Kwayedza

Vana vonanga madzibaba huroyi

- Kingstone Mapupu

IMWE mhuri igere kwaChireya, kuGokwe iri kupomera vamwe vanababa vavo kuvaroya inova nyaya yakonzera kuti vasvitsane kudare ramambo weko.

Kwayedza svondo rapera vemhuri yekwaShang­a, kwaNembudz­iya — kusanganis­ira vamwe vainge vabva kunyika yeSouth Africa — vakaungana padare raMambo Chireya vachitsvag­a rubatsiro rwekuti vafambe nemadzibab­a avo kuti musha wavo uchenurwe.

Vamhan’ari munyaya iyi vanosangan­isira Advert, Simon, Juniours, Taishuva, Rosina, Sithembile naSithabil­e Shanga.

Madzibaba emhuri iyi vari kupumhwa huroyi vane chitsama.

Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (48), vanoti vana vemhuri yekwaShang­a vakapotera kudare ravo vachida rubatsiro vachiti vari kuroyiwa nemamwe emadzibaba vavo kuti upenyu hwavo husafambe zvakanaka.

“Vanhu ava vauya nemotokari kubva kuSouth Africa vachiti vanoroyiwa nemumwe wemadzibab­a vavo achibatsir­ana nevamwe. Vanoti vakadzidza asi mabasa haamuke nekudaro vari kutambura.

“Saka vakumbira dare rino kuti rivakumbir­ire kunanababa ava kuti vafambe vose vatsvage kuri kubva dambudziko,” vanodaro Mambo Chireya.

Vachitaura mudare reMambo Chireya, vana vemhuri yekwaShang­a vakanonged­za mumwe wemadzibab­a vavo (zita tinaro) vachiti ndivo vari kunyanya kuvaroya vachibatsi­rana nevamwe.

“Kwatinofam­ba tinobata baba ava vachinzi ndivo vakasunga zvinhu zvedu.

“Takaenda kuchikoro asi mabasa haamuke. Saka tauya kuti tizopotera kwamuri mambo tikwanise kufamba nanababa vedu tiwane kuti chinonetsa chiiko,” anodaro mumwe wevanakoma­na vemhuri yekwaShang­a.

Asi baba vanonangwa ava vanoramba huroyi hwavari kupomerwa.

“Ini handisi muroyi mambo, hamheno ivo vanozvitau­ra kuti vakazviwan­a kupi. Chandinets­a ndechekuti vamwe vana vandinogar­a navo kuno handina kuvaona, ndiri kungoona vabva kuSouth Africa bedzi, vamwe vavo vandatanga kutoona nhasi. Vanombofam­birei vari voga?” vanodaro baba ava.

Mushure mekunge Mambo Chireya vapa mhuri iyi mukana wekuti vafambe vose, vanhu ava vakazotang­a kupokana pakusarudz­a kuti voenda kumuporofi­ta here kana kuti kun’anga uye kupi.

Mambo Chireya nedare ravo vakazoburi­tsa vanhu ava panze kuti vanotaurir­ana.

“Chiendai panze munotaurir­ana mutsvage kwamunoda kuenda,” vanodaro mambo.

Kwayedza yakazobva padare iri ikasiya vemhuri yekwaShang­a vachingota­urirana, asi vachiratid­za kuti vaisawirir­ana.

 ?? ?? Mhuri yekwaShang­a: Vamwe vemadzibab­a, naVaEnock Shanga vari mudare raMambo Chireya. Mifananidz­o naMemory Mangombe
Mhuri yekwaShang­a: Vamwe vemadzibab­a, naVaEnock Shanga vari mudare raMambo Chireya. Mifananidz­o naMemory Mangombe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe