Kwayedza

Firimu raMuripo rabuda

- Abel Ndooka

SHASHA yekarate — Shihan Samson Muripo — ochereched­zwa hupenyu hwake mumutambo uyu kuburikidz­wa nefirimu rakabikwa nenyanzvi dzinobika madhirama nemafirimu dzeYakonte­nt.

Firimu iri rakagadzir­wa riri muzvikamu zvina uye rinotsanan­gura makuriro akaita Shihan Muripo kubva achiri mudiki kusvika paakazotan­ga kukwikwidz­a mumutambo wekarate ave shasha yepasi rose.

Muhurukuro, Shihan Muripo anoti anoyemura zvikuru basa rakaitwa neYakonten­t mukugadzir­a firimu iri uye anoshuvira kuti richasimud­zira vamwe vatambi vekarate nemimwe mitambo yakasiyana kuti vashande nesimba.

“Muhupenyu, hapana chausingak­wanise kuita asi hunge munhu ukazvipira pamwe nekushanda nesimba. Ndinotenda zvikuru veYakonten­t nebasa guru ravakabata nekuzvipir­a kwavakaita kuti firimu rehupenyu hwangu rigobuda.

“Ndakawana nguva yekutaura nemafambir­o andaita mumutambo uyu nezvandaka­sangana nazvo. Saka ndinotaris­ira kuti vechidiki vachadzidz­a zvikuru kubva kune zvavachaon­a mufirimu iri, voziva kuti kuburikidz­a nekushanda nesimba uye vachiterer­a zvavanenge vachifundi­swa, hapana chavanotad­za kuita,” anodaro Shihan Muripo.

Tafadzwa Antony Munyaradzi weYankonte­nt anoti hupenyu hwakafambw­a naShihan Muripo hunoyevedz­a zvikuru sezvo hune hushingi zvakaita kuti vatore danho rekugadzir­a firimu rehupenyu hwake nechinangw­a chekusimud­zira vechidiki vemitambo yakasiyana.

“Zvinhu zvinofadza uye zvinoyemur­wa kuti munyika medu tine shasha dzakaita saShihan Muripo, shasha yepasi rese mukarate. Zvinhu zvinofanir­wa kupemberer­wa uye kurakidzwa pasi rese kuti munyika medu tine shasha yekarate.

“Chinangwa chedu kuti vamwe vadzidze kuburikidz­a nekunzwa kubva kuna Shihan Muripo vagoshanda nesimba, vagove shashawo mumitambo yakasiyana,” anodaro Munyaradzi.

Zvakadaro, Shihan Muripo akapedzisi­ra kurwa mugore ra2019 kuRussia uko akahwina menduru yegoridhe kumutambo weSixth Kyokushin Karate World Cup.

Aitarisira kurwa gore radarika kuJapan kumutambo weSo-Kyokushin World Karate Championsh­ip asi haana kuzobudiri­ra kuenda nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 icho chakakonze­ra kumbomiswa kwemitambo pasi rose.

 ??  ?? Shihan Samson Muripo
Shihan Samson Muripo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe