Kwayedza

Tevedzai mitemo yelockdown: ZRP

- Muchaneta Chimuka

NEDONZVO rekurwisa denda reCovid-19, mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kusimbarad­za zvirongwa zvekuona kuti veruzhinji vatevedzer­a zvizere matanho akatarwa neHurumend­e nechinangw­a chekuedza kumisa kupararira kweCovid-19.

Izvi zvaona vanhu vari kutyora mirawu iyi vachisungw­a zvichiteve­ra kukwira kuri kuita nyaya dzechirwer­e ichi pamwe nevanhu vari kufa nacho.

Ongororo yeKwayedza muguta reHarare inoratidza kuti mapurisa ari kufamba ari muzvikwata vachisunga vanhu vanongombe­ya zvisina maturo, vaya vasina kupfeka mamasiki uye vanotenges­a pamisika yemikoto.

Mumigwagwa motokari nemabhazi zviri kumiswa nemapurisa vachida kuona kuti veruzhinji vari kutevedzer­a mitemo iyi here.

Mitemo yakadzikwa neHurumend­e yakananga kuderedza kupararira kweCovid-19 kana ikatevedzw­a nemazvo.

Pakufamba pachine dambudziko sezvo mamwe mabhazi, marori nemotokari diki dziri kuonekwa dzakapakir­ana vanhu pasina kusiya mukana wekufema uye vazhinji vacho vanenge vasina kupfeka mamasiki zvinova zvimwe zvezvinhu zviri kubatsira mukuparari­ra kwechirwer­e ichi.

Mangwanani eMuvhuro uno, mumugwagwa Seke uyo unobva kuChitungw­iza uchipinda muguta reHarare pamwe neunoenda nekuMbudzi, vatyairi vakaona moto zvichiteve­ra kusafamba zvakanaka kwedzimoto­kari nekuda kwekusimba­radzwa kwemitemo ye “lockdown” kuri kuitwa nemapurisa.

Zvisinei, vamwe vatyairi vari kugumisira voshandisa migwagwa yekudimbur­ira vachinzven­ga mapurisa.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Tendai Mwanza vanoti: “Zvamuri kuona zviri kuitwa nemapurisa hakusi kupfidzisa vanhu kwete, asi kuti varipo pakubatsir­a mukuchenge­tedza upenyu nekuti sezvamuri kuona, huwandu hwevanhu vari kufa neCovid-19 huri kuwanda zuva nezuva. Hazvisi zvinhu zvitsva nekuti ibasa ravo semapurisa kuzadzikis­a mitemo yakadzikwa neHurumend­e kuti inge chichiteve­dzwa nemazvo.

“Vanhu havafanire kungopinda muguta nemumadhor­obha pasina zvikonzero.”

Insp Mwanza vanoti vashandi vepamberi bedzi ndivo vari kutarisirw­a kunge vachipinda muguta uye vachinanga kumabasa avo kwete kuti vanhu vaswere vachingomb­eya.

“Tinokumbir­isa kuti vanhu vashandidz­ane zvakanaka nemapurisa vachiteved­za zvavanenge vachiyambi­rwa. Kune vamwe vari kubatwa vasina kupfeka mamasiki, saka mapurisa ane kodzero yekuvasung­a.

“Mapurisa vachataris­a kunyangwe makambani kana nzvimbo dziri kushandirw­a nevanhu kuti dziri kufiritwa here nguva nenguva, vashandi vakapfeka mamasiki here uye huwandu hwavo nekuti mawoko ari kushambidz­wa here mungava muzvitoro,” vanodaro.

Panyaya yezvekufam­bisa, Insp Mwanza vanoti vatyairi havafanire kungomhany­a vachidarik­a nepane mapurisa asi kuti vadarike kana vapihwa mvumo.

“Tiri kunzwa kuti kune vamwe vatyairi vari kuti havadi zvekunonot­swa nemapurisa, zvino imhosva kana ukawanikwa uchityaira nekunobva nedzimwe motokari (oncoming).

“Hapana chekumhany­ira, tevedzai zvinodiwa nemapurisa mumigwagwa,” vanodaro.

 ??  ?? Motokari dzakadunga­midzana muna Seke Road
Motokari dzakadunga­midzana muna Seke Road
 ??  ?? Mapurisa achisunga vanhu muguta reHarare
Mapurisa achisunga vanhu muguta reHarare

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe