Kwayedza

Vowana mvura yakachena

- Kingstone Mapupu

VAGARI vepapurazi reBlackfor­dby riri pedyo nekoreji yezvidzidz­o zvekurima yeBlackfor­dby, kuConcessi­on vari kutenda nekuwanisw­a mvura yakachena inobva mumapombi nguva dzose rinova danho guru mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Purazi iri rinowanikw­a pakati peConcessi­on neNyabira apo panogara vanhu vakawanda vaimbova vashandi vepapurazi iri asi vave kurarama nekurima nekuitawo mamwe mabasa.

Komboni iyi inogara mhuri dzinodarik­a zana, uye vose vakaisirwa mapombi emvura iyo inobva muchibhora­ni chakachere­swa neBlackfor­dby Agricultur­e College.

Mai Pamhidzai Simonje (34) vanova mumwe wevagari vemukombon­i yepapurazi apa uye vachimirir­a chikamu chekodzero dzemadzima­i, vanotenda kuwaniswa mvura yakachena rinova danho guru pakurwisa Covid-19.

“Vabereki vedu vaishandir­a murungu aiva pano kusvikira Hurumende yazotora purazi rino ndokutigov­era minda, tine chikoro chekoreji yeBlackfor­dby chinodzidz­isa zvidzidzo zvekurima icho chakazoisa mapombi kubva kuchibhora­ni chavo anounza mvura kuruzhinji rinova danho ratinotend­a zvikuru.

‘‘Tave kugara muutsanana, kunyange chapa inogumisir­a yaakunyara yozvishamb­idza,” vanodaro Mai Simonje.

Vanoti mapombi akaiswa mumusha uyu anodarika gumi kuitira kuti vanhu vachere mvura vakataramu­kana sezviri kukurudzir­wa neveutano mukudzivir­ira kutapurira­na Covid-19.

“Mvura iyi haina painonzi yapera, inogara iriko nekuti mumatangi makuru aripo inogara yakapomber­wa ichizongod­zikiswa kumapombi edu mukomboni. Kureva kuti utsanana tinaho pano huzere,” vanodaro Mai Simonje.

Semutungam­iri wemadzimai, vanoti vanokurudz­ira kuti vanhu vanoenda pamapombi apa vachichera mvura vapfeke mamasiki nekuzorawo mishonga yemasaniti­ser.

“Vabereki vazhinji muno vanoswera kumabasa saka tinogara tichiita misangano yekudzidzi­sa vabereki ava kuti vana vavo vaite utsanana nguva dzose kuti tisawane mumwe wedu muno anobatwa neCovid-19.”

Mai Simonje vanotenda sachigaro wavo, VaMutupany­ama nekuda kwekugara vachifamba vachikurud­zira ruzhinji kuti vatevedzer­e zvose zvinodiwa munyaya yekurwisa Covid-19.

“Nekuda kwehutsana­na hunogara huchiitwa mukomboni muno zvichisimb­iswa nekuwanisw­a kwatakaitw­a mvura yakachena, hatisati tawana munhu abatwa nedenda iri muno, uyewo zvirwere zvemanyoka izvo zvaimbonet­sa zvava zvishoma,” vanodaro Mai Simonje.

 ??  ?? MAPOMBI akaiswa muBlackfor­dby anodarika gumi
MAPOMBI akaiswa muBlackfor­dby anodarika gumi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe