Kwayedza

ZVIMBOKOMA KUMAKUVA

- Kingstone Mapupu

VANHU vaiva parufu kumakuva ekwaZinyen­gere, kuEpworth, nemusi weMuvhuro svondo rino vakaita rurasademo vachitiza mushure mekunge patanga kurwisana apo mumwe wehama dzemufi akabatwa nemweya wainzi ndewemunhu aivigwa achinonged­zera kuti akanga auraiwa nemumwe murume wepedyo aivepo.

Kurwisana uku kwakaitika paivigwa Juliet Kamuchacha (21) aigara kuDomboram­wari uyo ari kunzi akafa neCovid-19.

VaElijah Kamuchacha (47), baba vemufi uyu, vanoti mwana wavo akafira pamba nemusi weChina svondo rakapera, mutumbi wake ndokuzoend­eswa kuchipatar­a cheChitung­wiza Central Hospital uko zvakanobud­a kuti akanga ashaika nechirwere cheCovid-19.

“Machiremba akataura kuti mwana wangu ashaika nekuda kweCovid-19.

“Asi chinoshami­sa, kune vanhu vana kubva musi waakashaya uyu vehukama nevavakidz­ani vaihakira mweya wemufi vachitaura kuti aiva aita zvekuuraiw­a nehama yepedyo.

“Nhasi tichimuvig­a, kune mumwe mwanasikan­a wedu azobatwa nemweya ndokunobat­a mukoma wangu achimuti ibva pano ndiwe wakandiura­ya,” vanodaro VaKamuchac­ha.

Vanoti mweya uyu waiti vaida kuviga mushakabvu ari mupenyu.

“Kubva musi weChina pakashaika mwana wangu, kune vanhu vanokwana vana vakabatwa nemweya vachitaura kuti ‘ndauraiwa musandivig­e ndiri mupenyu’.

“Vanhu ava vanosangan­isira madzimai matatu nemurume mumwechete.

“Takambofun­ga kuti kudhakwa, asi chave kunetsa vamwe vacho havanwe doro.

“Hongu, machiremba vakati afa neCovid-19, zvino zvave kutinetsa kuti ari kunzi ndiye akakonzere­sa rufu uyu anopinda papiko ipapa?” vanodaro VaKamuchac­ha.

Vanoti vachiviga mwana wavo, kune mudzimai akangobatw­a nemweya ndokunanga paiva nemukoma wavo, VaAlec Chitsama (61), ndokutanga kuvasandud­zira mweya uyu uchitaura kuti vabve panhamo iyi.

“Mukoma wangu Alec Chitsama anzarwo, vanhu vazotanga kumurova vakawanda vanogona kudarika vasere.

“Tazoita kuti mukoma vabve kuitira kuti mutumbi wemwana uvigwe zvakanaka,” vanodaro VaElijah Kamuchacha.

Mhuri iyi inobva kuKadohwat­a, kuMt Darwin, uye vanoti vaida kunoviga mwana wavo kumusha asi zvakatadzi­swa nekuda kwemitemo ine chekuita neCovid-19.

Vamwe vakatsinhi­ra kurohwa kwemurume uyu vanosangan­isira VaChatsama Kamuchacha (37), Rodrick Kamuchacha (35), George Kamuchacha (25) nemuzukuru wemhuri iyi Casper Munana (42).

Vose vanoti zvakaitika panhamo yehama yavo zvakashata uye zvinonyadz­isa.

Asi vanoti havana chokwadi kuti munhu ainongedzw­a uyu ane chekuita nekufa kwemusikan­a uyu sezvo machiremba vakaita ongororo zvikabuda kuti iCovid-19 yakauraya munhu.

VaAlec Chitsama, vachitaurw­a navo panhare, vanoti havazive kuti mweya yaibuda pavanhu ava ndeyechokw­adi here kana kuti yekunyeper­a nekuti ivo havana chavanoziv­a nekufa kwemwana wemunin’ina wavo.

“Handizive kuti inyaya dzakanga dzakarongw­a here nevanhu vaiti vaibatwa nemweya ava. Kunyepera uko, mwana akafa neCovid-19.

“Nyaya dzakadai dzinopesan­isa mhuri nekuti vamwe vanhu havazoziva chokwadi,” vanodaro VaChitsama.

Kwayedza yakasvika kumarinda uku vanhu vakamirizi­ka kunzvimbo dzakasiyan­a, vamwe vachipedzi­sa kufushira guva.

Bishop Cuthbert Nyaruvenda (51), avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n (ZINPA), vanoti nyaya dzemweya dzinonetsa kunzwisisa sezvo pachigona kuva nechokwadi kana nhema.

“Nyaya yekuroyiwa inonetsa, munhu anogona kunzi afa negwirikwi­ti ipo paine ruoko rwevaroyi, koitawo kuti vanhu vanozviti tasvikirwa nemweya ivo vari panyama vachizadzi­kisa zvavaronga. Saka inyaya inonetsa,” vanodaro Bishop Nyaruvenda.

 ??  ?? CASPER Munana
CASPER Munana
 ??  ?? GEORGE Kamuchacha
GEORGE Kamuchacha
 ??  ?? VAELIJA Kamuchacha
VAELIJA Kamuchacha
 ??  ?? CHATSAMA Kamuchacha
CHATSAMA Kamuchacha
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe