Kwayedza

Hondo ndeyedu tose – Ziliwaco

- Kingstone Mapupu

SANGANO revaiva ana mujibha nanachimbw­ido reZimbabwe Liberation War Collaborat­ors Associatio­n (ZILIWACO) rinoti munhu woga-woga ane basa rekuita panyaya yekumisa kupararira kweCovid-19.

Mashoko aya akataurwa naCde Shain Chakanyuka (61), avo vanova munyori wesangano iri vachiti kurwisa chirwere ichi kunoda mushandira­pamwe.

“Hondo takairwa tikakunda nyika ikawana kuzvitonga kuzere, zvino nhasi tava nehondo huru yekurwisa chirwere chiri kuuraya nekurwaris­a vanhu ichi. Tinoti nguva yakwana yekuti munhu wose azive paamire tinobaiwa tose nhomba dzekudzivi­rira denda iri risati ratipedza,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanopa muenzaniso wezvirwere zvakaita semaperemb­udzi nemhezi izvo zvavanoti nyika yakaita chirwirang­we pasina akasarira kumashure, matenda aya akakurirwa.

“Hatidi kupera kufa nechirwere chatiri kupihwa mukana wekuti tibaiwe majekiseni ekuzvidziv­irira ayo anotovako,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzer­e matanho akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19 ayo anosangani­sira kuti vagare vakapfeka mamasiki, kusafamba zvisina tsarukano nekusaunga­na.

“SeZiliwaco, tiri kufambisa mashoko kunhengo dzedu tichishand­isa nhare nedzimwe nzira kuti vaende vanobaiwa majekiseni ekudziviri­ra Covid-19.

“Hatidi kuramba tichirasik­irwa nemagamba edu neruzhinji nekuda kwechirwer­e chanetsa ichi. Hatiendei tinobaiwa tose nhomba dzekudzivi­rira sekurudzir­o yatinopihw­a nanamazvik­okota vezveutano. Nyika inotida nekuti tine basa rekushandi­ra nyika ibudirire, tisarasiki­rwa nevanhu,” vanodaro.

Cde Chakanyuka vanoti majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 haana kumbosiyan­a nemamwe aivepo kare anosangani­sira ekudziviri­ra polio.

“Ini ndakabaiwa majekiseni ekudziviri­ra Covid-19. Senyika, tinotarisi­ra kufamba kwezvinhu zvakanaka mukubaiwa kwevanhu majekiseni aya uye tinofara nemashoko ari kubuda evanhu vari kuenda kuzvipatar­a nekumwe kunobaiwa vakawanda,” vanodaro Cde Chakanyuka.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe