Sanganai naMai Jilimba
SHASHA yemadhirama Patience Musa – uyo anozivikanwa saMai Jilimba mumutambo unonzi Maoko Matema – anoti zvaanoekita handi upenyu hwaanorarama sezvo akaroorwa ndokupinda musvitsa tsvene uye ndiamai veruwadzano.
Musa anorambisisa nemakore ake ekuberekwa achiti inyaya isingade veruzhinji nekuti inozomukanganisira basa rake asi ndokutaura mwedzi nezuva raakabarwa bedzi.
“Chipo changu chekuekita chakatanga ndichiri mudiki zvichibva mukuterera zvatinodzidziswa nevanyori vemutambo. Kana munhu uchiekita unofanira kutevedza zvinodiwa mumutambo kuti uratidze huchokwadi.
“Vabiki vemutambo vakati zhinyura unofanira kuzhinyura, kana vakati seka unotoseka, ukanzi chema unofanirwa kuchema. Zvatinoekita hazvirevi kuti ndihwo hunhu hwatakatakura, mutambo mumwe nemumwe une dudziro yawo nezvinangwa zvisiri zvinhu zvatinorarama.” anodaro Musa.
Anoenderera mberi achiti, “Makore angu handisati ndada kuti azivikanwe neveruzhinji nekuti zvinogona kundishaisa mabasa sezvo mukuekita pamwe ndinenge ndichiita semukadzi mukuru kana sepwere.
“Chandingangokuudzai ndechekuti ndakabarirwa kuMarondera musi wa29 Ndira uye ndakaroorwa, ndikabara vanasikana vatatu. Ndinopinda Roman Catholic, ndiri kunzanga kana kuti chita chaMbuya Anna.
“Nditori tete venzanga, ndinorayira vasikana nevakomana.”
Anoti akamboita matironi wepachikoro achizobva apinda munyaya dzemadhirama muna1985.
“Nyaya dzekuekita ndinodzifarira zvekuti handifungi kuti ndingamboenda pamudyandigere. Ndaita madhirama akawanda saMaoko Matema, Kurauone, Chihwerure, Maimbodei nemamwe andisingachadoma.”
Anoyemura vatambi vakadai semushakabvu Stembeni Makawa, Lazarus “Gringo” Boora, Safirio ‘Mukadota’ Madzikatire naPatience Ozokwor wekunyika yeNigeria.
“Amai Azokwor vekuNigeria ndiye anoekita zvandinofarira zvakanyanya zvisinei nekuti muno hatisati hedu tava kuekita zvinotyisa sezvinoitwa nevekuNigeria. Kingstone Kasiyandima ndiye wandinoekita naye semurume wangu mumutambo uye anogona chaizvo kuratidzira zvinoitwa nevanhu vari muwanano,” anodaro.
Kunze kwekuekita madhirama, Musa anoti anoitawo mamwe mabasa anosanganisira kuhodha zvinhu kunze kwenyika achitengesa.
Kwayedza payakashanyira mudzimai uyu yakatowana ari mushishi kutengesa machira ekuwaridza pamubhedha, mafuta ekuzora, mishonga yekusimbisa musana nezvimwe.
“Ndine mabasa akawanda andinoita sekugadzirudza runako, ndiri producer wemadhirama, master of ceremonies (MC) uye ndiri mutengesi nemugadziri wemishonga yechivanhu (herbalist).
“Ndinokoshesa munhukadzi nekuti ndiye anotakura mitoro yese yeupenyu – kubvira pakutakura nhumbu, kubara vana nekuvariritira zvekare,” anodaro Musa. Anoti kutengesa kwaanoita mishonga yekusimbisa musana ibasa chete rekuriritira mhuri uye haana miyedzo yaanosangana nayo.
Mudzimai uyu anoti anochengeta zvekare vana nherera.