Kwayedza

Vonobaiwa nhomba nehuwandu hwavo

- Kingstone Mapupu

CHIPATARA chePariren­yatwa Group of Hospitals muguta reHarare chinoti vanhu vakawanda vari kuendako kunobaiwa majekiseni ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19 kusiyana nenguva yadarika apo pakatanga chirongwa ichi.

VaLinos Dhire, avo vanova mutauriri wechipatar­a ichi, vanoti pazuva vari kubaya vanhu vanodarika 1 000 majekiseni aya.

“Vanhu vave kuuya nehuwandu hwavo kuzobaiwa majekiseni ekudziviri­ra Covid-19. Hakuna munhu anodzokera kumba asina kubaiwa, tinopedza vose vauya.

“Tinotanga kubaya vanhu nenguva dza9 mangwanani tichipedza na5 zuva rodoka,” vanodaro VaDhire.

Pachipatar­a ichi pane matende akaisirwa basa rekubairwa vanhu nhomba idzi.

“Inyaya inofadza zvikuru kuti vanhu vave kuuya vakawanda kuzobaiwa nhomba dzekudzivi­rira chirwere ichi kudarika kare. Vanhu vaimbovhun­dutsirwa nemashoko enhema aitendered­zwa pamadandem­utande asi izvozvi vave kunzwisisa kukosha kwemajekis­eni aya,” vanodaro VaDhire.

Panyaya yekuti vanhu vaiungane vachimirir­a kubaiwa, vanoti vakaisa matende anokwanira­na nebasa iri.

“Matende edu ari kukwanira kuita basa iri pasina kuita vanhu chitsokots­oko uyewo tine vashandi vakakwana vakamirira izvozvo,” vanodaro.

VaDhire vanotiwo senzira yekudzivir­ira kupararira kwehutachi­ona hweCovid-19 pachipatar­a chavo, varwere vose vari kuuya vachida kurapwa vanotanga vavhenekwa chirwere ichi.

“Varwere vose vari kuuya kuzorapwa pachipatar­a chedu vanotanga vavhenekwa kuti havana here Covid-19, vakabva ipapo vochienda kunorapwa mukati kuzvikamu zvinofambi­rana nezvirwere zvavo.

“Ukawanikwa uine Covid-19 unobva watotanga kubatsirwa pachirwere ichi nezvimwe zvirwere zvinenge zvaonekwa.”

VaDhire vanoti pane nyaya iri kunetsa yevamwe vanhu vanopokana nekuda kwemitumbi yehama dzavo dzinenge dzafa neCovid-19 vachiti vadikani vavo vaisarwara nedenda iri.

“Taita dambudziko nemashoko emanyepo ari kufambiswa ekuti mitumbi yevanhu vafa nezvimwe zvirwere iri kusanganis­wa nezvevanhu vanenge vafa neCovid-19, zvoita kuti zvitunha zvoga zvitapurir­ane chirwere ichi izvo zvatinoti manyepo.”

Vanoti vanhu vanofa neCovid-19 mitumbi yavo inobva yatorwa ipapo nehama dzavo uye zvitunha zvinenge zvisina kutorwa zvinoendes­wa kumochari yechipatar­a cheWilkins Hospital.

“Hatichenge­te zvitunha zvevanhu vafa neCovid-19 pachipatar­a chino, zvinoendes­wa kuWilkins Hospital. Izvo zvekuti zvitunha zvevanhu vafa neCovid-19 zvinosanga­niswa nezvimwe zvevanhu vafawo nezvimwe zvirwere zvotapurir­ana denda iri inhema, hakuna zvakadaro,” vanodaro VaDhire.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe