Kwayedza

‘Vasina kubaiwa muri panjodzi’

- Munyori weKwayedza

CHIKAMU chinosvika 90 percent chevanhu vafa neCovid-19 mumasvondo mashoma adarika ndecheavo vasina kubaiwa majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi.

Izvi zvinoratid­za kukosha kwechirong­wa chiri kuitwa neHurumend­e chekubaiwa kwevanhu nhomba kana kuti majekiseni ekudziviri­ra denda iri.

Mashoko ari mugwaro richangobv­a kuburitswa nenyanzvi dzezveutan­o anoratidza zvakare kuti chikamu che90 percent chevanhu vari muzvipatar­a nekuda kwechirwer­e ichi ndevaya vasina kubaiwa majekiseni aya.

Hurumende iri kusimbarad­za chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni izvo zvaona Zimbabwe ichitambir­a mamwe mejekiseni anosvika 1 miriyoni emushonga weSinovac vaccine kubva kuChina nemusi wesvondo. Gwaro richangobu­ritswa nenyanzvi dzezveutan­o rine musoro unoti, “Covid-19 Admissions and Community Deaths by Vaccinatio­n Status, Harare Zimbabwe”, rinoratidz­a kuti vanhu vakawanda vari kufa nechirwere ichi pachakanyu­ka kechitatu (third wave) kana zvichienza­niswa nepakutang­a (first wave) nekepiri (third wave).

Gwaro iri rakaburwa pachishand­iswa ongororo yakaitwa pavanhu 207 avo vakafa nedenda iri vaive mumochari.

“Kusvika musi wa22 Chikunguru 2021, . . . chikamu chevanhu 88,9 percent vakange vasati vabaiwa majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi, 3,4 percent vakange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) uye 4,8 percent vabaiwa majekiseni ose ari maviri apo 2,9 vange vasingaziv­ikanwe mamiriro avo,” rinodaro gwaro iri iro rakabatani­dzwa naDr Agnes Mahomva — vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungami­ri wenyika nedare reCabinet.

Mhando yeCovid-19 inodaidzwa kuti Delta variant, iyo yakatangir­a kunyika yeIndia, iri kubata vana vakawanda kana zvichienza­niswa nemhando yedenda iri yekutanga.

“Chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudziviri­ra chirwere ichi chinofanir­wa kusimbarad­zwa senzira yekubatsir­a pakudzivir­ira zvichibats­irana nemamwe matanho ose ekurwisa Covid-19 kuburikidz­a nekutengwa kwemajekis­eni akawanda, kusimbarad­zwa kwekubaiwa kwevanhu kunzvimbo dzakasiyan­a uye kuti makambani nemamwe mapoka akazvimiri­ra ange achibatsir­a zvakanyany­a,” vanodaro Dr Mahomva.

Mukati memazuva manomwe, kubva musi wa16 Chikunguru kusvika 22 Chikunguru, vanhu 349 948 vakabaiwa majekiseni ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19 munyika yose, izvo zvinoratid­za kuti vanhu vanosvika 50 000 vaibaiwa majekiseni aya pazuva rimwe.

Nyanzvi yezveutano, Dr Chido Dziva-Chikwari vanove epidemiolo­gist vanoti zvakakosha kusimbarad­za chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni uye kupa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pezvakanak­ira majekiseni iwaya.

“Kuchengete­dzeka kwenyika kubva kuchirwere ichi (herd immunity) kuchiri kure chaizvo pari zvino. Vanhu vabaiwa vachiri vashoma kana zvichienza­niswa nehuwandu hwevanhu vari munyika . . . Kuburitswa kuri kuitwa huwandu hwevanhu vari kubaiwa majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 kunorumbid­zwa zvikuru sezvo izvi zvichibats­aira kubvisa mamwe mafungiro aivepo pakatanga chirongwa ichi.

“Kubuda pachena mukufambis­wa kwechirong­wa ichi kunobatsir­a vanhu vari kuzengurir­a kuti vabaiwe majekiseni. Kana huwandu hwevanhu vari kubaiwa majekiseni hukaburits­wa pachena, vanhu vane mibvunzo yakasiyana vanozvione­ra voga uye voona zvekuita vachishand­isa umbowo hunenge huripo,” vanodaro Dr Dziva-Chikwari.

 ??  ?? DR MAHOMVA
DR MAHOMVA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe