Kwayedza

Musungwa akarova gadhijeri mu’court’

- Danisa Masuku

MUSUNGWA wekurova mugadhijer­i mudare redzimhosv­a pamberi pemutongi ndokuzobud­a achitiza uye kuedza kusvetuka nepamusoro peruzhowa (fenzi) yakakomber­edza matare kuKezi, kuMatobo, kudunhu reMatabele­land South, akaigocher­a pautsi sezvo akabatwa ndokutonge­rwa kugara mujeri kwemwedzi 11 izere.

Banele Ncube (19) akamiswa pamberi pemutongi wedare reKezi, VaBusani Sibanda, achitarisa­na nemhosva mbiri dzekurova uye kutiza muhusungwa zviri pamutemo.

Anobvuma mhosva dzose dziri mbiri.

Pamhosva yekutanga yekurova, akatongerw­a kugara mujeri kwemwedzi mitatu isati yawedzerwa memimwe mwedzi mitanhatu iyo yakambomis­wa pamhosva yaakambopa­ra.

Nekuda kwekutiza kubva muhusungwa zviri pamutemo, akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitatu.

Mwedzi mumwe chete wechirango ichi wakambosen­dekwa kwemakore mashanu nechitsidz­o chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu.

Ncube achagara mujeri kwemwedzi gumi nemumwe izere.

Mukutura mutongo uyu, VaSibanda vakazeya nyaya yekuti mhosva yaNcube yakakura nekudaro panodawo chirango chakasimba.

Vanoti mutongo wekuti Ncube agare mujeri wakakodzer­a.

Dare rinotiwo Ncube akarizvidz­a apo akakava uye kurova nechibhake­ra mugadhijer­i pamberi pemutongi saka anofanirwa kurangwa zvakaomara­ra kuitira kuti adzidze kugadziris­a hunhu hwake.

VaSibanda vanoti Ncube ari kuramba achipara mhosva dzakasiyan­a zvinoratid­za kuti haadi kukura zvinoender­ana nezera rake rekuberekw­a.

Dare rinoti nemusi wa6 Gunyana gore rino, Praymore Mhlanga akakwira motokari yerudzi rweHonda Fit yaityairwa naNcube kubva kuBango Business Centre, kuKezi, kuenda kuMaphisa ndokumuudz­a kuti aive neUS$100.

Pavakasvik­a kuMaphisa,

Ncube akakumbira mari yake apo Mhlanga akamuudza kuti anoda kumbotsvag­a chenji uye izvi hazvina kufadza Ncube uyo akabva amubata ndokumubur­itsa mumota asati amurova chibhakera nekumukava.

Mhlanga akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Ncube asungwe.

Pamhosva iyoyo ndipo paakatonge­rwa kugara mujeri kwemwedzi 12 apo mwedzi mitanhatu yakambomis­wa paine chitsidzo chekuti haapare imwe mhosva yakadai mukati memakore mashanu.

Mwedzi mitanhatu yaive yasara yakasendek­wa parutivi nechitsidz­o chekuti anonofondo­ka pasina muripo kwemaawa 210 achiita mabasa emunharaun­da.

Ncude haana kutevedzer­a chirango chedare ichi chekushand­a munharaund­a izvo zvakaita asungwe.

 ?? ?? Ngetani
Ngetani
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe