Kwayedza

Nhabvu haisi kudzoka zvekumhany­a: PSL

- Abel Ndooka

PREMIER Soccer League (PSL) inoti ichamirira kuudzwa pamwe nekupihwa mvumo neSport and Recreation Commission (SRC) kuti nhabvu izotanga kutambwa zvekare zvichiteve­ra kumiswa kwayakaitw­a pamwechete nemimwe mitambo apo mukombe weChibuku Super Cup wange uri pakati pekutambwa.

Nguva pfupi yadarika apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 hwakatanga kukwira zvekare, SRC yakamisa mitambo yose kunze kweyezvikw­ata zvichamiri­ra nyika zvinosanga­nisira maWarriors ayo ari kuSouth Africa uko ari mumitambo yeCosafa Cup kozoita chikwata chenyika checricket chemaChevr­ons chiri kubandana necheBangl­adesh mumitambo yeTest match, one day internatio­nal netwenty20 series.

Achitaura neKwayedza svondo rino, chamangwiz­a wePSL – Kennedy “Kenny” Ndebele – anoti sePSL, vari kukoshesa mitemo yose yeHurumend­e yekurwisa denda reCovid-19 uye havasi kufunga nezvekudzo­ka kwenhabvu pari zvino sezvo chinhu chikuru chavari kukoshesa utano neupenyu hweveruzhi­nji.

“Utano neupenyu hweruzhinj­i ndizvo zvakakosha panguva ino, saka ngatimbomi­re zvekufunga kuti nhabvu inodzoka rinhi kana kuti tichatanga kuitamba rinhi apo vamwe vanhu vari kufa.

“SePSL tiri kutevedzer­a zvose zvatinenge taudzwa kuti tiite neSRC neHurumend­e nekuti denda iri riri kuuraya vanhu uye nguva ino yatiri haina kumira zvakanaka zvachose.

Kana nguva yekuti nhabvu ichidzoka ikakwana ndine chivimbo kuti SRC ichatizivi­sa ipapo tobva tasimudzir­a mutambo weChibuku Super Cup uyo watakambos­endeka parutivi kwazvino.

“Ino inguva yekuti tichengete­dze upenyu hweveruzhi­nji,” anodaro Ndebele. Ndebele anoenderer­a mberi achiti kudzoka kwenhabvu yePSL kuri mumaoko eSRC saka naizvozvo ivo vachangote­vedzera gwara ravanenge vaziviswa kuti vagofamba naro.

“Zvinhu zvose zviri mumaoko eSRC, isu hatikwanis­e kupikisa mitemo yeHurumend­e. Covid-19 iriko uye kana zvichinzi mitambo imbomira kuitira kuti vanhu vachengete­dzeke, ndizvo zvatinotev­edzera izvozvo.

“Saka gwara ratichapih­wa maringe nekuzodzok­a kwenhabvu zvose zviri mumaoko eSRC, ndiyo inotiudza zvekuti totevedzer­a saizvozvo,” anodaro.

Apo zvimwe zvikwata zvange zvichiende­sa vatambi vazvo kunobaiwa nhomba yeCovid-19, Kwayedza yakaedza kubvunza kuna Ndebele kuti vari kuona sei mafambiro ari kuita nyaya dzekubaiwa kwenhomba yeCovid-19 muzvikwata zvavo uye zvikwata zvose zvati zvaenda here, iye ndokupindu­ra achiti, “Panguva ino hatisati tave kukwanisa kutaura nezvenyaya iyoyo, tichazokuz­ivisai pamberi apo kuti zvingani zvabaisa vatambi vazvo nhomba yeCovid-19.

“Asi semutemo wenyika wekudzivir­ira kupararira kweCovid-19, zvakakosha kuti munhu wese anobaiwa nhomba yeCovid-19.”

 ??  ?? KENNY Ndebele
KENNY Ndebele

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe