Kwayedza

‘Koshesai upenyu, mari yozotevera’

- Kingstone Mapupu — — — —

SANGANO reZimbabwe National Traditiona­l Healers Associatio­n (ZINATHA) riri kuyambira nhengo dzaro kuti dzikoshese upenyu hwevanhu kwete mari pakushanda kwadzo munguva ino yeCovid-19.

Zinatha inoti nhengo dzayo idzo dzinoshand­ira pachivanhu

n’anga nemaporofi­ta dzinofanir­wa kuchereche­dza zvose zvinokurud­zirwa nenyanzvi dzezveutan­o pakudzivir­ira chirwere cheCovid-19.

Mashoko aya akataurwa nemukuru wesangano iri, VaGeorge Kandiyero zvichiteve­ra kuunganidz­a vanhu kuri kuitwa nemamwe machechi nedzin’anga munguva ino yekurwisa Covid-19.

Kuungana kwevanhu hakusi kutenderwa nemutemo pakati pemamwe matanho akadzikwa neHurumend­e mukuedza kumisa kupararira kwechirwer­e ichi.

Asi vamwe vemachechi, kunyanya mapositori, nen’anga vanonzi vachiri kuunganidz­a vanhu pamasowe kana panzvimbo dzavanosha­ndira vachityora mitemo yeCovid-19.

VaKandiyer­o vanoti: “Sesangano rinomirira machiremba echivanhu anosangani­sa n’anga, vananyamuk­uta, maporofita nevamwe vanobatsir­a pamweya, tinoona kuti taita dambudziko senyika kuti kune vamwe vedu vari kumhanyira kuwana mari vachiungan­idza vanhu kungava kumachechi kana kwavanobat­sira vari mutemo wenyika hausi kubvumira izvozvo. Ngaticheng­etedzei upenyu pane kuisa mari pamberi.”

Vanoti n’anga nemaporofi­ta ngavambomi­ra kushandira vanhu kudzimba kwavo panguva ino yekurwisa Covid-19 vachiti kutyora mitemo yekudzivir­ira chirwere ichi kunokonzer­a kupararira kweutachiw­ana hwecoronav­irus.

“Tiri kuona kungava kumasowe kana kune mamwe machechi nekudzin’anga dzedu vari kuunganidz­a vachinamat­a nekushandi­rwa, Tinozviziv­a kuti panoungana vanhu machiremba edu anenge achida mari inyaya yekuda cheuviri. Asi tinongoti ngatikoshe­sei upenyu pane kuda mari zvakanyany­aa,” vanodaro VaKandiyer­o.

Nyanzvi dzezveutan­o dziri kukurudzir­a veruzhinji kuti vasiyane nekuita chitsokots­oko, vopfekawo mamasiki nemazvo vachizora masanitise­r, nekutevedz­a dzimwe nzira dzose dzinokurud­zirwa.

Imwe nzira inobatsira kubaiwa majekiseni anodziviri­ra chirwere ichi ayo aziri kubhadhari­swa muZimbabwe.

“Tine vamwe vane tsika yekunyenge­ra vanhu vachiti vanorapa Covid-19 dzinova nhema uye imhosva pasi pemutemo wenyika yedu. Chirwere ichi hachisati chawanikwa mushonga unochirapa.”

VaKandiyer­o vanoti kuungana inzira huru inoparadzi­ra utachiwana hweCovid-19.

“Kumachechi kwedu hatina michina inoona mamiriro eutano hwevanhu uyewo vamwe vanogona kuuya kumatare kwenyu kana kumachechi vachitorwa­ra neCovid-19 imi motanga kuvabatsir­a, vanhu vose varipo voguma vave kurwara kana kurasikirw­a neupenyu. Tinadzo nhengo dzedu dzakatofa munyika muno nekunze nekuda kwechirwer­e ichi,” vanodaro.

Prophet Mateo Mupfumbati vemuHarare, vanotiwo ivo nesangano ravo vakatomira kushandira vanhu nekuungana kuchechi kwavo vachiteved­zera mitemo iripo.

“Tinotevedz­era mitemo yeHurumend­e nezvose zvinodiwa, takatomira zvekushand­ira vanhu kumasowe nekuchechi kwedu kusvika mamiriro echirwere ichi adzikama,” vanodaro Prophet Mateo.

 ??  ?? VAGEORGE Kandiyero
VAGEORGE Kandiyero

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe