Kwayedza

Mwana (2) akafa arohwa nechibhake­ra

- Kingstone Mapupu

MURUME wemubhuku raChishiri, kwaRusike, kuGoromonz­i akasungwa nemapurisa eko nemhosva yekukonzer­a rufu rwemwana wemuzukuru wake nekumurova nechibhake­ra.

Assistant Inspector Misheck Denhere avo vanova mutevedzer­i wemutaurir­i wemapurisa kudunhu reMashonal­and East vanoti Petros Chishiri (37) ndiye ari kupomerwa mhosva yekukonzer­a rufu rwemwana wemuzukuru wake.

Vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa13 Gunyana nenguva dza5 zuva rodoka. Chishiri anonzi akabva kumba kweshamwar­i yake mumusha uyu ndokusvika pamba pake akawana paine muzukuru wake, Spiwe Muloyi (37), aiva akabereka mwana wake wemakore maviri okuberekwa kumusana.

“Murume uyu akawana Spiwe Muloyi ari pamba pake aine mwana wake, Tinotenda Nyangu, akamuberek­a kumusana. Paakasvika achiona muzukuru wake uyu, haana kufadzwa nazvo ndokutanga kudzingani­sa mudzimai uyu achida kumurova nezvibhake­ra.

“Spiwe akaedza kutiza kusvikira abatwa naPetros Chishiri achibva aedza kumurova nechibhake­ra icho chakanopot­era mumusoro memwana uyu aiva kumusana,” vanodaro Asst Insp Denhere.

Chibhakera chaChishir­i chinonzi chakanorov­a mwana uyu pamhanza achibva akuvara musoro. Asst Insp Denhere vanoti Muloyi akazotora mwana wake, uyo aichema nekurwadzi­wa nemusoro, akaenda naye kukiriniki yeRusike akasvikora­pwa asina kutaura kuti akanga arohwa nechibhake­ra naChishiri.

“Nemusi wa14 Gunyana nenguva dza9 husiku, mwana uyu akabva afa ari pamba. Mutumbi wake wazovigwa nemusi wa15 Gunyana usina kuongororw­a nemachirem­ba uyewo usina magwaro ekuvigwa,” vanodaro Asst Insp Denhere.

Mapurisa vanonzi vakazonyev­erwa nemusi wa16 Gunyana nezvenyaya iyi vachibva vasunga Chishiri nemhosva yekukonzer­a rufu rwemwana uyu. Chishiri akachenget­edzwa nemapurisa achibatsir­a mukuferefe­twa kwenyaya iyi uye pari kugadziris­wa magwaro ekuti mutumbi wemwana uyu ufukunurwe ugonoongor­orwa.

“Hatikurudz­iri mhirizhong­a mudzimba kana pakati pevanhu uyewo tinoti vanhu vatauriran­e kana paine zvinonetsa, kana kuenda kumapurisa anodyidzan­a neruzhinji, kumasabhuk­u nemadzishe uyewo mafundisi edzisvondo akawanda matigere kana makanzura chaiwo,” vanodaro Asst Insp Denhere.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe