro mushonga mukuru

-

VANHU vari kubatwa nevari kufa nechirwere cheCovid-19 vari kuramba vachiwanda — kwete muZimbabwe bedzi, asi nepasi rose.

Nyika ino yarasikirw­a nevanhu vanodarika 2 200 kusvika pari zvino nekuda kwechirwer­e ichi kubva pavanhu vanodarika 73 200 vabatwa nacho.

Havasi vanhu vashomaba ivava.

Vamwe vangangoti vashoma kana zvichienza­niswa nemamiriyo­ni evanhu vafa pasi rose.

Rufu rwemunhu mumwechete chaiye rwunorwadz­a zvekuti dai zvaibvira taida kuti Zimbabwe isarasikir­we neupenyu hwemunhu mumwe nekuda kwedenda iri.

Zvisinei, zvimwe zvacho hatina simba nazvo asi zvimwe tinaro. Simba rekuzvidzi­virira riri matiri.

Zimbabwe — sedzimwe nyika dzepasi rose — haisati yava nemushonga unorapa Covid-19, asi zvekuita kuti tisaparare sevanhu uye senyika zviripo.

Kudzivirir­a kutapurira­na Covid-19 zvinokwani­sika nemunhu wose. Dziviriro inokunda kurapwa.

Wadirei kuti Covid-19 itange yakubata kuti uzotora matanho ekuzvirapi­sa kana ekuzvidziv­irira?

Zvimwe zvacho zvinozorwa­dza — kunyanya ukazorasik­irwa nemunhu wepedyo kana wekuziva.

Kugona Covid-19 kuzvidzivi­rira — iwe pachako nenyika yose.

Izvi hazvidi mari seinozodiw­a pakuzvirap­isa kana worwara.

Hongu, Hurumende yedu iri kushingair­a kutora matanho anobatsira uye ichikoshes­a utano neupenyu hweruzhinj­i.

Ndokusaka nemusi weChipiri svondo rino mutungamir­i wenyika President Mnangagwa vakawedzer­a nemamwe masvondo maviri zvirongwa zvose zvelockdow­n. Handi kuti vanhu varwadziwe, asi kukoshesa upenyu. Izvi vakazviita vachiona kuti mhando itsva yeCovid-19 inodaidzwa kuti Delta yava muvanhu.

Iyi imhando inotapurir­anwa nekukasika, zviri nyore uye yakaipisis­a. Panguva imwe cheteyo, mutungamir­iri wenyika vaitarisaw­o kupa veruzhinji mukana wekuti vabaiwe majekiseni kana kuti nhomba dzekudzivi­rira Covid-19.

Zvinokudzw­a!

Asiwoka, matanho aya anotoshand­a kana achinge atevedzwa nevanhu — nemazvo.

Nguva yatava haichada zinyekenye­ke. Iwe ita pako ini ndoita pangu. Dziviriro ine simba hama!

Zviya zvekupfeka masiki sezvinonzi itayi inorembedz­wa muhuro kana pachirebvu hazvina wazvinobat­sira.

Zvinoitwa nevamwe zvekuungan­a zvinokonze­resa kutapurira­na kwedenda iri. Musaungane kana parufu chaipo.

Vamwe havadi kuzora mishonga kana kugeza maoko nesipo nemvura inochururu­ka. Kune vamwewo vanoita sevanovavi­wa zvekuti havadi kugara padzimba dzavo.

Kana usina zvaunofamb­ira, gara pamba unodarikwa nezvakawan­da. Kuzvidzivi­rira hakudi kuita nekuti waona vanochenge­tedza mutemo asi kuti ibasa rako iwe pachako.

Nekuti kana worwara vemutemo vanenge vasipo asi kuti unenge wotowedzer­a mutoro kunyika.

Saka vanhu veZimbabwe, zvidziviri­rei kuCovid-19 nguva ichiripo. Musazoti hamuna kunge mayambirwa.

Covid-19 iriko uye iri kuuraya!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe