Kwayedza

Vaimbi siyanai nekungoche­ma, itai zvimwe’

- Abel Ndooka

VAIMBI venziyo dzechitend­ero — Robbie Mandiki naSmart Matewu — vari kupa kurudziro kuruzhinji, kusanganis­ira vemagitare nemadhiram­a, kuti vashandise maoko avo mukutsvaga raramo sezvo mabasa avo akanganisw­a neCovid-19.

Mandiki naMatewu vakashanda vose vachitanga zvemimhanz­i ndokuzopar­adzana mumwe nemumwe vonotanga zvikwata zvavo.

Muhurukuro neKwayedza, vaimbi ava vanoti kuburikidz­a nedenda reCovid-19, vakabatani­dzwa zvekare uye vari kushanda vose vachiita mabasa akasiyana kuti vakwanise kuraramisa mhuri dzavo uye nenhengo dzezvikwat­a zvavo zvavanotun­gamira.

“Takashanda tose kubva kare ndokuzopar­adzana tave kunotanga zvikwata zvedu. Asi iye zvino tabatana zvekare uye tiri kushanda tose mukurwisa Covid-19.

“Mhuri dzedu dzinoda kudya, magitare haasi kutenderwa kuridzwa saka tave kutoshanda mamwe mabasa kuti tiraramise mhuri,” anodaro Mandiki.

Achitauraw­o, Matewu anoti vamwe vaimbi ngavasango­garira maoko vachichema neCovid-19 vachiti yakanganis­a upenyu hwavo, asi kuti vatochanga­muka kushandisa maoko avo mukutsvaga mari yekurarami­sa mhuri dzavo pamwechete nezvikwata zvavo.

“Ngatisango­chema tichiti Covid-19 yatikangan­isa, takapihwa maoko naMwari saka ngatigone kuashandis­a tiraramise mhuri dzedu.

“Hongu, Covid-19 iriko uye yavhiringi­dza zvakawanda, asiwo kungogara uchichema hakuunze chikafu mumba. Mhuri dzinoda kushandirw­a saka ngatidzish­andire.

“Isu sevaimbi, tiri kutofanirw­a kuchangamu­ka toshanda nesimba kuita mabasa anounza pundutso nekuti magitare aitirarami­sa akambomisw­a nekuda kweCovid-19,” anodaro Matewu.

Pari zvino Matewu, uyo anobva kwaRusape, ari mushishi kubika dambarefu rake rekutanga rinonzi “Vavingei” iro anotarisir­a kuparura munguva pfupi inotevera.

Kuchiti Mandiki, uyo vazhinji vanomuziva nenziyo dzakaita mukurumbir­a dzinosanga­nisira “Kereke yapinda matsotsi” na”Mwari huyayi vanhu vaye vatanga” ari pakati pekubika dambarefu rake rechina rinonzi “Mubvunzo kuvakuru veChurch” iro anoti achariparu­rira padandemut­ande sezvo panguva ino mashoo asiri kutenderwa.

“Sezvo tisiri kutenderwa kuita mashoo nekuda kwedenda reCovid-19, tose takabatana tichipakur­a madambaref­u padandamut­ande vatsigiri vagoritsva­ga ipapo.

“Dandemutan­de ndiyo nzira iye zvino yekushandi­sa kutengesa mhanzi uye tiri kuzviona kune dzimwe nyika zvichishan­da, saka nesuwo tinoda kuti zviite muno,” akadaro Mandiki.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe