‘NDATAMBUDZWA NENYOKA’
MUDZIMAI anogara kuSunningdale, muguta reHarare — asi kumusha achibva kwaChivi, kuMasvingo — anoti aoneswa nhamo nenyoka inouya ichimumonera, kumunanzva nekupinda mudumbu make umo inogara ichimudya.
Pane dzimwe nguva, mudzimai uyu anoti anoshanyirwa neshiri dzinomumhara mumusoro dziine nyanga.
Mai Bethel Gwandomba (33) vanoti dambudziko iri rakatanga vachigara nemurume uyo vakazorambana naye kuBulawayo.
“Ndatambura nekuda kwenyoka inouya ichindimonera ndakarara ichiedza kutora mweya wangu nekuti painosvika ndinobva ndatanga kutadza kufema zvakanaka. Ndinonzwa ichipinda mutsoka dzangu pandinotanga kunzwa kutonhorwa kwakanyanya, ndotoinzwa kuti yapinda mudumbu ndozoguma hura hwangu hwava kucheka ichindiruma,” vanodaro Mai Gwandomba.
Vanoti mudumbu mavo munobva matanga kufamba-famba sevakazvitakura uyewo muchirwadza.
“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2017 ndichigara nemurume wangu kuBulawayo. Ndakaroorwa pachipari semudzimai wechitatu kumurume uyu. Tichigara tose kudaro, akazotangawo kudanana nemumwe mudzimai wechina seshamwarikadzi yake uyo aindishandisira mishonga yekuti ndibve pamurume, tikatombotukana akanditi ndaizozviona.”
Mai Gwandomba vanoti mushure mekutanga kurwara vachiteverwa nenyoka, vakazotangawo kutevera zvisingagumi kusvika nanhasi.
“Ndakazobva pamurume uyu ndava kurwara nekuda kwekuteverwa nenyoka. Nyoka iyi ndeyepink iri refu, inouya zuva roga-roga kubva mugore ra2017 yondimonera makumbo nemuviri wose ichitamba neni.
“Panguva iyi ndinoshaya simba rekutiza kana kuchema chaiko. Dambudziko iri rakatokonzera kuti ndibude basa nekuti nekubasa kwacho yakanga yava kunditevera ichindisunga makumbo. Painopinda mumba handione kwayabva nako uyewo pakuenda inongonyangarika,” vanodaro.
Vanoti dzimwe nguva nyoka iyi inouya ichiita seshiri, yomera nyanga iine maziziso.
“Nyaya yangu inoita sebhaisikopo chairo, pane dzimwe nguva kana nyoka iyi yasvika, ndinonzwa kumeso kwangu nemumusoro ndava nemaziso akawanda zvekuti ndinoona zvose zvinhu zvakandikomberedza kusanganisa nezviri kugotsi kwangu.”
Mudzimai uyu anoti akambokumbira ruregerero kushamwarikadzi yeaive murume wake uye yakamupindura kuti yaiva yamuregerera kuti achipora.
“Dambudziko iri nderangu ndoga, baba vakafa ndasara naamai chete. Vakauya amai nekuda kwehurwere hwangu kuti vazondipepa vakasvikorwara zvakare. Variko kumba kwehanzvadzi yangu kuWaterfalls muno muHarare,” vanodaro Mai Gwandomba.
Vanoti pavakarambana nemurume, vana vavo vatatu vakaenda kunochengetwa nemukoma wavo kuChiredzi.
“Nyoka iyi inouya mazuva ose masikati nehusiku ichiita zvainoda neni. Handichakwanisa kurara, ndava kungogara ndakasvinura.
“Kwandinofamba maporofita nen’anga vanoti zvikwambo kana kuti zvidhoma uye vamwewo vanoti ingozi. Mari yekufamba ndichirapwa handisisina, ndapedza kutengesa midziyo yangu uye nyoka iyi inoonekwa neni chete.”
Mai Gwandomba vanoti vakaberekwa vari vana (4) mumba mavo — vakomana vaviri nevasikana vaviri — uye ndivo chete vane dambudziko iri.
“Kufamba chaiko ndinotya nekuti ndinongoerekana ndaiona yondisunga makumbo ndomira panzvimbo. Dzimwe nguva inondipindira mumagumbeze pamubhedha, vanhu vanondiona vanobva vashamiswa sezvo vasingaone nyoka iyi kana shiri dzandinoti dzinondimhara,” vanodaro.
Mudzimai uyu anoti murume waaimbodanana naye akatiza nyoka iyi.
“Murume aindibhadharira rendi nekunditengera kudya nezvimwe akatiza nekutya nyoka iyi, aingonzwa ndava kuchema iye asina chaaiona. Mamwe mazuva nyoka iyi inosvikondirova kumeso nemuswe wayo ndichizvimba, dzimwe nguva ndinonzwa mhepo inondifuridza muviri wose ndichishaya kwainobva,” vanodaro.
Mudzimai uyu anotiwo anonzwa achisandudzirwa nekumashure nemunhu waasingaone zvekutopotsa apunzikira pasi. Pamusoro pezvo, anopindwa nemwenje wakanyanya mumaziso ake achipindurwa zvakare zvekutadza kuona.
“Dambudziko iri richitanga, ndakatanga kunzwa kupiswa zvakanyanya ndikatokumura mbatya nekudirwa mvura nevanhu ndava kuda kufenda. Izvozvi nyoka iyi, iyo yakareba chipo chemamita maviri, inopinda mudumbu mangu nekumakumbo ndotanga kurwadziwa nemudumbu ndava kunzwa sendine maronda.”
Votaura nezvenyaya ino, Mbuya Sarudzai Jaravaza (52) vemuHarare, avo vanove nyanzvi yechivanhu, vanoti dambudziko remudzimai uyu rinogadzirisika.
“Idambudziko rinogadziriswa zvinhu zvichipera, anoda kufambwa naye kune vanogona,” vanodaro Mbuya Jaravaza.
Mashoko avo anotsinhirwa naApostle Oswell Sandey (48) vemuHarare zvakare vachiti Mai
Gwandomba pane vanhu vakavashereketera.“Zvinhu zvakaiswa nevanhu,” vanodaro Apostle Sandey.
Kune vanoda kuvabatsira vanovabata panhare dzinoti 0771 310 719.