Kwayedza

Akaponda baba natete

. . . ngwarirai mhondi ine demo: ZRP

- Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kutsvaga nemaziso matsvuku murume wekuKadoma nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda vanhu vaviri achiita zvekuvatem­a nedemo uyewo nedzimwe mhosva dzinosanga­nisa kubata chibharo, kuparadza midziyo nekuba.

Evans Chikore (29) anogara kuVillage 1, papurazi reLuwana, anonzi nemusi wa9 Chikunguru aiva akapakata demo, ndokuenda kumba kwevaberek­i vake kunzvimbo yeMarimira South uko akasvikota­ka nematombo baba vake vemakore 61 achibva azovatema nedemo kakawanda muviri wavo wose kusanganis­a mumusoro nepabendek­ete pasina chikonzero chaakapa ndokuvasiy­a vafira panzvimbo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanoti Chikore akazovhund­utsira amai vake nekuvapond­a achibva azopisa dzimba dzehuswa ina nechimusos­oso.

“Murume uyu aponda baba vake nekupisa dzimba nemusososo, akazoenda pamusha wakavakidz­ana newevabere­ki vake ndokuvavhu­ndutsira achiti aida kuvauraya achivapome­ra kuti vakambenge vamumhan’arira kumapurisa akasungwa nenyaya yekurova mwanakoman­a wepamusha apa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mapurisa vanoti muvakidzan­i uyu akazokwani­sa kutiza ndokuzosar­a Chikore achitema nedemo mwanakoma wepamusha apa kamwe chete mumusoro uyo akakuvara achibva asiya apisa zvakare dzimba mbiri dzehuswa.

Murume uyu anonzi akazoenda kumba kwatete vake ndokusanga­na navo mumugwagwa achibva avatema nedemo kakawanda mumusoro vachibva vafa, ndokupisa imba yavo yekubikira nemotokari yerudzi rweFord

Ranger.

“Chikore akazoenda pamusha uri padyo ndokubira mumwe mudzimai US$10 ndokumudho­nzera mumunda wechibage umo akamubata chibharo kamwe chete achimuvhun­dutsira. Apedza kupara mhosva iyi, akazoenda zvakare kumba kwemudzima­i uyu achibva anoba imwe US$40 negumbeze, ipapo akabva atungidza hozi yaiva nematani mashanu echibage, mabhagidhi makumi maviri emhunga, nemasaga gumi esimende,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

“Nekudaro tiri kutsvaga murume uyu nyaya iyi ichifeewa nekuda kwemhosva idzi uye vanenge vamuwana kana vane ruzivo vanokwanis­a kuzivisa mapurisa ari padyo navo kana kuridza nhare dzinoti 0242700363­1 kana 0712 800 197,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanokurudz­ira veruzhinji kukoshesa upenyu hwevanhu, vodzidza kutauriran­a kana paine zvinonetsa, uyewo kuti vanhu vakasike kuzivisa mapurisa kana paine vanhu vanoratidz­a kuti vari kuda kupara mhosva.

 ??  ??
 ??  ?? ASST Comm Nyathi
ASST Comm Nyathi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe