Kuva nehurema haisi sarudzo
VANA vakaremara mitezo nenzira dzakasiyana vanosangana nematambudziko mukurarama kwavo, zvikuru rusarura.
Kune vamwe vabereki vevana ava vanogara vakavapfigira mudzimba vasingade kuti vaonekwe neveruzhinji, kunova kutyora kodzero dzavo.
Vana vakarema vane kodzero yekuwaniswa zvakadai sedzidzo, utano, pekugara pakanaka uye kuwadzana nevamwe sezvinongoitwa nevane mitezo yakakwana.
Nyanzvi dzezveutano dzinoti pane zvikonzero zvine chitsama zvinoita kuti mwana azvarwe akaremara izvo zvinosanganisira kuumbwa kwemajini (genes) ake achiri mudumbu raamai vake asati azvarwa.
Asi kakawanda vanhu vanopomerana nyaya dzehuroyi mushure mekunge mumhuri mazvarwa mwana akaremara.
Kazhinji, amai vemwana uyu ndivo vanopomerwa kuti vane zvavanoziva zvavakaita kana kuti mweya yakaipa yekumusha kwavo ndiyo inenge yakonzera kuti vabare mwana akaremara, zvinove zvisiri izvo.
Kune vamwe vanababa zvakare vanosvika pakutiza kana kupata musha chaiko nekuti mudzimai anenge azvara mwana akaremara.
Senyaya yatinayo svondo rino, yemumwe mudzimai anoita basa rekutengesa zvinhu zvakasiyana muguta reHarare, uyo anoti ari kufunga zvekutengesa pamuviri pemwana paanapo kuti awane mari yekutenga wiricheya yemumwe mwana wake akaremara mitezo.
Sekutaura kwemudzimai uyu, anoti murume wake akamutiza mushure mekumupa pamuviri apa achibva aenda kumusha kwake kuMalawi.
Anoti murume wake pamwe chete nanatezvara vake vose havana hanya nekuchengeta mwanasikana akaremara uyu ane makore mashanu ekuberekwa.
Vekumhuri yemurume uyu vanonzi vari kuti kudzinza ravo hakuna kumbobvira kwazvarwa mwana akaremara nekudaro mwanasikana uyu haazi wemumhuri yavo.
Semaonero edu, murume wekutiza mudzimai uyu nekuda kwekuti akazvara mwana akaremara ane hutsinye hwekupedzisira.
Pamusoro pezvo, anonzi pane zvaakaita pamapiritsi emudzimai uyu ekurera mhuri kuti ashaye simba zvikaita kuti abate pamuviri paanapo apa achiri nemumwe mwana mudiki.
Kana murume uyu achiti mwanasikana akaremara uyu haazi wemumhuri mavo akadii kuenda kunovhenekwa kumaDNA zvobuda pachena kana asiri iye baba vemwana uyu?
Kazhinji, madzimai ndiwo anotarisana nemutoro wakakura kana vachinge vabara vana vakaremara.
Zvakakosha kuti masangano anomiririra vana vakaremara mitezo aite zvirongwa zvakasimba zvekufundisa veruzhinji pamusoro pekodzero dzavo uye vachishanda pamwe chete nenyanzvi dzezveutano dzinenge dzichitsanangura zvimwe zvezvikonzero zvinoita kuti mwana abarwe akaremara.
Hurumende yakadzika mutemo unocherechedza kodzero dzevakaremara weDisability Policy nechinangwa chekuti pave nekuenzaniswa kwemikana pakati pevakaremara nevasina.
Kana mwana akaremara akapihwa mikana yakadai sefundo nezvimwe, anokwanisa kuve nebudiriro muupenyu inotodarika zvinogona kuitwa neane mitezo yakakwana.
Semuenzaniso, mukuru wedare reParamende revechidiki muZimbabwe (Child President) akaremara mitezo anove Hazel Mandaza.
Ibasa remunhu wose kusimudzira kodzero dzevana vakaremara kuitira kuti vave neremangwana rakajeka.