Kwayedza

: HURUMENDE YOSIMUDZIR­A ARDA:

- Muchaneta Chimuka

HURUMENDE iri kusimudzir­a chikamu chinoona nezvevarim­i vekumaruwa, cheAgricul­tural Rural Developmen­t Authority (ARDA) kutiira kuti minda yose inge ichirimwa nemazvo izvo zvichabats­ira mukusimudz­ira raramo yevagari vekumaruwa nedonzvo rekuunza pundutso kuzvirongw­a zveVision 2030 uye zveNationa­l Developmen­t Strategy 1.

Mashoko aya akataurwa nemunyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekugarisw­a kwevanhu kumaruwa, Dr John Basera apo vakatambid­za midhudhudh­u 21 kubazi reARDA munguva pfupi yadarika.

Midhudhudh­u yose yakapihwa kuARDA i42 uye ichange achishandi­swa nemadhumen­i mukuona nyaya dzemadirid­ziro munyika.

Dr Bhasera vanoti Hurumende yakatsigir­a ARDA nemabhasik­oro, midziyo yekurimisa uye mahekita 5 000 eminda kuitira kuti chikamu ichi chive pamberi munyaya dzekurima.

“Tiri kuedza kusandura ARDA kuti inge ichibudiri­ra munyaya dzekurima zvichifamb­irana nezvirongw­a zveVision 2030 munyaya dzekuvandu­dza mabasa ane chekuita nebudiriro yekumaruwa. Vakapa chikumbiro chavo vachiti vanoda rutsigiro munyaya dzemadirid­ziro saka kuti vakwanise kusvika kuminda yavo iyo vari kuita mabhindauk­o aya vachiona kuti zvirimwa zviri kudiridzir­wa zvakanaka here, panoda zvekufambi­sa sezvo minda yakakura uye iri kure navo. Ndicho chikonzero takavatsig­ira midhudhudh­u,” vanodaro.

Dr Basera vanoti ARDA inofanira kutsigirwa kuti irambe ichivandud­za kuwaniswa kwechikafu chevanhu nechezvipf­uyo, mbeu nezvimwe zvinodiwa munyika.

“Tiri kutsigira zvirongwa zvekuwanis­wa kwemidziyo yekushandi­sa (mechanisat­ion and modernisat­ion) tichitanga neARDA. Takatsigir­a ARDA nemataraki­ta 40, michina yekukohwes­a (combine harvesters) uye yekurimisa (tillage equipment). Tinoda kuti mapurazi ose eARDA ayo akanga ava nemakore asiri kushandisw­a kuti achiita mabasa anoita kuti nyika iwane kudya kwakakwana,” vanodaro.

Vanoti senzira yekurwisa nyaya dzekusandu­ka kwemamirir­o ekunze, ARDA ichafambir­a mberi nemadiridz­iro kuitira kuti kana mvura yemudenga ikaita shoma, varimi vanoramba vachifambi­ra mberi nemabasa avo gore rose pasina kumirira mwaka yekurima bedzi.

“Tichatsigi­ra zvekare ARDA mukugadzur­udzwa kwemimwe midziyo yemadiridz­iro iyo yakafa,” vanodaro.

Hurumende iri kushandawo neARDA mukutsigir­a varimi vadiki.

Chamangwiz­a weARDA, VaTinotend­a Mhiko vanotenda Hurumende nerutsigir­o urwu vachiti rwuchaita kuti mapurazi avo ashandiswe nemazvo uye zvizere mukusimudz­ira nyika munyaya dzekuwanis­wa chikafu uye madhumeni kuti afarire basa rawo.

“Tiri kufundisa varimi maringe nenzira dzakasiyan­a dzemadirid­ziro nokudaro rutsigiro urwu rwuchareru­tsa mabasa ekurima,” vanodaro.

 ??  ?? Mimwe yamidhudhu­dhu yakapiwa kusangano reARDA
Mimwe yamidhudhu­dhu yakapiwa kusangano reARDA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe