Kwayedza

Vogadzirir­a kudzoka kwenetball

- Abel Ndooka

SANGANO reRainbow Amateur Netball League (RANL) rinoti ragadzirir­a kudzoka kwemutambo uyu zvichiteve­ra kuronga kwavakaita mutambo weDry Run svondo radarika uyo wakaona chikwata cheZRP Mambas chichikund­a cheGlow Petroleum Queens 27-24 mufainari.

Munyori mukuru weRANL — Moses Gukumure — anoti kugara nguva ndefu vatambi vasingatam­be mutambo uyu, zvichikonz­ereswa nedenda reCovid-19, kwakadzose­ra kumashure kusimukira kwavo asi vave nemufaro zvichiteve­ra kudzoka kwawakaita.

“Mushure mekunge tapedza nguva ndefu mutambo uyu usiri kutambwa, zvinofadza zvikuru kuti tave kukwanisa kudzokera kuhupenyu hwedu hwekare vasikana vachitamba mutambo uyu unovararam­isa.

“Mutambo weDry Run wange uri wekuona kuti zvikwata zvave papi mugadzirir­o yekudzoka kwemutambo uyu. Tazvionera tega kuti zvagadziri­ra saka isu tagadzirir­awo kuti mitambo ichitanga,” anodaro Gukumure.

Zvisinei, anoti vachiri kumbomirir­a kupihwa mvumo kubva kuZimbabwe Netball Associatio­n (ZINA) neSports and Recreation Commission

(SRC) kuti vachitanga mutambo uyu.

Anoti kusvika pari zvino vanyorera kuZINA kanokwana katanhatu asi havasati vapihwa mhinduro.

“Chiri kungotimis­a kuti mitambo yedu ichitange kupihwa mvumo uye tinyoreswe neZINA. Takavanyor­era asi havasati vatipindur­a kusvika pari zvino. Saka tiri kuramba tichigogod­za kwavari, tichivanyo­rera kuti vatipe mvumo titange mitambo yedu,” anodaro.

Zvichiteve­ra kuvambwa kwakaitwaw­o ligi rePremier Netball League (PNL) nguva yadarika izvo zvakaona zvimwe zvikwata zvichibuda muRANL zvichienda kuPNL, Gukumure anoti maligi akawanda zvinobatsi­ra kukura kwemutambo uyu uye zvichipa vatambi mikana yakasiyana yekukwikwi­dza.

“Tichiri nezvikwata zvedu zvakawanda zvikuru uye isu tinovimba kuti zvapave nemaligi maviri zvichabats­ira kukura kwemutambo uyu,” anodaro.

Zvakadaro, chikwata cheZRP icho chakahwina mutambo uyu chakaenda kumba neUS$1 350 kuchiti zvimwe zvakakwikw­idza zvinosanga­nisira Lusumbami, Tenax, Ruwa, Correction­al Queens neKhami Prisons.

 ?? ?? VATAMBI veZRP Mambas (vakapfeka yunifomu ine ruvara rwutsvuku negreen) neveGlow Petroleum Queens vachitatsu­rana svondo radarika mufainari yeRANL Dry Run Tournament
VATAMBI veZRP Mambas (vakapfeka yunifomu ine ruvara rwutsvuku negreen) neveGlow Petroleum Queens vachitatsu­rana svondo radarika mufainari yeRANL Dry Run Tournament

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe