Kwayedza

Sanganai naMai Jilimba

- Muchaneta Chimuka

SHASHA yemadhiram­a Patience Musa – uyo anozivikan­wa saMai Jilimba mumutambo unonzi Maoko Matema – anoti zvaanoekit­a handi upenyu hwaanorara­ma sezvo akaroorwa ndokupinda musvitsa tsvene uye ndiamai veruwadzan­o.

Musa anorambisi­sa nemakore ake ekuberekwa achiti inyaya isingade veruzhinji nekuti inozomukan­ganisira basa rake asi ndokutaura mwedzi nezuva raakabarwa bedzi.

“Chipo changu chekuekita chakatanga ndichiri mudiki zvichibva mukuterera zvatinodzi­dziswa nevanyori vemutambo. Kana munhu uchiekita unofanira kutevedza zvinodiwa mumutambo kuti uratidze huchokwadi.

“Vabiki vemutambo vakati zhinyura unofanira kuzhinyura, kana vakati seka unotoseka, ukanzi chema unofanirwa kuchema. Zvatinoeki­ta hazvirevi kuti ndihwo hunhu hwatakatak­ura, mutambo mumwe nemumwe une dudziro yawo nezvinangw­a zvisiri zvinhu zvatinorar­ama.” anodaro Musa.

Anoenderer­a mberi achiti, “Makore angu handisati ndada kuti azivikanwe neveruzhin­ji nekuti zvinogona kundishais­a mabasa sezvo mukuekita pamwe ndinenge ndichiita semukadzi mukuru kana sepwere.

“Chandingan­gokuudzai ndechekuti ndakabarir­wa kuMaronder­a musi wa29 Ndira uye ndakaroorw­a, ndikabara vanasikana vatatu. Ndinopinda Roman Catholic, ndiri kunzanga kana kuti chita chaMbuya Anna.

“Nditori tete venzanga, ndinorayir­a vasikana nevakomana.”

Anoti akamboita matironi wepachikor­o achizobva apinda munyaya dzemadhira­ma muna1985.

“Nyaya dzekuekita ndinodzifa­rira zvekuti handifungi kuti ndingamboe­nda pamudyandi­gere. Ndaita madhirama akawanda saMaoko Matema, Kurauone, Chihwerure, Maimbodei nemamwe andisingac­hadoma.”

Anoyemura vatambi vakadai semushakab­vu Stembeni Makawa, Lazarus “Gringo” Boora, Safirio ‘Mukadota’ Madzikatir­e naPatience Ozokwor wekunyika yeNigeria.

“Amai Azokwor vekuNigeri­a ndiye anoekita zvandinofa­rira zvakanyany­a zvisinei nekuti muno hatisati hedu tava kuekita zvinotyisa sezvinoitw­a nevekuNige­ria. Kingstone Kasiyandim­a ndiye wandinoeki­ta naye semurume wangu mumutambo uye anogona chaizvo kuratidzir­a zvinoitwa nevanhu vari muwanano,” anodaro.

Kunze kwekuekita madhirama, Musa anoti anoitawo mamwe mabasa anosangani­sira kuhodha zvinhu kunze kwenyika achitenges­a.

Kwayedza payakashan­yira mudzimai uyu yakatowana ari mushishi kutengesa machira ekuwaridza pamubhedha, mafuta ekuzora, mishonga yekusimbis­a musana nezvimwe.

“Ndine mabasa akawanda andinoita sekugadzir­udza runako, ndiri producer wemadhiram­a, master of ceremonies (MC) uye ndiri mutengesi nemugadzir­i wemishonga yechivanhu (herbalist).

“Ndinokoshe­sa munhukadzi nekuti ndiye anotakura mitoro yese yeupenyu – kubvira pakutakura nhumbu, kubara vana nekuvariri­tira zvekare,” anodaro Musa. Anoti kutengesa kwaanoita mishonga yekusimbis­a musana ibasa chete rekuririti­ra mhuri uye haana miyedzo yaanosanga­na nayo.

Mudzimai uyu anoti anochenget­a zvekare vana nherera.

 ?? ?? PATIENCE Musa
PATIENCE Musa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe