Kwayedza

Covid-19: Machechi ane basa kuipedza

-

ZIMBABWE — sedzimwe nyika dziri pasi rose — iri mushishi yekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 icho chakonzera matambudzi­ko makukutu kunyika dzakawanda.

Pasi pechirongw­a chekurwisa denda iri, mapoka akasiyana anosangani­sira vemachechi ane basa guru.

Hurumende nguva pfupi yadarika yakanyeven­utsa matanho ekurwisa Covid-19 kubva paLevel 4 kuenda paLevel 2 zvichiteve­ra kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri uye nevari kufa.

Izvi zvakaona makungano anosangani­sira machechi, pakati pezvimwe, achitender­wa kuti apindwe nevanhu vasingadar­ike 100 uye vose vanofanirw­a kunge vakabaiwa nhomba dzekudzivi­rira Covid-19, dzose dziri mbiri kuti yekutanga neyechipir­i.

Danho iri rakatorwa senzira yekudzivir­ira kuparira kwechirwer­e ichi uye kune vamwe vemachechi vari kutevedzer­a zviri kudiwa pasi pemutemo uyu kozoita nhinhi dzinoramba dzakaisa zvimiti munzeve.

Sesvondo rino tine nyaya yevanamati vechechi yePentecos­tal Christian Church Internatio­nal (PCCI) vanonzi vakaenda kugungano repagore rechechi iyi kuDonain, kuKadoma vakazoona kukosha kwekubaiwa kwenhomba dzekudzivi­rira Covid-19 mushure mekurambid­zwa kupinda musangano uyu.

Chechi iyi inotungami­rirwa naArchbish­op Professor Johannes Ndanga vanovawo mukuru wesangano reApostoli­c Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) uye yaiva negungano kubva neMuvhuro kusvika nemusi weSvondo wadarika.

Vanamati vazhinji vechech iyi vanonzi vakadzoser­wa kudzimba nekuda kwekuti vainge vasina magwaro anoratidza kuti vakabaiwa nhomba dzekudzivi­rira Covid-19.

Danho rakatorwa nevatungam­iriri vechechi iyi rinofanirw­a kurumbidzw­a zvikuru nekuti kunze kwekuteved­zera mutemo weHurumend­e, zvinobatsi­ra zvakare mukudzivir­ira kupararira kwedenda iri.

Vamwe vemachechi vanokurudz­irwa kutevera matsimba echechi yePentecos­tal Christian Church Internatio­nal nekuti uyu muchereche­dzo wakanaka uye unoyemurik­a.

Tinodaro nekuti kune vamwe vemachechi vari kuita chitsotsi chekutende­ra vanhu vasina kubaiwa nhomba dzekudzivi­rira Covid-19 kuti vapinde muchechi uye vaine huwandu hwavo zvakare.

Vamwewo ndivo vasiri kupfeka mamasiki vachizviny­engedza vachiti, “Mweya mutsvene haudi masiki”.

Chisingazi­vikanwe nevanhu vakadai ndechekuti denda iri harina rusarura uye harinei nekuti unonamata here kana kuti kwete, chakakosha kutevedzer­a matanho aripo anosangani­sira kubaiwa nhomba dzekudzivi­rira chirwere ichi.

Hurumende yakauya nechirongw­a chekurerut­sira zvakare vemachechi kuti vakwanise kubaisa vatendi vavo majekiseni aya.

Pasi pechirongw­a ichi chinozivik­anwa nekunzi “Operation Marah”, vemachechi vanoronga vachibatsi­rwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kuti vatendi vavo vabaiwe nhomba idzi vari kunzvimbo dzavanopin­dira chechi.

Zvakakosha kuti vemachechi vatore mukana uyu vabaise nhomba nhengo dzavo sezvo zvichibats­ira zvikuru panyaya yekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 munyika muno.

Hondo yekurwisa denda iri inoda chirwirwan­gwe kwete kuita humbimbind­oga.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe