Tevedzai mitemo yelockdown: ZRP
NEDONZVO rekurwisa denda reCovid-19, mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kusimbaradza zvirongwa zvekuona kuti veruzhinji vatevedzera zvizere matanho akatarwa neHurumende nechinangwa chekuedza kumisa kupararira kweCovid-19.
Izvi zvaona vanhu vari kutyora mirawu iyi vachisungwa zvichitevera kukwira kuri kuita nyaya dzechirwere ichi pamwe nevanhu vari kufa nacho.
Ongororo yeKwayedza muguta reHarare inoratidza kuti mapurisa ari kufamba ari muzvikwata vachisunga vanhu vanongombeya zvisina maturo, vaya vasina kupfeka mamasiki uye vanotengesa pamisika yemikoto.
Mumigwagwa motokari nemabhazi zviri kumiswa nemapurisa vachida kuona kuti veruzhinji vari kutevedzera mitemo iyi here.
Mitemo yakadzikwa neHurumende yakananga kuderedza kupararira kweCovid-19 kana ikatevedzwa nemazvo.
Pakufamba pachine dambudziko sezvo mamwe mabhazi, marori nemotokari diki dziri kuonekwa dzakapakirana vanhu pasina kusiya mukana wekufema uye vazhinji vacho vanenge vasina kupfeka mamasiki zvinova zvimwe zvezvinhu zviri kubatsira mukupararira kwechirwere ichi.
Mangwanani eMuvhuro uno, mumugwagwa Seke uyo unobva kuChitungwiza uchipinda muguta reHarare pamwe neunoenda nekuMbudzi, vatyairi vakaona moto zvichitevera kusafamba zvakanaka kwedzimotokari nekuda kwekusimbaradzwa kwemitemo ye “lockdown” kuri kuitwa nemapurisa.
Zvisinei, vamwe vatyairi vari kugumisira voshandisa migwagwa yekudimburira vachinzvenga mapurisa.
Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Tendai Mwanza vanoti: “Zvamuri kuona zviri kuitwa nemapurisa hakusi kupfidzisa vanhu kwete, asi kuti varipo pakubatsira mukuchengetedza upenyu nekuti sezvamuri kuona, huwandu hwevanhu vari kufa neCovid-19 huri kuwanda zuva nezuva. Hazvisi zvinhu zvitsva nekuti ibasa ravo semapurisa kuzadzikisa mitemo yakadzikwa neHurumende kuti inge chichitevedzwa nemazvo.
“Vanhu havafanire kungopinda muguta nemumadhorobha pasina zvikonzero.”
Insp Mwanza vanoti vashandi vepamberi bedzi ndivo vari kutarisirwa kunge vachipinda muguta uye vachinanga kumabasa avo kwete kuti vanhu vaswere vachingombeya.
“Tinokumbirisa kuti vanhu vashandidzane zvakanaka nemapurisa vachitevedza zvavanenge vachiyambirwa. Kune vamwe vari kubatwa vasina kupfeka mamasiki, saka mapurisa ane kodzero yekuvasunga.
“Mapurisa vachatarisa kunyangwe makambani kana nzvimbo dziri kushandirwa nevanhu kuti dziri kufiritwa here nguva nenguva, vashandi vakapfeka mamasiki here uye huwandu hwavo nekuti mawoko ari kushambidzwa here mungava muzvitoro,” vanodaro.
Panyaya yezvekufambisa, Insp Mwanza vanoti vatyairi havafanire kungomhanya vachidarika nepane mapurisa asi kuti vadarike kana vapihwa mvumo.
“Tiri kunzwa kuti kune vamwe vatyairi vari kuti havadi zvekunonotswa nemapurisa, zvino imhosva kana ukawanikwa uchityaira nekunobva nedzimwe motokari (oncoming).
“Hapana chekumhanyira, tevedzai zvinodiwa nemapurisa mumigwagwa,” vanodaro.