: HURUMENDE YOSIMUDZIRA ARDA:
HURUMENDE iri kusimudzira chikamu chinoona nezvevarimi vekumaruwa, cheAgricultural Rural Development Authority (ARDA) kutiira kuti minda yose inge ichirimwa nemazvo izvo zvichabatsira mukusimudzira raramo yevagari vekumaruwa nedonzvo rekuunza pundutso kuzvirongwa zveVision 2030 uye zveNational Development Strategy 1.
Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa, Dr John Basera apo vakatambidza midhudhudhu 21 kubazi reARDA munguva pfupi yadarika.
Midhudhudhu yose yakapihwa kuARDA i42 uye ichange achishandiswa nemadhumeni mukuona nyaya dzemadiridziro munyika.
Dr Bhasera vanoti Hurumende yakatsigira ARDA nemabhasikoro, midziyo yekurimisa uye mahekita 5 000 eminda kuitira kuti chikamu ichi chive pamberi munyaya dzekurima.
“Tiri kuedza kusandura ARDA kuti inge ichibudirira munyaya dzekurima zvichifambirana nezvirongwa zveVision 2030 munyaya dzekuvandudza mabasa ane chekuita nebudiriro yekumaruwa. Vakapa chikumbiro chavo vachiti vanoda rutsigiro munyaya dzemadiridziro saka kuti vakwanise kusvika kuminda yavo iyo vari kuita mabhindauko aya vachiona kuti zvirimwa zviri kudiridzirwa zvakanaka here, panoda zvekufambisa sezvo minda yakakura uye iri kure navo. Ndicho chikonzero takavatsigira midhudhudhu,” vanodaro.
Dr Basera vanoti ARDA inofanira kutsigirwa kuti irambe ichivandudza kuwaniswa kwechikafu chevanhu nechezvipfuyo, mbeu nezvimwe zvinodiwa munyika.
“Tiri kutsigira zvirongwa zvekuwaniswa kwemidziyo yekushandisa (mechanisation and modernisation) tichitanga neARDA. Takatsigira ARDA nematarakita 40, michina yekukohwesa (combine harvesters) uye yekurimisa (tillage equipment). Tinoda kuti mapurazi ose eARDA ayo akanga ava nemakore asiri kushandiswa kuti achiita mabasa anoita kuti nyika iwane kudya kwakakwana,” vanodaro.
Vanoti senzira yekurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze, ARDA ichafambira mberi nemadiridziro kuitira kuti kana mvura yemudenga ikaita shoma, varimi vanoramba vachifambira mberi nemabasa avo gore rose pasina kumirira mwaka yekurima bedzi.
“Tichatsigira zvekare ARDA mukugadzurudzwa kwemimwe midziyo yemadiridziro iyo yakafa,” vanodaro.
Hurumende iri kushandawo neARDA mukutsigira varimi vadiki.
Chamangwiza weARDA, VaTinotenda Mhiko vanotenda Hurumende nerutsigiro urwu vachiti rwuchaita kuti mapurazi avo ashandiswe nemazvo uye zvizere mukusimudzira nyika munyaya dzekuwaniswa chikafu uye madhumeni kuti afarire basa rawo.
“Tiri kufundisa varimi maringe nenzira dzakasiyana dzemadiridziro nokudaro rutsigiro urwu rwucharerutsa mabasa ekurima,” vanodaro.