Kwayedza

Musika mutema watikuvadz­a: CZR

- Malven Mugadzikwa

SANGANO rinomirira vezvitoro reConfeder­ation of Zimbabwe Retailers (CZR) rinoti musika wemukoto uri kushunguru­dza zvikuru vatengi sezvo vave kumanikidz­irwa kutenga zvinhu sezvekudya nezvimwe zvekushand­isa nemari yepamusoro yemuno kana yekunze.

Mukuru weCZR, VaDenford Mutashu, vanoti vezvitoro vari kukwidza mitengo yezvinhu vachishand­isa “rate” yepamusika mutema zvisinei nekuti vamwe vacho vari kuwana mari kuburikidz­a nechirongw­a cheHurumen­de che”auction system” apo vanowana mari yakaderera kudarika yepamusika mutema.

“Vezvitoro zvikuru vamwe vacho vari kuwana mari kuburikidz­a ne’auction system’ yevanoda kugadzira zvinhu muno pamwe chete nekutenges­a zvinogadzi­rwa muno munyika. Zvisinei, vamwe vacho kana vave kutengesa zvinhu zvavo kana zvigadzirw­a vari kutengesa nemari yakaenzana neyepamusi­ka mutema.

“Vamwewo vezvitoro nemakamban­i ari kuwana mari yekunze yakachipa pa’auction system’ vari kubva vaidira pamusika mutema zvokonzera kuti ‘rate’ rirambe richikwira,” vanodaro VaMutashu.

Vanoti zvose izvi zvinoita kuti dambudziko guru riwire kumutengi sezvo ndiye anenge ava kutenga zvinhu nemari yepamusoro.

VaMutashu vanoti vashandi vazhinji munyika vari kutambira mari yemuhoro yemuno zviri kuita kuti dzimwe nguva pavanozota­mbira mari yavo inenge isingachat­engi zvakawanda.

Vanotiwo zvimwe zviri kukwidza mitengo yezvinhu uye “rate” ndezvekuti vamwe vezvitoro zvidiki vasingakwa­nise kana kutenderwa kutenga mari pa “auction system” vari kupedzisir­a vatenga mari yekunze pamusika mutema zvoita kuti vaise mitengo yavo maererano nemawaniro avanenge vachiita mari iyi.

“Izvi zviri kuitika mumabhizim­isi ndizvo zviri kuramba zvichirara­misa musika mutema uye kukuvadza upfumi hwenyika nekuderedz­a hukoshi hwemari yedu yemuno. Kune vamwe vari kutumirwa mari kubva kunze kwenyika, vave ‘kumbodzipi­sa’ pamusika mutema vachitenge­sera vanhu zvave kuita kuti musika mutema urambe uchirarama,” vanodaro.

VaMutashu vanoti hakuna anokwanisa kunyatsozv­iteverera kuti vari kupihwa mari yekunze yakachipa iyi, vakadai sevemakamb­ani, vari kuzoishand­isa nemazvo uye zvavaitore­ra here.

Vanoti izvi ndizvo zviri kuramba zvichikonz­era kusagadzik­ana kwemari nekuti vazhinji vari kutora mukana uyu kuramba vachiisa mari mumusika mutema.

Zvisinei, VaMutashu vanoti vari kufara zvikuru sesangano rinomirira vezvitoro kuti zvizhinji zvacho zvave kutengesa zvinhu zvemuno munyika zvakawanda kudarika zvekunze, kunyanya zvekudya.

Vanoti izvi zvinoita kuti mari irambe ichitender­era munyika uye zvinosimud­zira makambani emuno nekuwanisa vanhu mabasa.

Pari zvino pachikafu chinotenge­swa muzvitoro, zvikamu makumi manomwe kubva muzana (70 percent) zvinenge zviri zvemuno.

Pane zvekupfeka nezvekusha­ndisa mumabasa, VaMutashu vanoti zvikamu makumi masere kubva muzana (80 percent) zvinogadzi­rwa kudzimba.

Uyu muchereche­dzo wekuti munyika muchine basa kuti indasitiri isimuke, ikwanise kutanga kugadzira zvekushand­isa zvakawanda zvemuno uyewo nembatya.

 ?? ?? VADENFORD Mutashu
VADENFORD Mutashu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe