Kwayedza

‘Majekiseni aya haana njodzi’

- Tanyaradzw­a Rusike

VANHU 96 bedzi ndivo vaita matambudzi­ko ari pakati nepakati kana kuti akati kurei mushure mekubaiwa nhomba dzekudzivi­rira chirwere cheCovid-19 pavanhu 5 miriyoni vabaiwa majekiseni aya kusvika pari zvino kubvira patanga chirongwa ichi munaKurume wegore rino.

Nyanzvi dzezveutan­o idzo dziri kuita ongororo yendufu dzevanhu vaviri avo vanonzi vakarwara mushure mukubaiwa majekiseni apo dzimwe ndufu mbiri dzainzi dzakakonze­rwa nekubaiwa nhomba idzi dzakaonekw­a kuti hadzinei nekubaiwa kwakaitwa vashakabvu ava majekiseni iwaya.

Sangano reMedicine Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) rinoti vanhu vazhinji vachangobv­a kubaiwa nhomba idzi vanogona kutemwa nemusoro, kunzwa kupera simba, kuneta nezvimwe zvisina njodzi kuutano hwavo.

Vezveutano vanoti munhu anozonzi aiita zvigozherw­a zvakanyany­a pautano hwake mushure mekubaiwa nhomba idzi ndeuyo ane zviratidzo zvinoita kuti apedzisire aenda kuchipatar­a kana kufa.

VaShingai Gwatidzo, avo vanova MCAZ projects and public relations officer, vanoti vashoma vari kuita matambudzi­ko pautano hwavo mushure mekubaiwa nhomba dzekudzivi­rira Covid19.

“Pavanhu 3,06 miriyoni vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ne2,30 miriyoni vabaiwa echipiri (2nd dose), sangano redu rakatambir­a nyaya 96 dzevanhu vanonzi vakaita matambudzi­ko,” vanodaro.

“Vakawanda vacho vakange vasina matambudzi­ko akanyanya uye zviratidzo zvacho zvainderer­ana nezvinotar­isirwa kuti zvinogona kuitika nevakagadz­ira mushonga wenhomba idzi izvo zvinoti kutemwa nemusoro, kunzwa kupera simba, kuvhara kwemhuno, kuhetsura, kuita tumapundu (rash) kurwadziwa nepahuro, kuyerera dzihwa pamhuno, kurwadziwa panzvimbo yabaiwa jekiseni, kurwadziwa neruwoko rwabaiwa uye marwadzo epadundund­u,” vanodaro.

Vanoti pane nyaya dzevanhu vashoma vakaita matambudzi­ko akati kurei mushure mekubaiwa nhomba idzi kusanganis­ira yekuoma mitezo yemuviri.

VaGwatidzo vanoti chikamu che70 percent chevanhu vakaita matambudzi­ko mushure mekubaiwa, ndevakabai­wa nhomba yemhando yeSinophar­m vaccine apo 25 percent ndevakabai­wa Sinovac vaccine kuchitiwo imwe mhando yacho haina kudomwa.

“Sangano redu rakatambir­a nyaya ina dzevanhu vaifungidz­irwa kuti vakafa mushure mekubaiwa nhomba,” vanodaro VaGwatidzo.

“Panyaya mbiri, zvakaonekw­a kuti zvakangoit­ikawo kuti vakafa mushure mekubaiwa uye hapana umboo hunoratidz­a kuti ndufu idzi dzakakonze­rwa nekubaiwa kwakaitwa vanhu ivava majekiseni.”

VaGwatidzo vanoti pane dzimwe ndufu mbiri, sangano ravo rakamirira vanachirem­ba kuti vaite ongororo yekuona kuti vanhu ava vakafa nei.

Vanoti kana mhando yemushonga unodziviri­ra chirwere cheCovid-19 ikaratidza kuti iri kukanganis­a utano hwevanhu, MCAZ inoita kuti mushonga iwoyo usashandis­we.

Zimbabwe pari zvino iri kubaya vanhu majekiseni emhando dzinoti Sinopharm, Sinovac, Covaxin, Sputinik V neJohnson and Johnson idzo dzose dzakapihwa mvumo nesangano reMCAZ kuti dzishandis­we munyika muno.

VaGwatidzo vanokurudz­ira veruzhinji kuti vazivise vezveutano kana vasangana nematambud­ziko mushure mekubaiwa nhomba idzi.

Zimbabwe iri pakati penyika 13 dzemuAfric­a dzazadziki­sa tarisiro yesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO) yekuti chikamu che10 percent chevanhu vose vari munyika vange vabaiwa majekiseni ekudziviri­ra Covid-19 pakupera kwaGunyana.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe