Zivai zvizere nezvePEP
SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rakaona kuti vanhu vakawanda vane hudokwa-dokwa hwekuziva maringe nezvemishonga yePost-Exposure Prophylaxis (PEP).
Zvakakosha kuti munhu wese azive nezvayo.
Post-exposure prophylaxis kana kuti PEP zvinoreva kutora mishonga yemaantiretroviral(ARVs) mushure mekunge munhu wanenekedzwa kuutachiona hweHIV kuitira kuti usatapurirwe utachiona uhwu.
Mushonga uyu anoshanda mukati memaawa 72 ekunge wanenekedzwa kuHIV uye unotengwa kana munhu achinge anyorerwa tsamba nemachiremba.
Kune nzira dzakawanda apo munhu anogona kunenekedzwa kuutachiona hweHIV setsaona, kubatwa chibharo, kubaiwa majekiseni kana kushandisa midziyo inocheka sereza pakati pezvimwe.
Mumwe munhu anogona kutozoziva pava paya kuti munhu waapinda naye pabonde ane utachiona hweHIV. Machiremba navanamukoti vanogona kubata ropa kana mimwe midziyo inenge iine utachiona hweHIV mubasa ravo nokudaro vanenge vachizoda mishonga yekudzivirira yemhando yePEP.
Mishonga iyi iripo pakudzivirira uye munhu asati apihwa mishonga iyi anofanira kutanga avhenekwa kuti aonekwe kuti haana here utachiona hweHIV.
Mishonga yePEP yakagadzirwa nemishonga yemaAnti-Retroviral Drugs uye inofanira kuramba ichitorwa kwemazuva 28.
Chiremba ndiye anoona kuti munhu akadzivirirwa zvakadii zvichienderana nekuti anenekedzwa kuutachiona uhwu nenzira ipi kana kuti nehudzamu kwakadii.
Mishonga iyi yakanaka uye haina njodzi kuutano hwevanhu zvisinei nekuti kunogona kuita vamwe vanhu vanorambana nayo mumuviri yavo asi isingavakuvadze kana kuuraya zvayo.
Rangarirai kuti mishonga yePEP haisi yekuramba vanhu vachingoishandisa kana paine mikana yekuti munhu anenekedzwa kuHIV uye haitsive mimwe mishonga inodzivirira HIV kusanganisira nyaya dzekushandiswa kwebutiro rekondomu kana kucheneswa kwemidziyo yakarodzwa.
Nekuda kwenyaya dzerusarura kuvanhu vanenge vabatwa chibharo kana kuitwa bonde rekumashure (sodomy), vanhu vakawanda vanowanikwa vachikundikana kudura paye pavanenge vambunyikidzwa zvinova zvinoita kuti vakundikane kuwaniswa rubatsiro rwePEP nenguva.
Vamwe vanonyaya kufamba vachitaurwa kuti vari kutora mishonga yemaARVs zvinoita kuti varegedze kutora PEP zvinova zvinokanganisa utano hwavo. Zvakakosha kuti vanhu vange vachivhenekwa kuti vazive pavamire maringe neHIV uye munyika muno tinoshoropodza zvikuru vanhu vanosarura vanenge vachitora mishonga yavo yemaARVs kana vanenge vabatwa chibharo.
Kunyangwe varapi chaivo vanofanirawo kurapwa kana vachinge vasangana nezvinovaomera.
Shanyirai zvipatara zviri padyo nemi muvhenekwe HIV kana kuwaniswa PEP. Rangarirai kutora mishonga yenyu yamunenge manyorerwa nemachiremba.