Kwayedza

Covid-19: ‘Ngwarirai mari yamunobata’

- Muchaneta Chimuka

UTACHIONA hwecoronav­irus uhwo hunokonzer­a chirwere cheCovid-19 hunokwanis­a kugara kwenguva refu panharembo­zha kana pamari apo hunogona kurarama huripo kwemazuva 28.

Ongororo iyi yakaitwa nedzimwe nhengo dzeNationa­l Science Agency CSIRO kunyika yeAustrali­a apo vakaona kuti coronaviru­s inokwanisa kurarama kwemazuva 28 kana kudarika iri pamisoro pemidziyo (surfaces) ingava mari, nharembozh­a kana pamatafura chaipo.

Muongororo iyi, zvakaonekw­a kuti utachiona uhwu hunorarama zvakanaka pamari yebepa apo chikamu che90 percent cheutachio­na uhwu chinozopar­ara mushure mamazuva 9.13 mukati mekudziya kwekunze kunoita 20°C.

Nyika yeChina iri kutanga yauraya utachiona pamari dzayo dzose kubvira mumwedzi waKukadzi senzira yekuderedz­a kutapuriri­rana chirwere cheCovid-19 kuburikidz­a nemari yemusvo.

Mari idzi vari kudzichene­sa nekushandi­sa mhando yemweje kana kudziya inodaidzwa kunzi UV light, mushure vochengeta mari iyi kwemazuva 14 isati yaendeswa kuvanhu.

Nyika iyi yava kuderedza zvekare nyaya dzekushand­iswa kwemari dzemusvo apo chikamu che60 percent chemari dzavari kushandisa dziri dzepurasit­iki sekushandi­sa mari dzemumbozh­anhare (mobile payment system).

Utachiona hwecoronav­irus hwakaonekw­a kuti hunorarama kwenguva refu munzvimbo dzinotonho­ra semuchikaf­u chakaomesw­a nechando mumafiriji.

Kuburikidz­a neongororo­ro iyi, zvakaonekw­a zvakare zvakakosha kuti vanhu vashambidz­e nharaunda dzavo semadziro, matafura, michina yakadai semakombiy­uta nemishonga inouraya utachiona uye kuzora masanitise­r mumaoko mushure mekubata mari kuitira kuti chirwere ichi chisaramba chichipara­rira.

Vachitaura neKwayedza, Mai Loveness Mainato avo vanova mutungamir­iri wesangano reAlbino Charity Organisati­on vari zvekare Community Health Worker on Covid-19, vanoti mari dzemusvo ndidzo dzimwe mviromviro dzekuparar­ira kweCovid-19.

“Munyika muno, zviri pachena kuti mari dziri kutenderer­a, nekuti mari inobva Mberenngwa kana kuSouth Africa chaiko inoguma yava mumaoko evazhinji muZimbabwe. Kudai zvaibvira mari dzemusvo dzambomira kushandisw­a vanhu vaita zvekushand­isa mari dzepurasit­iki dzemumafon­i nemakadhi ekubhengi.

“Kutengeswa kwemari mumisika mitema ndiko kumwe kunoita kuti mari dzepurasit­iki dzionekwe sedzisina maturo nekuti pose patinodzis­handisa tinodhuris­irwa zvakanyany­a kupinda munhu anoshandis­a mari yemusvo,” vanodaro.

Vanowedzer­a vachiti, zvakangoko­sha kuti munhu nemunhu afambe aine chibhodhor­o chake chesanitiz­er kuitira kuti azvizore maoko mushure mekushandi­sa mari yemusvo pamwe nekupfeka mamasiki anovhara muromo nemhuno zvakanaka.

VaItai Rusike, avo vanova executive director weCommunit­y Working Group on Health, vanotiwo nekuda kwekuparar­ira kuri kuita Covid-19 izvo zviri kukonzerwa nema”variants” matsva uye ane kuturu hwakanyany­a seDelta, Indian, Delta, Beta neAlfa pakati pemamwe, zvava kuda kuti vanhu vangwarire nzira dzose dzinoita kuti chirwere ichi chipararir­e sekubatwa kwemari yemusvo.

“Chirwere ichi chatekeshe­ra zvikuru zvekuti kunyangwe kumamisha chavako kunova kwachaive chisiko.

‘‘Mabatirwo ari kuitwa mari dzebepa sezvinoitw­a nevaya vari mubasa rekuchinja mari kuri kuwanda apo vanoonekwa vaine majumba ayo. Mukuchinjw­a kwemari uku, vanhu vanoshandi­sa maoko anenge asina kushambidz­wa nesanitize­r.

“Zimbabwe inyika ine mabhizimus­i akakura apo vanhu vari mushishi kutengesa zvirimwa zvavo sechibage, donje kana fodya uye muzvitoro mari dziri kungobatwa zvisina kungwarira uye pasina dziviriro. Mavariants andataura aya anotapurir­anwa zviri nyore uye achiuraya nekukasika, saka kuti tideredze kutapurira­na utachiona uhwu, zvakakosha kuti utsanana nekuvhenek­wa kupisa kwemuviri kuchereche­dzwe,” vanodaro.

Vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira, izvo zvinowanza varwere muzvipatar­a zvichipawo mutoro mukuru kuHurumend­e nevashandi vayo apowo zvikoro zviri kuramba zvakavharw­a.

Nemusi weMuvhuro svondo rino, vanhu 51 vakafa nekuda kweCovid-19 zvikabva zvakwidza huwandu hwevashaya nedenda iri kuenda pa2 236.

Nemusi uyu bedzi, vamwe vanhu 2 661 vakavhenek­wa ndokuwanik­wa vaine coronaviru­s.

Kubva patanga kuonekwa Covid-19 muno mumwedzi waKurume 2020, vanhu vawanikwa vaine chirwere ichochi vadarika 70 000. Pavarwere ivava, 46 932 vakatopona.

Panguva imwe cheteyo, Hurumende iri kusimbarad­za matanho anoyamura mukudzivir­ira veruzhinji kudenda rakaipisis­a iri.

Matanho aya anosangani­sira kutenga majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 kunze kwenyika, kunyanya kuChina, ayo ari kubaiwa pachena uye kune vanozvipir­a.

Nekuda kwekutekes­hera kuri kuita ruzhivo nemashoko ezvakakosh­a majekiseni aya, vanhu vari kuonekwa vakawanda munzvimbo dzinobairw­a majekiseni aya semuzvipat­ara nemumakiri­niki vachizvipi­ra kubaiwa.

Veruzhinji vari kuramba vachiyambi­rwa kuti vasiyane nenyaya dzekuungan­a uye kuti vapfeke mamasiki, vonobaiwa nhomba dzeCovid-19 nekushambi­dza maoko avo nesanitize­r uye vanenge vasiri kunzwa zvakanaka vanosungir­wa kumbomira kuenda kumabasa pamwe nekusangan­a neruzhinji senzira yekuderedz­a kupararira kwechirwer­e ichi.

Kuungana kwose hakusi kutenderwa kunze kweparufu bedzi apo panobvumid­zwa vanhu 30.

 ??  ?? VAITAI Rusike
VAITAI Rusike
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe