Kwayedza

Basa rematicha rorumbidzw­a

- Muchaneta Chimuka

BAZI redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i rinoti rinodada nekuzvipir­a kwevarairi­dzi mubasa ravo, kunyanya apo nyika iri kutambudzw­a nechirwere cheCovid-19.

Muhurukuro naVaTaunga­na Ndoro, avo vanova director of communicat­ions and advocacy kubazi iri, vanoti panguva iyo nyika iri kupemberer­a zuva revarairid­zi reWorld Teachers Day nemusi wa5 Gumiguru, vari kurangarir­awo mabasa avanoita nekuzvipir­a kwavo mukurwisa denda iri muzvikoro.

“Mhemberero dzeWorld Teachers Day dzakaitwa nemusi wa5 mwedzi uno apo tinocherec­hedza kukosha kwevarairi­dzi vose zvichifamb­irana nemitemo yemabasa pasi rose, pasi pesangano reInternat­ional Labour Organisati­on uye UNESCO. Apa tinenge tichitaris­a kodzero dzevarairi­dzi uye nharaunda dzavanosha­ndira.

“Saka munguva ino yekurwisa denda reCovid-19, tinoona kuti muzvikoro mawaniswa midziyo yose inobatsira mukuderedz­a nyaya dzekutapur­irana hutachiona hwechirwer­e ichi izvo zvinosanga­nisira kushandisw­a kwemasanit­izer mukugeza maoko, kusaungana uye kusimbarad­zwa kwenyaya dzekupfekw­a kwemamasik­i. Tinofara zvikuru kuti varairidzi vedu vanhu vane chido nekuzvipir­a mubasa ravo,” vanodaro VaNdoro.

Mhemberero dzeWorld Teachers Day dzakatanga mugore ra1994 nechinangw­a chekutaris­a nhunha dzinosanga­nikwa nadzo nematicha mumabasa avo uye nebudiriro mukuzadzik­isa zvinangwa zvedzidzo pasi rose (Global Education Targets).

“Gore rapera, mhemberero idzi dzakaitirw­a pamasaisai zvichiteve­ra kunyuka kwechirwer­e cheCovid-19 uye pakava nenguva yekurangar­irwa kwevamwe varairidzi nevadzidzi vakarasiki­rwa neupenyu nekuda kwemafasha­mu emvura yaive nedutumupe­ngo yeCyclone Idai.

“Gore rino kune vamwe varairidzi nevana vechikoro vakarasiki­rwa neupenyu uye vamwe vari kurwara nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 nekudaro vari kuchereche­dzwa zvekare,” vanodaro VaNdoro.

Zvichakada­i, sangano reZimbabwe Teachers Associatio­n (Zimta) rakacherec­hedza zuva iri pasi pedingindi­ra rinoti, “Varairidzi vari pamwongo wekusimudz­ira dzidzo”.

Muchinyorw­a, Zimta inoti inocherech­edza zvikuru kuzvipira kwevadzidz­isi mubasa ravo panguva iyo nyika iri kutambudzw­a neCovid-19.

“Mhemberero dzeWorld Teachers Day dzegore rino tiri kudzichere­chedza tiine ronda pamwoyo zvichiteve­ra kurasikirw­a kwatakaitw­a nevamwe varairidzi nevadzidzi nekuda kwedenda reCovid-19.

Varairidzi vari muchikamu chevashand­i vepamberi. Saka pari zvino tiri munzira kudzorered­za pekare tichiona kuti nharaunda yedzidzo yasimudzir­wa kuburikidz­a nekuwanisw­a kwezvinodi­wa kuitira kuti tisaramba tichirasik­irwa neupenyu munyaya dzedzidzo.

“Tinofara kuti ivo varairidzi vari kuramba vakazvipir­a mubasa ravo,” inodaro Zimta.

Ongororo yakaitwa nesangano reUNESCO neUNICEFmu­gore ra2020, inoratidza kuti vadzidzi 1,6 biriyoni pasi rose – chinova chikamu che90 percent chevadzidz­i vose – uye varairidzi 63 miriyoni vakakangan­iswa raramo yavo nekuda kwechirwer­e cheCovid-19 apo zvikoro zvakambovh­arwa uye zvimwe zvichishay­a zvinhu zvinokwani­rana.

 ?? ?? VATAUNGANA Ndoro
VATAUNGANA Ndoro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe