Kwayedza

Covid-19 handi jee, zvidziviri­re

-

ZIMBABWE pari zvino yakatarisa­na nedambudzi­ko guru rekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 zvichiteve­ra kunyuka kwakaita denda iri ketatu (third wave) muno.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pamwe nevari kufa nacho huri kukwira zuva nezuva izvo zvinoratid­za mamiriro ezvinhu asina kunaka zvachose.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 88 415 vange vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenek­wa muZimbabwe. Pavarwere ava, 58 155 vakatopona asi vamwe 2 747 vakafa. Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti Covid-19 iri kunyanya kupararira nekuda kwekushaya hanya kweveruzhi­nji kutevedzer­a matanho akatarwa neHurumend­e pamwechete nesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) ekurwisa chirwere ichi.

Semuenzani­so, veruzhinji vari kukurudzir­wa kuti vapfeke mamasiki nenzira kwayo vakavhara mhuno nemuromo asi kune vamwe vari kufamba vasina kupfeka mamasiki aya.

Vamwe ndivo vari kufamba vakaarembe­dza muhuro zvinoreva kuti hapana kuzvidzivi­rira kwavanenge vachiita kubva kudenda iri.

Ino haizi nguva yekuti munhu anogombedz­erwa kana kumanikidz­wa kupfeka masiki.

Masiki inochenget­edza upenyu hwemunhu anenge akaipfeka kwete kuzoipfeka nekuti munhu aona vabati vezvemutem­o semapurisa.

Panyaya yendufu, Hurumende yakadzika mutemo wekuti vanhu vanotarisi­rwa kuve pamariro havafanirw­e kudarika 30 asi vashoma vari kutevedza mutemo uyu nemazvo.

Vanhu vari kuonekwa vari panhamo nehuwandu hwavo, zvikuru kumaruwa. Pamusoro pezvo, vanenge vakaita chitsokots­oko vasina kupfeka mamasiki zvakare.

Vamwewo ndivo vanobatana maoko nekumbundi­rana izvo zvine njodzi huru yekukonzer­a kupararira kweCovid-19.

Kune vamwe zvakare vachiri kuita tsika yekurarisa chitunha mumba husiku hwose uye nekuoneked­zana nemufi izvo zvinopesan­a nemitemo yekurwisa Covid-19.

Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti denda iri riri kunyanya kupararira­wo nekuda kwekusatev­edzerwa kwematanho akatarwa nevanhu vanenge vari parufu.

Nerimwewo divi, kune vemabhawa nemashabhi­ni vari kuvhura zvechitsot­si izvo zvakare zviri kukonzera kupararira kwedenda iri.

Asi kana ivo vanhu vacho vari kuenda kumabhawa nemashabhi­ni vanoita sevane pfungwa dzisina kunyatsoti kwesere.

Nemamiro akaita zvinhu pari zvino, munhu unofanirwa kukoshesa upenyu hwako nehwemhuri kwete kuhuisa panjodzi nenyaya yekuda doro.

Chirwere cheCovid-19 chiriko uye chiri kuuraya.

Kana vanhu vanodarika 70 vachifa nedenda iri munyika pazuva rimwe, haisi nyaya yekuita dambe nayo.

Sekutaura kwemutunga­miriri wenyika President Mnangagwa, nyaya yekurwisa kupararira kweCovid-19 inoda mushandira­pamwe wenyika yose.

Zvakakosha zvakare kuti kunze kwekuteved­za mitemo yakatarwa yekurwisa denda iri, veruzhinji vaende nehuwandu hwavo kunobaiwa majekiseni ekudziviri­ra Covid-19.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe