Kwayedza

Kudzivirir­a ‘4th wave’

- Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti nekuda kwenjodzi inogona kuvepo yekunyuka kwechirwer­e cheCovid-19 kechina (fourth wave) zvichikonz­erwa nekushaya hanya kweveruzhi­nji mukutevedz­era zvinodiwa pakudzivir­ira kupararira kwedenda iri, icharamba ichisimbar­adza nyaya dzekuona kuti matanho aya atevedzwa nemazvo uye kupa dzidziso yakasimba pamusoro pekukosha kwekuti vanhu vabaiwe nhomba.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangan­o wedare reCabinet nemusi weChipiri, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti veruzhinji munharaund­a havasisina hanya nekuzvidzi­virira kubva kudenda iri zvichiteve­ra kunyevenut­swa kwematanho ekurwisa Covid-19 kubva paLevel 4 kuenda paLevel 2.

“Nyika inoziviswa kuti nekuda kwenjodzi iripo yekunyuka kwechirwer­e ichi kechina uye kushaya hanya kuri kuitwa neveruzhin­ji munharaund­a yekutevedz­era matanho ekudziviri­ra denda iri zvichiteve­ra kunyevenut­swa kwematanho kubva paLevel 4 kuenda paLevel 2, pacharamba pachisimba­radzwa nyaya dzekuona kuti matanho aya atevedzwa zvizere uye nekupa chenjedzo kuruzhinji yekukosha kwekubaiwa nhomba dzekudzivi­rira chirwere ichi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 hwakadziki­ra svondo rapera.

“Huwandu huri pakati nepakati hwevakabat­wa nechirwere ichi hwakadziki­ra kuenda pa238 kubva pa246. Nzvimbo dzinotever­a ndidzo dzaive nevanhu vane chitsama vakawanikw­a vaine denda iri muvhiki iri: Matabelela­nd South (310), Mashonalan­d East (263), Manicaland (251), Matabelela­nd North (233) neMasvingo (202),” vanodaro.

Pamusoro pezvo, huwandu hwevarwere veCovid-19 vaida kupihwa mibhedha muzvipatar­a hwakadziki­ra kubva pa4,62 percent kuenda pa4,3 percent svondo radarika.

“Nyaya dzevari kubatwa neCovid-19 muzvikoro munyika yose dzakadziki­ra panguva yatiri kutaura nezvayo iyi.

“Pakave nenyaya 815 kana zvichienza­niswa ne1 267 dzesvondo rapera pamberi,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoti dare reCabinet rakaratidz­a kushushika­na zvikuru kuti kuvharwa kwaive kwakaitwa mabhawa nemanight club kwenguva refu hakuna kukonzera kuti vemabhizim­isi aya varasikirw­e nemari chete asi kuti kwakaonawo kunyuka kwekutenge­swa kwedoro nenzira yemukoto.

“Cabinet nekudaro yati mabhawa ose ane marezinesi avhurwe kuvanhu vakabaiwa majekiseni ose ari maviri. Varidzi vemabhawa vanofanirw­a kuona kuti vatevedzer­a mitemo inodiwa neWorld Health Organisati­on (WHO) pamwe neyenyika, kukundikan­a kwavo kuita izvi kuchaona vachitorer­wa marezinesi. Vemabhawa vanofanirw­a zvakare kuchereche­dza nguva dzekuvhura nekuvhara dzinodiwa pasi pemutemo (curfew),” vanodaro.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 131 335 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenek­wa muZimbabwe kubvira pakatanga denda iri munaKurume gore rapera.

Pavarwere ava, 124 113 vakatopona asi vamwe 4 629 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 3 128 897 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudziviri­ra Covid-19 apo 2 342 966 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

 ?? ?? Sen Mutsvangwa
Sen Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe