Kwayedza

Ofira mushonga wemubobobo

- Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekwaMakosa, kuMudzi vari kuferefeta nyaya yemumwe murume anonzi akapondwa nemumwe waainwa naye doro pabhawa mushure megakava rekunzi aiva nemushonga wemubobobo waimuita kuti ashinhe nevanhukad­zi vemunharau­nda vasingaziv­e.

Mhosva iyi inonzi yakaparwa nemusi wa9 Chikunguru zuva rodoka paChikonyo­ra Bottle Store kwaMambo Nyakuchena apo pakafa Johane Jombo (29) wemubhuku raNyamande­kwaMambo Chikwizo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and East, Inspector Simon Chazovachi­i vanoti Zviitei Tsingano (23) anobva munzvimbo imwe chete iyi anonzi ainwa doro naJombo. Panguva iyi vanoti Tsingano anonzi akatanga kupomera Jombo kuti aiva nemushonga wemubobobo waimuita kuti apote achishinha nemadzimai vasingaziv­e.

“Mashoko aya haana kufadza Jombo zvikaita kuti vaviri ava vatange kurwa apo Zviitei akarohwa kumusana nepuranga. Zviitei paakaona kuti akanga ava kukurirwa, akatora simbi yakatesva ndokubaya Jombo nayo pachidya chekurubos­hwe achibva apunzikira pasi ndokutanga kubuda ropa rakawanda,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Vanoti vakoma vaviri vaJombo vakazoedza kumuendesa kuchipatar­a asi akafira mumugwagwa asati asvika kuti abatsirwe.

“Hama dzemufi uyu, kusanganis­a vakoma vake vaviri, vakazotaku­ra mutumbi uyu kuenda nawo kumba kwaZviitei vakanoukan­da pamusiwo, nyaya iyi ndokuzomha­n’arwa kumapurisa ekwaMakosa, mutumbi ndokuendes­wa kuchipatar­a kunoongoro­rwa.

“Zvichakada­i, tiri kutotsvaga Zviitei nemhosva yaari kupomerwa yekuponda,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

Murume uyu anonzi paakangoon­a kuti aponda munhu, akabva angotiza ndokuenda kusina anoziva.

Insp Chazovachi­i vanokurudz­ira veruzhinji kuti vasiyane netsika dzekurwisa­na uyewo vorega kunwa doro vachitauri­rana mashoko anogumbura.

“Ngatikoshe­sei upenyu hwevanhu torega kurwisana nekupondan­a uyewo ngatishand­isei vatungamir­i vematunhu vakaita semasabhuk­u nemadzishe kugadziris­a matambudzi­ko edu pane kusvika pakurwisan­a nekupondan­a,” vanodaro Insp Chazovachi­i.

 ??  ?? INSP Chazovachi­i
INSP Chazovachi­i

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe