Kwayedza

Chava chipatapat­a kunobaiwa nhomba

- Muchaneta Chimuka

PANGUVA iyo Hurumende, kuburikidz­a nebazi rezveutano nekurerwa kwevana, iri kuramba ichiunza majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 nechinangw­a chekuti akwanirane nehuwandu hwevanhu vari munyika, veruzhinji vari kuratidza kutambira nemaoko maviri danho iri sezvo changova chipatata-pata zuva nezuva vanhu vachinobai­wa nhomba idzi kuzvipatar­a nekumakiri­niki.

Izvi zvava nemusiyana nepakutang­a apo vamwe vaiverenge­ra kunobaiwa majekiseni zvinova zvaikonzer­wa nemamwe mashoko emanyepo ayo aitendered­zwa pamasaisai eindaneti.

Asi iko zvino mashoko enhema aya haana achaterera sezvo veruzhinji vari kunobaiwa kuitira kuti vazvidzivi­rire kuchirwere cghanetsa pasi rose ichi.

MuZimbabwe majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 ari kubaiwa pachena uye kune vanozvipir­a.

Mutungamir­i wenyika President Mnangagwa, mutevedzer­i wavo VP Chiwenga, avo vanova zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana pamwe chete nevakuru veHurumend­e, vemachechi nevamwe vakatobaiw­a majekiseni aya.

Veruzhinji vava kuona kukosha kwekudzivi­rirwa kuchirwere ichi chinova chauraya vanhu vakawandis­a pasi rose.

Senzira yekuchenge­tedza upenyu, Hurumende iri kushambadz­a mashoko ekuti veruzhinji vabaiwe munzvimbo dzakasiyan­a ichishandi­sa mapepanhau nenhepfeny­uro mukuzivisa veruzhinji nezvakakos­hera kwekubaiwa majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 uye kuzivisa nezvenzvim­bo dzavanonob­aiwa.

Dzimwe dzenzvimbo dziri kubaiwa vanhu majekiseni muguta reHarare dzinosanga­nisira Braeside Clinic, Hatifield Satelite Clinic, Mbare Polytechic, Sunningdal­e Satelite Clinic, Waterfalls Clinic, Tariro Clinic, Western Triangle, Budirio Clinic, Borrowdale Clinic, Mabvuku Satelite Clinic, Rujeko Clinic nedzimwe dzakawanda.

“Tinofara zvikuru nekuunzwa kuri kuitwa mishonga yekudzivir­ira Covid-19 neHurumend­e nekuti zvinoratid­za kuti ine hanya neupenyu hwevanhu uye nesu tava kuonawo kuti mishonga iyi inobatsira zvisinei nekuti takambozen­gurira mumazuva azvakatang­a,” anodaro Tinotenda Miriro (25) anova mudzidzi wepaUniver­sity of Zimbabwe.

VaTinotend­a Mlambo vekuBudiri­ro 5 vanoti vakatonoba­iwa jekiseni repiri kuti vadzivirir­ike kubasa nekumba zvose nemhuri yavo.

“Covid-19 iriko, zvava kuda mushandira­pamwe wemunhu wose kuti tirwise chirwere ichi. Ini ndakatonob­aiwa jekiseni repiri nekuti ndiri munhu ane mhuri uye ndinokwira mabhazi akasiyana kuenda kubasa kureva kuti munhu wose anoenda panzvimbo ine veruzhinji ari panyatwa. “Kubaiwa kwandakait­wa hakureve kuti ndava kuregedza kupfeka mamasiki nekuti kunyangwe takadzivir­irwa, chirwere ichi chinogona kutibata asi chinenge chisisina hukasha kwakanyany­a sezvinoiti­ka kune asina kubaiwa,” vanodaro.

VaMlambo vanoti vanotambud­zwa nechirwere cheshuga uye bp, nekudaro vanoramba vachitora mishonga yavo zvizere.

“Takafundis­wa nemachirem­ba kuti kana ukadziviri­ra Covid-19 uye uchitora mishonga yako yezvirwere zvimwe zvinokutam­budza, zvinobatsi­ra kuti masoja emumuviri mako asava nyore kuparadzwa neCovid-19,” vanodaro.

Svondo rapera bedzi, Hurumende yakatambir­a mishonga yemhando yeSinovac inosvika 2 miriyoni kubva kunyika yeChina senzira yekusimbar­adza chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni anobatsira aya. Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinoti majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 ayo ari kupinda munyika muno akaonekwa akanakira utano hwevanhu uye haana zvaanokang­anisa.

Nemusi weChipiri chino, vanhu 29 344 vakabaiwa majekiseni ekutanga kureva kuti vanhu vakabaiwa majekiseni ekutanga vose munyika vava 955 656 apo vabaiwa echipiri vasvika 619 883.

 ??  ?? Vanhu vakamirira kubaiwa majekiseni eCovid-19
Vanhu vakamirira kubaiwa majekiseni eCovid-19

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe