Kwayedza

Kupfuya huku kuri kubudirira

- Muchaneta Chimuka

BHINDAUKO rekupfuya huku dzenyama nedzemazai rinonzi riri kusimukira zvikuru panguva ino apo nyika yakatarisa­na nekurwisa chirwere cheCovid-19 sezvo kazhinji richiitirw­a pamba uye harinyanyi kukanganis­wa nezvirongw­a zvakaita selockdown apo veruzhinji vanenge vasingaten­derwe kufamba-famba.

Kwayedza inoita hurukuro naVaJoel Muzamhindo vanoshandi­ra kambani yeFeedmix iyo inotengesa huku dzechibhoy­i dzemhando dzakasiyan­a, chikafu nemishonga yekudzirap­a vari kuZimbabwe Agricultur­al Show.

Vanoti bhizimisi rekupfuya huku riri kusimukira zvikuru munguva ino.

“Tiri kufundisa varimi machengete­rwo emhando dzakasiyan­a dzehuku dzechibhoy­i. Huku dzakakosha zvikuru nekuti dzinounza mari saka murimi chaiye haaneti mukudzirir­itira.

“Chekutanga, murimi anogadzira danga rehuku dzake nefenzi ine maburi-maburi kuitira kuti mhepo inge ichipinda zvakanaka. Musuwo wedanga unofanira kutarisa kumabvazuv­a apo kumadokero kwakavharw­a kuitira kuti dzisarohwa nezuva. Mhando yehuku idzi dzakatanga dzichibva kune dzimwe nyika asi iko zvino dzatekeshe­ra muno,” vanodaro VaMuzamhin­do.

Vanoti huku dzinoda chikafu chakakwana uye hadzifanir­we kuwandisa mudanga radzinoche­ngeterwa kuitira kudzivirir­a zvirwere.

“Huku dzinobatwa zvekare nezvirwere zvakadai sechikosor­o, zveganda nezvimwe zvekuti kana murimi akasashand­a nemadhumen­i kuti azive mishonga yakakodzer­a, anogona kurasikirw­a nedanga rose mukati menguva diki.

“Danga rinofanira kugara rakachena uye ndiro dzinodyira huku dzinoda kusungwa netambo dzakarembe­ra mudanga, dzisingagu­mi pasi. Izvi zvinoita kuti chikafu chehuku chisasvibi­swa,” vanodaro.

Vanoti munguva yelockdown, varimi vakawanda havana kunyanya kushushika­na nekuti vaiwana mari vari mudzimba.

“Tinokurudz­ira zvekare varimi kuti vaendewo pamasaisai vachiita ongororo maringe nehuku dzavangada kuchengeta uye zvichifamb­irana nenzvimbo dzavanogar­a nemamiriro ekunze.

“Kubva muhuku, varimi vanowana mazai ekutengesa, nyama ine mapuroteni pamwe nemupfudze wematosi unova wakakosha zvikuru kuvarimi vehove nekuti ndicho chikafu chadzo uye vamwe vanoisa muzvirimwa zvavo zvichinyat­sokura zvakanaka,” vanodaro.

 ?? ?? VaJoel Muzamhindo vari mudanga rehuku dzechibhoy­i dzavaitari­dza kushoo.
VaJoel Muzamhindo vari mudanga rehuku dzechibhoy­i dzavaitari­dza kushoo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe