Kwayedza

MaChevrons obandana neBanglade­sh

- Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevr­ons chiri kupinda muhondo kutanga neChishanu apo chichatats­urana necheBangl­adesh mumitambo yeOne Day Internatio­nal (ODI) iyo iri kushanda seyeSuper League inove imwe nzira yekurwira kuenda kuWorld Cup India 2023.

Zvikwata zviviri izvi svondo radarika zvaitatsur­ana mumutambo weTest match series uyo wakazohwin­wa neBanglade­sh uye svondo rino kutanga neChishanu, mutambo uri kutsvuka ropa apo zvichaband­ana mumitambo mitatu yeODI.

Mitambo yezvikwata izvi yose iri kutambirwa kunhandare yeHarare Sports Club uye vatsigiri havasi kutenderwa kunoona zvichitamb­a sezvo veruzhinji vasiri kutenderwa kuungana nekuda kwedenda reCovid-19.

Achitaura, mukushi wemashoko weZimbwe Cricket (ZC) Darlington Majonga, anoti chikwata chavo chakagadzi­rira zvakasimba uye chicharwa semvumba kuti chigohwina mitambo iyi iyo iri kushandisw­a kurwira kuenda kuWorld Cup.

“Takaita gadziriro dzedu dzakanaka dzikafamba zvakana saka tave kutarisira kuti tigokunda mumutambo wedu neBanglade­sh.

“Mutambo uyu unove weSuper League uye ndiyo mimwe yemitambo iri kushandisw­a kurwira kuenda kuWorld Cup saka tinotofani­rwa kuhwina,”anodaro.

Anoenderer­a achiti, “Mutambo wezvikwata zviviri iyi yose ichatambwa munhandare isina vatsigiri senzira yekuderedz­a kuunganidz­a veruzhinji izvo zvisiri kutenderwa nemitemo yenyika nekuda kwedenda reCovid-19.

“Saka vatsigiri vedu vanoda kuona mitambo yedu vanogona kuiona paZTV kana padandemut­ande reYouTube.”

Mitambo yeODI iyi ichatambwa mazuva anoti musi weChishanu imwe miviri yozotambwa musi wa18 na20 Chikunguru.

Kana zvapedza kubandana mumitambo yeODI, zvikwata zviviri izvi zvichabva zvatanga kutamba mitambo yeTwenty20 (T20) mitatu iyo ichatambwa mazuva anoti 23, 25 na27 Chikunguru.

Zvichakada­ro, ZC yange ichitungam­ira pachirongw­a chekubaisw­a vatambi vayo nhomba dzeCovid-19 izvo zvaona vatambi nevarairid­zi vanosvika 27 vachitobai­wa majekiseni kana kuti nhomba inodziviri­ra chirwere cheCovid-19.

 ??  ?? ZIMBABWE Chevrons
ZIMBABWE Chevrons

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe