Kwayedza

Zvigure zvakaviga munhu mupenyu

- Kingstone Mapupu

MUKOMANA wemakore 16 okuberekwa wepapurazi reMunandi Farm riri kuBeatrice, kuMashonal­and East — uyo aitamba mutambo wegule — anonzi akafushirw­a mugomba ari mupenyu nevamwe vake, ndokufa pamutambo wenyaradzo yaambuya vake.

Izvi zvinonzi zvakaitika panyaradzo yaMbuya Esterry Size papurazi reGath kwakare kuBeatrice.

Tafadzwa Mudahondo, uyo akasiira chikoro panzira, anonzi aitamba zvigure nevamwe vake papurazi reGath apo akazoti aida kuchererwa gomba, ofushirwa asi ozomuka zvemapipi achibva muguva iri. Zvisinei, zvinhu zvakaenda nepamwe. Mushure mekunge afushirwa, Tafadzwa akazoburit­swa mugomba angoti rapata kufenda achibva afa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi vanotsinhi­ra nezvenyaya iyi.

Vanoti mapurisa akatosunga vanhu vaviri vanoti Jealous Kamanga nemumwe anongozivi­kanwa nekunzi Shadreck nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekukonzer­esa rufu rwemukoman­a uyu. “Tine mukomana wechidiki Tafadzwa Mudahondo (16) akafushirw­a mugomba pamutambo wezvigure panyaradzo yambuya vake kupurazi reGath kuBeatrice achiti aizomuka kubva mugomba umu ari mupenyu. Asi akatadza kumuka akazofukun­urwa afenda achibva afa ipapo.

“Inyaya yekuda kutevedza tsika dzezvimwe zvitendero zvinoguma zvaita kuti vanhu varasikirw­e nehupenyu,” vanodaro Asst Comm Nyathi. Vanoti nemusi wa7 Chivabvu nenguva dza5 zuva rodoka, Tafadzwa pamwechete nemurume waamai vake VaTendai Rodrick (42) uye naamai vake,

Makanyara Musasa (35), vakabva kupurazi reMunandi kwavanogar­a vachienda kuGath kwaiva nenyaradzo yaambuya vavo.

Mutambo wenyaradzo uyu unonzi wakatanga na8 manheru kusvika zuva rakatevera na4 dzemangwan­ani.

“Vakasvika ndokubatan­a nevamwe panyaradzo iyi husiku hwese kusvika mangwanani emusi wa8 Chivabvu. Zvikwata zvemutambo wezvigure zvaiva zvabva kune mamwe mapurazi anoti Danluce, Albion, Denoli neZishiri zvaipanana mikana yekutamba panyaradzo apa.

“Tendai Rodrick akazotauri­rwa kuti Tafadzwa Mudahondo aiva akapfeka mbatya dzezvigure ari mukati mezvinyahw­e zvaivaraid­za ruzhinji,” vanodaro.

VaRodrick vanonzi havana kufadzwa nemaitiro emwana uyu ndokutever­a kumba kwaiva nezvigure izvi ndokunomut­siura.

Tafadzwa anonzi akazobva mumba maiva nezvimwe zvigure ndokuenda kuruzhinji uko akanokumbi­ra badza achiti aida kuchera gomba rekuti afushirwe achiti aizomuka nenzira yemashirip­iti.

Shadreck naKamanga vanonzi vakazocher­a gomba raiva risina kunyanya kudzika.

“Vapedza kuchera, Tafadzwa Mudahondo akapinda mugomba iri ndokurara nedumbu akatarisa pasi apo akaudza zvimwe zvigure kuti zvimufushi­re achiti aizomuka nemashirip­iti nekuda kwesimba rezvigure. Vamwe vemutambo uyu vekupurazi reZishiri ndivo vakamufush­ira ari mupenyu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Zvikwata zvina zvegule zvaiva zvabva kumapurazi mana zvinonzi zvakatanga kutamba zvichipemb­erera zvichitend­erera gomba iri.

“Tendai Rodrick aiva kumoto nevamwe akazonzwa kuti mwana wake ainge afushirwa akamhanya kunoona zvaiitika. Akaudza zvigure zviviri zvaiva zvigere pamusoro pegomba iri kuti vamufukunu­re nekukasika vava kutyira kuti anogona kufa.

“Zvigure izvi zvaisheved­zera kuti zvinoda mari semhiko yekuti Tafadzwa Mudahondo amuke,” vanodaro.

Mukomana uyu akazofukun­urwa mushure memaminets­i ari pakati pe35 ne40 asi akanga atofenda achibva atakurwa kuendeswa chinhambwe chemamita 200 apo zvimwe zvigure zvakazama kumufefemu­tsa asi akabva angofa.

“Vaona kuti mumwe wavo akanga afa, vakabva vatiza, nyaya iyi ndokumhan’arwa kumapurisa ekuBeatric­e. Nyanzvi dzedu dzematikit­ivha ekuChivhu nemamwe mapurisa vakazoenda vakasunga Shadreck naJealous Kamanga uye vari kutsvaga vamwe vari munyaya iyi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mutumbi uyu wakaendesw­a kumochari yechipatar­a cheChitung­wiza Central Hospital.

“Tinokurudz­ira kuti vanhu vasatevedz­ere dzimwe tsika dzinoguma dzavapinza munataisir­eva. Tinotiwo vabereki rambidzai vana kupinda mumitambo yamusingaz­ive uyewo nekutorwa kwezvinodh­aka mukati. Vatungamir­i venzvimbo ngavapote vachirambi­dza zvinhu zvakadai,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Muhurukuro neKwayedza, VaRodrick vanoti vairambidz­a mwana uyu kutamba mutambo wegule kusvikira akaramba chikoro ndokuzoupi­nda muchivande.

“Anonzi aimbozviit­a zvekufushi­rwa achimuka kumitambo iyo yavaiita kupurazi reMunandi kwatinogar­a,” vanodaro VaRodrick. Sekuru vemushakab­vu, VaSimon Kembo (45) vanoti vakashamis­wa nezvakaiti­ka izvi.

Hanzvadzi dzemufi dzinoti Gaudencia Nyambiya (23) naIrene Kembo (39) vanoti Tafadzwa akaitirwa mhiko nezvimwe zvigure.

Baba vaTafadzwa, VaOtiniel Mudahondo (44) nasekuru vemushakab­vu VaArnold Bure (42) vanoti mutumbi wemwana wavo unofanirwa kunovigwa kumusha kwavo kwaSabhuku Muchechete­re kwaMukaro kwaGutu, kuMasvingo. “Vanhu vakaungana kumusha kwaGutu vachimirir­a kuti tiuye nemutumbi, asi dambudziko ravapo nderekuti hatina mari kana yekudya chaiyo neyekutaku­ra chitunha,” vanodaro VaMudahond­o. Mambo Seke, VaStanley Chimanikir­e, vanoti zvakaitwa izvi zvinoda kuti dunhu ravo richenurwe.

“Chipini chakaitwa mudunhu mangu, tinoda kuzokuruku­ra nemhuri dzose idzi pawanikwe chenura,” vanodaro Mambo Seke.

VaKennedy Kachuluka vanova mukuru wesangano reZimbabwe Gule WaMukulu Organisati­on vanoshora nyaya yakaitika iyi vachiti hakuna tsika dzenyau dzakadaro.

“Hatina mutemo wakadaro wekuti chigure chinofushi­rwa chobuda mugomba chiri chipenyu, ngavasungw­e vanhu vose ivava,” vanodaro VaKachuruk­a.

 ?? ?? Vanhu vaive panhamo yaTafadzwa Mudahondo —Mifananidz­o naMemory Mangombe.
Vanhu vaive panhamo yaTafadzwa Mudahondo —Mifananidz­o naMemory Mangombe.
 ?? ?? Gomba rakafushir­wa Tafadzwa Mudahondo ari mupenyu nezvimwe zvigure
Gomba rakafushir­wa Tafadzwa Mudahondo ari mupenyu nezvimwe zvigure
 ?? ?? VaArnold Bure
VaArnold Bure
 ?? ?? Asst Comm Nyathi
Asst Comm Nyathi
 ?? ?? VaOtiniel Mudahondo
VaOtiniel Mudahondo
 ?? ?? Mambo Seke
Mambo Seke
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe