Kwayedza

Oita mbiri nembatya dzemakavi

- Muchaneta Chimuka

MURUME anogara kuUnit N, kuChitungw­iza — uyo anozivikan­wa nekupfeka hanzu kana kuti mbatya dzakaita zvekurukwa nemakonje kana kuti makavi — anoti vanomuse0k­a vari kutomupa simba rebasa rake reCreative Arts sezvo ari kurarama kubva mubhindauk­o iri.

Anoti zvisinei nekuti vamwe vanhu vanomuona seanorasik­a njere kana kuti ari kutanda botso, iye zvake zviri kutomufamb­ira uye wodhuropu yake izere mbatya dzerudzi urwu bedzi.

Nguva pfupi yadarika, Kwayedza yakaburits­a mifananidz­o yemurume uyu, Catwell Kutsi (43), padandemut­ande rayo vamwe vanhu ndokumupem­bedza asi vamwe vakati ari kupenga kana kutanda botso.

Kutsi inyanzvi pakugadzir­a zvikirimba­ni zvewaya zvinobata makonzo, shangu, nhava, mabhachi, midhebhe, mabhande nezvimwe achishandi­sa makonje nemakavi. Zvinhu izvi ndizvo zvaanopfek­a zvimwe achitenges­a.

“Ndinozvizi­va kuti pese pandinosvi­ka vamwe vanondisem­a nekundisho­ra asi iyi haisi mhosva yavo, imhaka yekusanzwi­sisa nyaya dzekushand­iswa kwezviwani­kwa mukuburits­a humhizha hunounza mari. Vamwe vanondione­ra nechekure vanofunga kuti ndinenge ndakapfeka masaga zvichiteve­ra ruvara rwemakonje ayo ndinogadzi­risa mbatya dzangu nedzandino­tengesa.

“Makonje nenhokwe zvandinoru­kisa mbatya dzangu ndinozvito­ra kurwizi Hunyani nekwaChits­vatsva, uye ndinotora mwedzi kana kudarika ndiri musango ndichitsva­ga zvinhu izvozvi zvekuti ndinotonog­ara musango,” anodaro Kutsi.

Anoti zvinotora gore kana kudarika kuti apedze kuruka bhachi raanopfeka pamwe nemutodo wacho.

“Vanhu havazive chinonzi ‘creative art’ saka vanoseka nekushora nekuti vanongotar­isira kuona munhu akapfeka mbatya dzejira bedzi.

“KuChitungw­iza nemuguta reHarare mandinofam­ba nekutenges­era, vanhu vanotonzwi­sisa ndiwo madhara ane mazimota – mhene dzangu. Ndivo vanotenga zvikirimba­ni kunyanya vachiendes­a kumapurazi kwavo uku vanenge vachinetsw­a nemakonzo.

“Zvekare vachena nemaIndia vari kunanaAvon­dale ndivozve vazhinji vanofarira mbatya nemidziyo yangu uye kune vamwe vekunze vakatopa maodha ezvipfeko izvozvi kuti ndivagadzi­rire voenda nazvo kunyika kwavo,” anodaro achiratidz­a kufara nekufambir­wa neupenyu.

Murume uyu anoti wadhuropu yake haina kuzara nembatya dzemhando ine mbatya dzemhando iyi, nedzimwewo shoma dzemachira idzo dzaasingap­feke.

“Hongu, mumba mangu irimo midziyo yehumhizha uhwu asi pambatya ndichine shoma semunhu ane makore ava kupfuura mana ndiri mubhizimus­i.

“Kana nduwe yandakapfe­ka ipo pano ndakaita yekuruka nemakonje nenhokwe uye haindimare nekuti zvandinoru­kisa zvinotsved­zerera.

“Pamubvunzo wenyu wekuroora, handisati uye ndinomirir­a nguva yaMwari asi hazvirevi kuti ndiri kushorwa nevasikana nekuda kwezvandir­i kana zvandinopf­eka. Ndinotombo­pfimbawo ndichidiwa . . . zvichaita hazvo,” anodaro Kutsi.

Pamitengo yezvinhu zvaanogadz­ira, Kutsi anoti zvinodhura zvishoma sezvinhu zvisati zvava nemakwikwi pamusika.

“Handina hangu huwandu hwemari yandinowan­a pamwedzi sezvo bhizimusi racho riri mhindupind­u, ndingataur­a mari yandinowa pazuva, asi kwete mazuva ose, inoita US$25 nekuti ndiri kuita dambudziko rekukurukw­a nevamwe vanotora zvinhu zvangu voti tichatumir­a mari asi vachizoita museve waenda neuma,” anodaro.

Kutsi anoti mabasa aanoita aya anobatsira mukuchenge­tedzwa kwenharaun­da.

“Ini ndiri nhengo yeZimbabwe Arts Associatio­n zvisinei nekuti gore rino handisati ndabhadhar­a mari yekuva nhengo. Mukushandi­sa makonje ndichigadz­ira hembe, ndiri kuchengete­dza nharaunda mukusvibis­wa kwayo.

“Waya dzesimbi dzandinonh­onga ndichigadz­ira zvikirimba­ni zvemakonzo kuchenura nharaunda zvekare uye kana vanhu vakashandi­sa zvikirimba­ni zvinoreva izvo kuti nyaya dzekushand­iswa kwemishong­a inouraya makonzo dzinoderer­a.

“Saka zvinobatsi­ra mukuchenge­tedza nharaunda kuti isasvibisw­e nemishonga uye mikana yekuurayiw­a kwevana apo vanogona kudya mishonga yacho inoderera.

“Zvekare katsi kana dzichinge dzava kudya gonzo rabatwa nechikirim­bani hadzife pane rinenge rafa nemishonga.”

Panyaya yedzidzo, Kutsi anoti akaita dzidzo yake yepuraimar­i paTonderai Primary School iri kuChitungw­iza kuchizoti sekondari paSeke 4 ikoko.

Akaitawo zvidzidzo zvekugadzi­ra makombiyut­a zvisinei nekuti anonyanya kupa nguva yake zhinji mukugadzir­a zvinhu zvinoshami­sa vakawanda izvi.

Murume anobva kuNyanga uyu anoti ane tsono yaanoshand­isa pahumhizha uhwu uye ari kugara hake mugota muimba yevabereki.

Pakufamba, Kutsi anoti vamwe vedzimotok­ari havadi kumutakura uye vamwewo vanhu mumabhazi havadi kugara naye vachifunga kuti anovasvibi­swa.

“Mitengo yemamasiki angu ndiyo inodzinga vanhu nekuti inodhura uye mukati mune tumiti rwemupalm tunoita kuti isapekete. Hutachiona hweCovid-19 haupinde nekuti mune ma’layer’ akawanda mukati asi kufema ndinofema hangu.

“Chero iwo mapurisa vanotoadaw­o mamasiki angu uye havandisun­ge nekuti ndinenge ndakazvich­engetedza. Ndiri kutarisira kuzobaiwaw­o nhomba yeCovid-19 munguva inotevera,” anodaro.

Mbatya dzake anoti anodziwach­a uye dzinooma zviri nyore.

Haana hake mubairo waati awana mubasa iri asi anofara kuti anomboshev­edzwa kumisangan­o mikuru seHarare Internatio­nal Festival of the Arts (HIFA) achinorati­dzira.

“Mashoko angu akupedzisi­ra ndinoti vanhuwe musatya inini asi ityai Mwari nekuti ini ndiri pabasa, ndiri pakushava,” anodaro.

 ??  ?? Catwell Kutsi akapfeka dzimwe dzembatya dzaanogadz­ira nemakavi
Catwell Kutsi akapfeka dzimwe dzembatya dzaanogadz­ira nemakavi
 ??  ??
 ??  ?? Catwell Kutsi
Catwell Kutsi
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe