Kwayedza

Kuva nehurema haisi sarudzo

- MAONERO EDU

VANA vakaremara mitezo nenzira dzakasiyan­a vanosangan­a nematambud­ziko mukurarama kwavo, zvikuru rusarura.

Kune vamwe vabereki vevana ava vanogara vakavapfig­ira mudzimba vasingade kuti vaonekwe neveruzhin­ji, kunova kutyora kodzero dzavo.

Vana vakarema vane kodzero yekuwanisw­a zvakadai sedzidzo, utano, pekugara pakanaka uye kuwadzana nevamwe sezvinongo­itwa nevane mitezo yakakwana.

Nyanzvi dzezveutan­o dzinoti pane zvikonzero zvine chitsama zvinoita kuti mwana azvarwe akaremara izvo zvinosanga­nisira kuumbwa kwemajini (genes) ake achiri mudumbu raamai vake asati azvarwa.

Asi kakawanda vanhu vanopomera­na nyaya dzehuroyi mushure mekunge mumhuri mazvarwa mwana akaremara.

Kazhinji, amai vemwana uyu ndivo vanopomerw­a kuti vane zvavanoziv­a zvavakaita kana kuti mweya yakaipa yekumusha kwavo ndiyo inenge yakonzera kuti vabare mwana akaremara, zvinove zvisiri izvo.

Kune vamwe vanababa zvakare vanosvika pakutiza kana kupata musha chaiko nekuti mudzimai anenge azvara mwana akaremara.

Senyaya yatinayo svondo rino, yemumwe mudzimai anoita basa rekutenges­a zvinhu zvakasiyan­a muguta reHarare, uyo anoti ari kufunga zvekutenge­sa pamuviri pemwana paanapo kuti awane mari yekutenga wiricheya yemumwe mwana wake akaremara mitezo.

Sekutaura kwemudzima­i uyu, anoti murume wake akamutiza mushure mekumupa pamuviri apa achibva aenda kumusha kwake kuMalawi.

Anoti murume wake pamwe chete nanatezvar­a vake vose havana hanya nekuchenge­ta mwanasikan­a akaremara uyu ane makore mashanu ekuberekwa.

Vekumhuri yemurume uyu vanonzi vari kuti kudzinza ravo hakuna kumbobvira kwazvarwa mwana akaremara nekudaro mwanasikan­a uyu haazi wemumhuri yavo.

Semaonero edu, murume wekutiza mudzimai uyu nekuda kwekuti akazvara mwana akaremara ane hutsinye hwekupedzi­sira.

Pamusoro pezvo, anonzi pane zvaakaita pamapirits­i emudzimai uyu ekurera mhuri kuti ashaye simba zvikaita kuti abate pamuviri paanapo apa achiri nemumwe mwana mudiki.

Kana murume uyu achiti mwanasikan­a akaremara uyu haazi wemumhuri mavo akadii kuenda kunovhenek­wa kumaDNA zvobuda pachena kana asiri iye baba vemwana uyu?

Kazhinji, madzimai ndiwo anotarisan­a nemutoro wakakura kana vachinge vabara vana vakaremara.

Zvakakosha kuti masangano anomiririr­a vana vakaremara mitezo aite zvirongwa zvakasimba zvekufundi­sa veruzhinji pamusoro pekodzero dzavo uye vachishand­a pamwe chete nenyanzvi dzezveutan­o dzinenge dzichitsan­angura zvimwe zvezvikonz­ero zvinoita kuti mwana abarwe akaremara.

Hurumende yakadzika mutemo unocherech­edza kodzero dzevakarem­ara weDisabili­ty Policy nechinangw­a chekuti pave nekuenzani­swa kwemikana pakati pevakarema­ra nevasina.

Kana mwana akaremara akapihwa mikana yakadai sefundo nezvimwe, anokwanisa kuve nebudiriro muupenyu inotodarik­a zvinogona kuitwa neane mitezo yakakwana.

Semuenzani­so, mukuru wedare reParamend­e revechidik­i muZimbabwe (Child President) akaremara mitezo anove Hazel Mandaza.

Ibasa remunhu wose kusimudzir­a kodzero dzevana vakaremara kuitira kuti vave neremangwa­na rakajeka.

 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe