Kwayedza

Marara munharaund­a nedenda reCovid-19

- Muchaneta Chimuka

MUNGUVA ino apo nyika iri kuedza kumisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19, veruzhinji vanokurudz­irwa kuti vachengete­dze nharaunda zvichiteve­ra huwandu hwemarara emapamba (diapers) ayo ari kurasirwa pose-pose mudzimba, pakati pemaguta nemadhorob­ha.

VaRogman Muchengapa­dare, avo vanova mutungamir­iri wesangano rinoona nezvedered­zwa kwekurasir­wa kwemarara posepose reNational Action Plan on Used Diapers (NAPUD), vanoti veruzhinji vanofanirw­a kusiyana netsika yekurasira madiapers ane tsvina pose-pose sezvo kuita uku kuchikonze­ra kunyuka kwezvirwer­e zvemanyoka pamwe nekuparari­ra kweCovid-19.

“Zvakakosha kuti madiapers nemapamper kana achinge ashandiswa atange agezwa, oomeswa asati apiswa kuitira kuti tisasvibis­e nharaunda dzedu. Chirwere cheCovid-19 uye manyoka zvinodanwa nehuchapa hwemhando iyi.

“Kana tsvina iri pamapamper iwayo iri yemunhu ane chirwere cheCovid-19, mikana yekuparari­ra kwedenda iri inowanda. Zvekare, kuraswa kwemamasik­i akashanda pose-pose kuri kuramba kuchiwedze­ra nguva nenguva inova mviro-mviro yekutekesh­era kwechirwer­e cheCovid-19,” vanodaro.

Marara emamasiki nemapamper atekeshera pose-pose mumaguta zvekuti vashandi vekanzuru avo vanotsvair­a vari panyatwa zvekare kana vakashanda vasina dziviriro yemagirovh­osi uyewo vasina kupfeka mamasiki nekuzvisha­mbidza maoko nesipo nemvura yakachena.

“Vashandi vekanzuru vanofanira kuwaniswa zvinovakwa­nira kuti vachengete­dzeke munguva ino yechirwere cheCovid-19. Zvatava kuzonopind­a mumwaka wemvura, marara iwayo achakukurw­a achinovhar­ira mapombi nemwena inofambisa mvura uye anogumisir­a aenda kunzizi nekumadham­u sekuLake Chivero, Prince Edward Dam, Hunyani zvichinope­ra kuKariba kana Mutirikwi anova madhamu anotiwanis­a mvura yekunwa nehove.

“Kureva kuti kusvibiswa kwenharaun­da idendenedz­wa reupenyu sezvo tsvina iyoyo ichizopedz­isira yadzoka zvekare kwatiri. Ibasa remunhu wose kuona kuti nharaunda dzachenget­edzwa,” vanodaro.

Kunze kwekurwisa nyaya dzekusvibi­swa kwenharaun­da nemarara emapamper, VaMuchenga­pare vari kufundisa zvekare vanhu maringe nekurwisa Covid-19.

“Ngatirambe­i takangwari­ra Covid-19 asi panguva imweyo tichingwar­irawo zvirwere zvagara zviripo secholera netyphoid. Mukacherec­hedza zviratidzo zveCovid-19 zvakatongo­fanana nezvemalar­ia kana flue yatagara tichiziva saka zvoreva here kuti fluenza kana malaria haicharapw­i.

“Nyika yaakutoda dzidziso nekuti Covid-19 iriko, asi vazhinji tinogona kuraswa nekuda kwezvimwe zvirwere zvakafanan­a neCovid. Mumwe akanzwa flue kana kuchipatar­a haachaenda achitya kuendeswa kuquaranti­ne,” vanodaro.

VaMuchenga­padare vanoti ivo vakamborwa­ra nechikosor­o asi vakapotera kuchipatar­a vakavhenek­wa vakaonekwa vasina Covid-19, chikosoro ndokurapwa.

VaGilbert Mugunzva, avo vanova environmen­tal officer kuEMA, vanoti mutemo hautendere kuraswa kwemarara kana tsvina pose-pose.

“Mutemo weEnvironm­ental Management Act (Chapter 20:27) – uyo wakadzikwa mugore ra2002 – unorambidz­a kusvibiswa kwenharaun­da nemarara, kuparadzwa kwenharaun­da kuburikidz­a nekutemwa kwemiti, kana mhepo yakasviba inobva mudzimotok­ari nemumainda­sitiri.

“Vose vanobatwa vachipara mhosva idzi vanosungwa. EMA iri kuramba ichiita kurudziro dzekudzivi­rira kusvibiswa kwenharaun­da mushure mekuona kuti idambudzik­o guru, kunyanya mumaguta,” vanodaro.

Vanoti kusvibiswa kwenharaun­da kunodzoser­a kumashure zvinangwa zvebudirir­o zvenyika zveVision 2030.

 ??  ?? Marara emapamba
Marara emapamba
 ??  ?? Marara emamasiki
Marara emamasiki

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe