Kwayedza

65 vapedza zvidzidzo zvekurima

- Muchaneta Chimuka

VADZIDZI 65 avo vakabudiri­ra kupedza zvidzidzo zvavo zvekurima paChibero College of Agricultur­e svondo rapera vakawanisw­a zvitupa nemibairo.

Chirongwa chekuchere­chedza vadzidzi vanobudiri­ra mufundo yavo ichi chava nemakore 57 chichiitwa.

Vachitaura vakamiriri­ra gurukota rinoona nezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudz­irwa kwemaruwa Dr Anxious Masuka — VaDouglas Karoro vanova mutevedzer­i wavo — vanoti koreji yeChibero inozivikan­wa nemukurumb­ira wekugona basa uye hunyanzvi hwedzidzo yezvekurim­a.

“Chibero College of Agricultur­e iri kuita mabasa makukutu ekufundisa vadzidzi vezvekurim­a zvinosimud­zira nyika nekuwanisw­a kwemabasa.

‘‘Kurima ndiwo musimboti weupfumi hwenyika uye kana kukaitwa pachishand­iswa hunyanzvi, kazhinji kacho tinoona budiriro.

“Kuti tikwanise kuzadzikis­a zvinangwa zveNationa­l Developmen­t Strategy 1, zvinobva mukusimudz­irwa kwemakorej­i ekurima,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti vanofara zvikuru kuti koreji iyi yakabudiri­ra kugadzirir­a vadzidzi vayo kuti vaite zvidzidzo zvavo munguva yakaomarar­a yechirwere cheCovid-19 uye vakabudiri­ra.

“Chirwere cheCovid-19 chakakanga­nisa madzidziro ekare aiitwa nevadzidzi apo vaifunda vakaungana mumakirasi murairidzi achitaura ari pamberi. Saka rava basa guru kuti vadzidzi nevadzidzi­si zvekare vange vachifambi­rana neruzivo rwechizvin­o-zvino rwekushand­isa masaisai eIndaneti mudzidzo.

“Kushaikwa kwezvinokw­ana sezvekusha­ndisa, kushomeka kwemasaisa­i, kudhura kwemabhand­uru eIndaneti, kudhura kwemagetsi pamwe nekuenda kwawo ndizvo zvimwe zvakakanga­nisa vadzidzi mudzidzo yavo. Asi tinofara kuti zvisinei nematambud­ziko aya makakunda,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti vanotarisi­ra kuti vadzidzi vakawanisw­a zvitupa ava vazonoita mabasa anofambira­na nekufunda kwavakaita senzira yekusimudz­ira chikamu chevarimi vadiki.

Mudhumeni mukuru vari zvekare mukuru anoona nezvekusha­mbadza kukambani inouchika mbeu yeAgriSeed­s, VaIvan Craig, vakatsigir­a vadzidzi vakapedza zvidzidzo zvavo zvekurima nemibairo yembeu kuti vachinotan­ga kurima mwaka uno vachifambi­sa chirongwa chePfumvud­za.

“Tapa mudzidzi mumwe nemumwe mbeu yedu yeAgriSeed­s kuti vanotanga kurima vachiteved­za zvavakafun­da pano nekuti vatova nyanzvi uye tiri kutarisira kuti vachawana goho rakakura. Gore rapera, takaita zvimwe chetezvo zvekutsigi­ra vakakunda nemibairo nekuti tine shungu dzekuti nyaya dzekurima dzirambe dzichienda kumberi sekutaura kwemutunga­miriri wenyika President Mnangagwa, avo vane donzvo rekuti raramo yevanhu isimukire nekurima sezviri muzvinangw­a zveVision 2030,” vanodaro.

 ?? ?? CDE Karoro
CDE Karoro

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe