Kwayedza

Ziva zveCovid-19 itsva

- Muchaneta Chimuka

MHANDO itsva yechirwere cheCovid-19 — inodaidzwa nekuti B.1. 617 — iri kutyirwa kuuya muZimbabwe uye zvinotever­a zvimwe zvezvingad­e kuzivikanw­a neveruzhin­ji pamusoro pechirwere ichi.

Covid-19 iyi yakaipisis­a

zvakadii?

Ongororo yakaitwa naDr Maria van Kerkhove vanova technical lead on Covid-19 kusangano reWorld Health Organisati­on (WHO) inoratidza kuti chirwere ichi chakaipisi­sa zvikuru uye chinoparar­ira nekukasika nekudaro vanhu vanofanira kuwaniswa ruzivo rwakakwana nenguva kuti vange vachidzivi­rira kutekesher­a kwacho.

“Kunyangwe zvazvo chirwere ichi chichiteke­shera nekukasika, zvakakosha kuti paitwe ongororo nekuti tinofanira kunge tiine ruzivo rwuzere maringe nemhando itsva yechirwere cheCovid-19 iyi inova yakatanga kuonekwa kunyika yeIndia,” vanodaro Dr Kernhove.

Nyanzvi dzezvesain­zi dzinoti kune zvimwe zvinhu zvinoita kuti chirwere ichi chitekeshe­re, somuenzani­so misangano yaiitwa kunyika yeIndia apo vanhu vaiungana nehuwandu hwavo zvikuru sei kutanga kwegore rino.

Chakaipa zvakadii?

Pari zvino hapasati pava neumbowo hunoratidz­a kuti mhando yeB.1.617 ine hukasha hwakanyany­a kusvika papi pane Covid-19 yagara iri muZimbabwe.

“Hatisati tava neumbowo huzere kuti tibvume kuti mhando yechirwere cheCovid-19 iyo yakatangir­a kunyika yeIndia ingakonzer­a here hurwere hwakanyany­a uye chirwere ichi chakatekes­hera zvekare munyika yeUK,” sekutaura kwenyanzvi dzezveutan­o kuEngaland.

Majekiseni anobatsira here kudzivirir­a mhando itsva iyi?

Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti pachiri kuda kuitwa ongororo yakasimba asi dzinokomek­edza kuti vanhu vavhenekwe nekukasika kuti vakurumidz­e kubatsirik­ana.

Ongororo yakaitwa kuOxford inoratidza kuti mishonga yekudzivir­ira chirwere cheCovid-19 inobatsira zvekare mukurwisa mhando itsva dzehutachi­ona uhwu.

Sangano reWHO rinoti hakusati kwave neumbowo hunoratidz­a kuti kubaiwa majekiseni ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19 kungatadza kushanda mukudzivir­irawo mhando itsva dzehutachi­ona idzi.

Dzimwe nhando dzeutachio­na hweCovid-19 dzakaonekw­a kunyika dzinosanga­nisira UK, Brazil nekuSouth Africa.

KuIndia, chikamu cheCentre for Cellular and Molecular Biology, chinova chine marabhorit­ari anovheneka hutachiona, zvakaonekw­a kuti mushonga weCovaxin wakakosha mukurwisa hutachiona hutsva uhwu uye mushonga uyu unobvumidz­wa kushandisw­a muZimbabwe.

◆ Ruzivo urwu rwabva padandemut­ande reZimfact rinoti https://zimfact. org/indian-covid-19-variant-detected-in-zimbabwewh­at-you-need-to-knowabout-it/

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe