Kwayedza

Vana vanombosun­girirwa pamiti

- Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuMkosi Resettleme­nt kuVillage 15 iri kwaNyajena, kuMasvingo — uyo akabara vana vana (4) vose vakaremara — ari kutsvaga rubatsiro rwechikafu, kuvarapisa uye nezvekupfe­ka.

Dzimwe nguva vana ava vanombogar­a vakasungir­irwa netambo pamiti kuitira kuti vasaverere vachienda kwavasinga­zokwanisa kudzoka.

Kwayedza inokurukur­a naMai Shylet Mahela avo vanodurura nhunha dzavo.

“Ndine vanasikana vatatu nemukomana mumwechete vose ndakavabar­a vaine dambudziko renjere uye vakaremara mimwe mitezo yemuviri yavo. Handina kana basa randiri kukwanisa kuita pamusha kana kuti ndiite zvemagadhe­ni chaiwo nekuti vana ava vanenge vachida kutariswa nguva nenguva nekuti vakangofan­ana nepwere zvisinei nekuti vayaruka,” vanodaro.

Mai Mahela vanoendere­ra mberi vachiti, “Mukomana ndiye anonyanya kutambudzw­a nenjere zvekuti anotokanga­nwa kana paanenge ari saka mikana yekurasika inowanda nokudaro pamwe pacho ndinotovas­ungirira pamiti kuti ndikwanise kudiridzir­a gadheni.

“Kudai ndaiwanisw­awo fenzi inokombere­dza musha wangu ndinovimba kuti ndaikwanis­a kuita mamwe mabasa ivo vachingote­nderera vari mukati,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe vakambouya vachivatap­a nhau mumakore apfuura asi hapana rubatsiro rwavakawan­a sezvo vakanga vasina nhare panguva iyoyo uye masaisai anonetsa kunzvimbo kwavanogar­a.

Vangada mubatsira mudzimai uyu vanomubata panhamba dzinoti 0776 837 255.

Mai Mahela vanoti murume wavo, VaDavid Mutekede, haashande zvinoita kuti vaomerwe neupenyu zvakanyany­a.

“Vana vangu vakaremara vanoti Sakina Matendeke uyo wandakaber­eka mugore ra1985, Ngonidzash­e muna1987, Lorcadia (1990) kuchizoti mukomana Edwin wa1990. Dambudziko guru pari zvino nderechika­fu, mbatya, midziyo yekushandi­sa panguva yekutevera, magumbeze nekuti semuchando muno uye mapamper kana kuti diapers sezvo vachizviit­ira tsvina.”

 ??  ?? Shylet Mahela (akamira pakati) nevana vake vanorarama nehurema.
Shylet Mahela (akamira pakati) nevana vake vanorarama nehurema.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe