Kwayedza

Varimi vofadzwa negoho

- Kingstone Mapupu

VARIMI vekuBanket nekuRaffin­gora, kudunhu reMashonal­and West vari kupembera nemufaro nekuda kwegoho guru ravakawana mwaka weZhizha wadarika zvichiteve­ra kunaya kwemvura kwakanaka.

Maneja wepapurazi reNdare, kuRaffingo­ra, VaDavid Makombe (61) vanoti vakarima mahekita makumi mashanu nemana echibage uye vakatopedz­a kukohwa.

“Tinotenda Mwari vakaunza mvura yakawanda mwaka wadarika. Takarima zvekuzamur­ira sezvinotau­rwa nevechidik­i, pamahekita 54 taitarisir­a kukohwa kuenda mberi chaizvo asi mvura yakawanda kune mimwe minda yedu sezvo takadyara chibage ichi mazuva akasiyana. Saka tiri kutarisira matani anodarika mazana maviri negumi.

“Takatotang­a kuendesa chibage chedu kuGrain Marketing Board (GMB) yekuno kuBanket,” vanodaro VaMakombe.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Takarimawo mapfunde pamahekita makumi mana nemashanu tichibatsi­rwa nekambani yeDelta. Tiri kutarisira­wo kukohwa matani maviri nechidimbu kana matatu pahekita, kureva kuti goho redu rinofanirw­a kutipa matani anodarika zvishoma 135.”

Vanoti kunaya kwemvura kwakanaka uku kwakaitawo kuti vawane mukana wekupinza vanhu vemunharau­nda mavo mabasa ekushanda muminda anosangani­sira kusakura, kukohwa, kutonongor­a chibage nekuisawo mumasaga vachisona kuti goho riende kuGMB.

“Izvozvi takaendesa chibage matani makumi matatu, kutaura kuno matani makumi mashanu nemana akamirira kutakurwa kuenda kuGMB,” vanodaro VaMakombe.

VaAbel Chinawa (24) vanoshanda papurazi reMbidzi riri kuBanket vanotiwo gorosi ravo remuchando rakanaka zvikuru.

“Gorosi redu rakanakisa zvikuru. Tine minda yakawanda yatinorima tichishand­isa madiridzir­o uye mvura yakawanda nekunaya kwayakaita saka inokwanira­na nemabasa edu,” vanodaro VaChinawa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe