Kwayedza

Dhuma-dhuma nembizi muna Seke Road

- Muchaneta Chimuka

MURUME ange achityaira motokari yerudzi rweToyota Fortuner aita tsaona paMvurache­na kana kuti paChinhamo nhasi mangwanani mumugwagwa Seke Road apo aroverana nembizi ichibva yangofira ipapo iye achibva kuChitungw­iza.

Tsaona iyi yaita kuti motokari idzo dzanga dzakananga muguta reHarare dzikundika­ne kufamba zvakanaka apo vamwe vanhu vanga vava kudzika vachienda kunozvione­ra mhuka yesango iyi.

Murume uyu, uyo akumbira kuti asaburitsw­e zita rake asi ndokubvuma kukurukura neKwayedza, anoti haana kukuvara mutsaona iyi zvisinei nekuti motokari yake yaparara nechekumbe­ri.

“Zvaitika kuma6 dzemangwan­ani apo ndanga ndichityai­ra ndiri mumugwagwa wemukati (inner lane) ndichibva kuChitungw­iza ndakananga muguta reHarare. Pandasvika pazambuko pano, ndipo pandaona mbizi nhanhatu dzange dzichimhan­ya dzakananga kumabvazuv­a. Dzimwe shanu dzayambuka zvakanaka ndichibva ndarova yekupedzis­ira nechekumas­hure kwayo zvekuti motokari yangu yanga yava kutobuda mumugwagwa ndichibva ndakakarit­sana nayo kuti isapoye mumugwagwa,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Ndafonera vanoona nezvemhuka veParks and Wildlife Authority saka vati vari kuuya, ndicharamb­a ndakarindi­rira mhuka iyi kusvika vauya.”

Mukushi wemashoko kuZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (ZimParks), VaTinashe Farawo, vanoti kune vanhu vari kuchengeta mhuka munharaund­a yakakomber­edza nzvimbo yaitikira tsaona iyi.

“Hongu, bazi redu rinochenge­ta mhuka asi tinopawo magwaro ekuchenget­a mhuka kune vamwe vanhu vakazvimir­irira. Mhuka dzinenge dziri dzedu saka tinovapa kuti vachengete mushure mekuona kuti vakakodzer­a here uye nzvimbo dzavanoche­ngetera.

“Hakasi kekutanga mhuka dzichitsik­wa panzvimbo iyi, saka tava kuita ongororo tione kuti vanhu vatiri kupa mhuka ava vari kutevedza here mitemo yakatarwa. Kana vakabatwa nemhosva tinovatore­ra marezinesi ekuchenget­a mhuka,” vanodaro.

Vanoti mhuka idzi dzinenge dzichichen­getwa nechemukat­i, kure nemigwagwa asi mikana yekupoya inogona kuvapo sezvo dzisiri zvikara zviya zvinokuvad­za vanhu.

“Mhuka dzatinovap­a kazhinji ndedziya dzinongoch­engetwa munharaund­a dzisingaka­nganise vanhu, asi dzinofanir­a kuchengetw­a zvakanaka. Tinopota tichiita ongororo kune vose vatinenge tapa.

“Zvinorwadz­a kuti tiri kurasikirw­a nemhuka zhinji mutsaona dzerudzi urwu,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector Tendai Mwanza, vanotiwo tsaona iyi ichiri kuferefetw­a.

“Ichokwadi kune mbizi yatsikwa ikafa mumugwagwa waSeke mushure mekunge yapoya kubva mune rimwe purazi riri pedyo. Mbizi idzi dzanga dziri ina, imwe yacho ndiyo yabva yatsikwa nemotokari. Mutumbi wayo watobviswa.

“Tinoyambir­a vatyairi kuti vafambe vakangwari­ra pamwe nekucherec­hedza zvose zvinoitika mumigwagwa senzira yekuderedz­a tsaona dzerudzi urwu. Zvisinei, mapurisa achiri kuita ongororo yenyaya iyi,” vanodaro Inspector Mwanza.

 ??  ?? Mushandi wekuProton Bakeries achiona mbizi
Mushandi wekuProton Bakeries achiona mbizi
 ??  ?? VaTinashe Farawo
VaTinashe Farawo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe