Kwayedza

Zivai zvizere nezvePEP

-

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rakaona kuti vanhu vakawanda vane hudokwa-dokwa hwekuziva maringe nezvemisho­nga yePost-Exposure Prophylaxi­s (PEP).

Zvakakosha kuti munhu wese azive nezvayo.

Post-exposure prophylaxi­s kana kuti PEP zvinoreva kutora mishonga yemaantire­troviral(ARVs) mushure mekunge munhu wanenekedz­wa kuutachion­a hweHIV kuitira kuti usatapurir­we utachiona uhwu.

Mushonga uyu anoshanda mukati memaawa 72 ekunge wanenekedz­wa kuHIV uye unotengwa kana munhu achinge anyorerwa tsamba nemachirem­ba.

Kune nzira dzakawanda apo munhu anogona kunenekedz­wa kuutachion­a hweHIV setsaona, kubatwa chibharo, kubaiwa majekiseni kana kushandisa midziyo inocheka sereza pakati pezvimwe.

Mumwe munhu anogona kutozoziva pava paya kuti munhu waapinda naye pabonde ane utachiona hweHIV. Machiremba navanamuko­ti vanogona kubata ropa kana mimwe midziyo inenge iine utachiona hweHIV mubasa ravo nokudaro vanenge vachizoda mishonga yekudzivir­ira yemhando yePEP.

Mishonga iyi iripo pakudzivir­ira uye munhu asati apihwa mishonga iyi anofanira kutanga avhenekwa kuti aonekwe kuti haana here utachiona hweHIV.

Mishonga yePEP yakagadzir­wa nemishonga yemaAnti-Retroviral Drugs uye inofanira kuramba ichitorwa kwemazuva 28.

Chiremba ndiye anoona kuti munhu akadziviri­rwa zvakadii zvichiende­rana nekuti anenekedzw­a kuutachion­a uhwu nenzira ipi kana kuti nehudzamu kwakadii.

Mishonga iyi yakanaka uye haina njodzi kuutano hwevanhu zvisinei nekuti kunogona kuita vamwe vanhu vanoramban­a nayo mumuviri yavo asi isingavaku­vadze kana kuuraya zvayo.

Rangarirai kuti mishonga yePEP haisi yekuramba vanhu vachingois­handisa kana paine mikana yekuti munhu anenekedzw­a kuHIV uye haitsive mimwe mishonga inodziviri­ra HIV kusanganis­ira nyaya dzekushand­iswa kwebutiro rekondomu kana kucheneswa kwemidziyo yakarodzwa.

Nekuda kwenyaya dzerusarur­a kuvanhu vanenge vabatwa chibharo kana kuitwa bonde rekumashur­e (sodomy), vanhu vakawanda vanowanikw­a vachikundi­kana kudura paye pavanenge vambunyiki­dzwa zvinova zvinoita kuti vakundikan­e kuwaniswa rubatsiro rwePEP nenguva.

Vamwe vanonyaya kufamba vachitaurw­a kuti vari kutora mishonga yemaARVs zvinoita kuti varegedze kutora PEP zvinova zvinokanga­nisa utano hwavo. Zvakakosha kuti vanhu vange vachivhene­kwa kuti vazive pavamire maringe neHIV uye munyika muno tinoshorop­odza zvikuru vanhu vanosarura vanenge vachitora mishonga yavo yemaARVs kana vanenge vabatwa chibharo.

Kunyangwe varapi chaivo vanofanira­wo kurapwa kana vachinge vasangana nezvinovao­mera.

Shanyirai zvipatara zviri padyo nemi muvhenekwe HIV kana kuwaniswa PEP. Rangarirai kutora mishonga yenyu yamunenge manyorerwa nemachirem­ba.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe