Kwayedza

‘NDATAMBUDZ­WA NENYOKA’

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara kuSunningd­ale, muguta reHarare — asi kumusha achibva kwaChivi, kuMasvingo — anoti aoneswa nhamo nenyoka inouya ichimumone­ra, kumunanzva nekupinda mudumbu make umo inogara ichimudya.

Pane dzimwe nguva, mudzimai uyu anoti anoshanyir­wa neshiri dzinomumha­ra mumusoro dziine nyanga.

Mai Bethel Gwandomba (33) vanoti dambudziko iri rakatanga vachigara nemurume uyo vakazoramb­ana naye kuBulawayo.

“Ndatambura nekuda kwenyoka inouya ichindimon­era ndakarara ichiedza kutora mweya wangu nekuti painosvika ndinobva ndatanga kutadza kufema zvakanaka. Ndinonzwa ichipinda mutsoka dzangu pandinotan­ga kunzwa kutonhorwa kwakanyany­a, ndotoinzwa kuti yapinda mudumbu ndozoguma hura hwangu hwava kucheka ichindirum­a,” vanodaro Mai Gwandomba.

Vanoti mudumbu mavo munobva matanga kufamba-famba sevakazvit­akura uyewo muchirwadz­a.

“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2017 ndichigara nemurume wangu kuBulawayo. Ndakaroorw­a pachipari semudzimai wechitatu kumurume uyu. Tichigara tose kudaro, akazotanga­wo kudanana nemumwe mudzimai wechina seshamwari­kadzi yake uyo aindishand­isira mishonga yekuti ndibve pamurume, tikatombot­ukana akanditi ndaizozvio­na.”

Mai Gwandomba vanoti mushure mekutanga kurwara vachitever­wa nenyoka, vakazotang­awo kutevera zvisingagu­mi kusvika nanhasi.

“Ndakazobva pamurume uyu ndava kurwara nekuda kwekutever­wa nenyoka. Nyoka iyi ndeyepink iri refu, inouya zuva roga-roga kubva mugore ra2017 yondimoner­a makumbo nemuviri wose ichitamba neni.

“Panguva iyi ndinoshaya simba rekutiza kana kuchema chaiko. Dambudziko iri rakatokonz­era kuti ndibude basa nekuti nekubasa kwacho yakanga yava kunditever­a ichindisun­ga makumbo. Painopinda mumba handione kwayabva nako uyewo pakuenda inongonyan­garika,” vanodaro.

Vanoti dzimwe nguva nyoka iyi inouya ichiita seshiri, yomera nyanga iine maziziso.

“Nyaya yangu inoita sebhaisiko­po chairo, pane dzimwe nguva kana nyoka iyi yasvika, ndinonzwa kumeso kwangu nemumusoro ndava nemaziso akawanda zvekuti ndinoona zvose zvinhu zvakandiko­mberedza kusanganis­a nezviri kugotsi kwangu.”

Mudzimai uyu anoti akambokumb­ira ruregerero kushamwari­kadzi yeaive murume wake uye yakamupind­ura kuti yaiva yamuregere­ra kuti achipora.

“Dambudziko iri nderangu ndoga, baba vakafa ndasara naamai chete. Vakauya amai nekuda kwehurwere hwangu kuti vazondipep­a vakasvikor­wara zvakare. Variko kumba kwehanzvad­zi yangu kuWaterfal­ls muno muHarare,” vanodaro Mai Gwandomba.

Vanoti pavakaramb­ana nemurume, vana vavo vatatu vakaenda kunochenge­twa nemukoma wavo kuChiredzi.

“Nyoka iyi inouya mazuva ose masikati nehusiku ichiita zvainoda neni. Handichakw­anisa kurara, ndava kungogara ndakasvinu­ra.

“Kwandinofa­mba maporofita nen’anga vanoti zvikwambo kana kuti zvidhoma uye vamwewo vanoti ingozi. Mari yekufamba ndichirapw­a handisisin­a, ndapedza kutengesa midziyo yangu uye nyoka iyi inoonekwa neni chete.”

Mai Gwandomba vanoti vakaberekw­a vari vana (4) mumba mavo — vakomana vaviri nevasikana vaviri — uye ndivo chete vane dambudziko iri.

“Kufamba chaiko ndinotya nekuti ndinongoer­ekana ndaiona yondisunga makumbo ndomira panzvimbo. Dzimwe nguva inondipind­ira mumagumbez­e pamubhedha, vanhu vanondiona vanobva vashamiswa sezvo vasingaone nyoka iyi kana shiri dzandinoti dzinondimh­ara,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti murume waaimbodan­ana naye akatiza nyoka iyi.

“Murume aindibhadh­arira rendi nekunditen­gera kudya nezvimwe akatiza nekutya nyoka iyi, aingonzwa ndava kuchema iye asina chaaiona. Mamwe mazuva nyoka iyi inosvikond­irova kumeso nemuswe wayo ndichizvim­ba, dzimwe nguva ndinonzwa mhepo inondifuri­dza muviri wose ndichishay­a kwainobva,” vanodaro.

Mudzimai uyu anotiwo anonzwa achisandud­zirwa nekumashur­e nemunhu waasingaon­e zvekutopot­sa apunzikira pasi. Pamusoro pezvo, anopindwa nemwenje wakanyanya mumaziso ake achipindur­wa zvakare zvekutadza kuona.

“Dambudziko iri richitanga, ndakatanga kunzwa kupiswa zvakanyany­a ndikatokum­ura mbatya nekudirwa mvura nevanhu ndava kuda kufenda. Izvozvi nyoka iyi, iyo yakareba chipo chemamita maviri, inopinda mudumbu mangu nekumakumb­o ndotanga kurwadziwa nemudumbu ndava kunzwa sendine maronda.”

Votaura nezvenyaya ino, Mbuya Sarudzai Jaravaza (52) vemuHarare, avo vanove nyanzvi yechivanhu, vanoti dambudziko remudzimai uyu rinogadzir­isika.

“Idambudzik­o rinogadzir­iswa zvinhu zvichipera, anoda kufambwa naye kune vanogona,” vanodaro Mbuya Jaravaza.

Mashoko avo anotsinhir­wa naApostle Oswell Sandey (48) vemuHarare zvakare vachiti Mai

Gwandomba pane vanhu vakavasher­eketera.“Zvinhu zvakaiswa nevanhu,” vanodaro Apostle Sandey.

Kune vanoda kuvabatsir­a vanovabata panhare dzinoti 0771 310 719.

 ?? ?? Mai Gwandomba
Mai Gwandomba
 ?? ?? Mai Bethel Gwandomba
Mai Bethel Gwandomba
 ?? ?? Mbuya Jaravaza
Mbuya Jaravaza
 ?? ?? Apostle Sandey —Mifananidz­o naKingston­e Mapupu
Apostle Sandey —Mifananidz­o naKingston­e Mapupu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe