Kwayedza

‘NHABVU HANDI MARI’

- Abel Ndooka

SHASHA yakambonet­sa munhabvu — Maronga “The Bomber” Nyangela — anoti vatambi vemazuva ano vanofanirw­a kuve nechido nemutambo uyu, vasatungam­idze mari kumberi uye anorwadziw­a achiona kuparara kwaita nhandare dzakaita seStodart kuMbare idzo dzakabura vatambi vakaita mukurumbir­a.

Bomber akakura achitamba nhabvu nevatambi vanosangan­isira mushakabvu Eddie “Madhobha” Katsvere muLeague rakanetsa kare rainzi SADAFA Premier League.

Mitambo mizhinji iyi yemuSADAFA Premier League yaitambirw­a kunhandare dzakaita seStodart uye neMbare Number 5.

Vamwe vatambi vane mukurumbir­a vakambotam­bira nhabvu yavo kuStodart vanosangan­isira Japhert Mparutsa, David George, George Shaya, Edward Muchongwe naKatsvere.

Bomber anoti kusakara kwaita nhandare idzi kunomurwad­za zvakanyany­a.

“Isu tichakura tichitamba nhabvu, taienda kunhandare dzakaita seStodart nekuNumber 5 kuMbare uko kwataitamb­ira mitambo yeSADAFA Premier League, nhabvu yainakidza zvikuru uye kwaitambwa nhabvu yepamusoro.

“Asi iye zvino manje tikatarisa nhandare dziye dzasakara hadzichako­sheswe asi dziridzo dzakashand­a kubika vatambi vakawanda vakaita mukurumbir­a.

“Ndinonzwa kurwadziwa ndichiona nhandare idzi zvadzave kutaura kuno, dzave kungosiwa dzichipara­ra asi dzine nhoroondo huru yekubika vatambi vakamirira nyika yedu kumitambo mikuru,” anodaro Bomber.

Bomber akazvarirw­a akakurira kuNational kuMbare uye ndokudzidz­a pachikoro cheNharira Primary School apo akaita zvidzidzo zvake kusvika Grade 7.

Haana kuzobudiri­ra kuenda mberi nedzidzo yake nekuti vabereki vake vakamushay­ira mari izvo zvakazomut­uma kuswera ari kunhandare dzakaita seMbare Number 5 uko aienda kunotamba nhabvu.

Ari kutamba kuSADAFA, mugore ra1983 Bomber akasangana naBornface Makorozo uyo aitambira Black Aces Football Club akamukurud­zira kuti auye kuzozama raki rake ndokubva afarirwa nevarairid­zi vechikwata ichi.

Anoti paakaenda kuBlack Aces, vakaenda vari vanomwe pachidiwa vatambi vatatu uye Moses ‘Bambo’ Chunga mumwe wevatambi vaivepo asi akatadza kukwana muchikwata ichi ndokuzoend­a hake kuDynamos.

“Ndakasheve­dzwa kuti ndizozama raki rangu kuBlack Aces tikaenda tese pamwe chete naMoses Chunga asi Bambo hameno sei haana kutorwa ini ndikapinda muchikwata ichi pamwe chete naBrenna Msiska, Sunday Masauso, Bonnie Makorozo nevamwe vakasiyana.

“Kuchikwata ichi kwaive naPeter Manyara uyo aive kaputeni wedu nevamwe vakaita saArchford Chimutanda,” anodaro.

Atorwa neAces, ndipo paakatanga kutamba muPremier League uye mumwaka wake wekutanga akapedza achitevera kumashure kwaShackma­n Tauro pavatambi vakanwisa kakawanda.

Ari kuAces, matambiro ake akafadza Peter ‘Thunder Boots’ Nyama uyo airairidza maYoung Warriors Under 20 ndokubva amushevedz­a kuzotambir­a chikwata ichi chaive nevamwe vaisangani­sira Madhinda Ndlovu, Boy Ndlovu naJoseph Machingura.

Anoti panguva iyi, chikwata chavo chaive chizere vatambi vepamusoro.

“Ndinoranga­rira panguva yandakashe­vedzwa naPeter Nyama kumaUnder 20 taive nechikwata chizere vatambi vepamusoro saka taisatambi­ra nhabvu kutsvaga mari zvatave kuona mazuva ano asi taitambira kuremekedz­wa nevanhu zvekuti tikasangan­a nevanhu mumigwagwa zvaifadza kunzi ndiye Bomber uyo uchingomho­reswa,” anodaro.

Atamba zvainwisa mvura kumaUnder-20, Bomber anoti aive mutevedzer­i waPeter Nyama kumaUnder-20 – Ashton ‘Papa’

Nyazika – akabva amunyenget­edza kuti auye kuzotambir­a Black Rhinos.

Izvi zvakaona achienda kuchikwata ichi mugore ra1984 apo chaive nevatambi vakaita saStanford ‘Stix’ Mutizwa, Stanley ‘Sinyo’ Ndunduma, Hamid Dhana, Gift Makoni, Japhet Mparutsa naLovemore Chikuna.

Gore raakasvika kuRhinos, ndipo apo Chauya Chipembere yakabva yasimudza mukombe wePSL ichibva kuDivision One.

Mumwaka mumwe chete uyu, chikwata ichi chakatoraw­o mukombe weZifa Cup izvo zvakaona chichiwana tikiti rekuenda kunomirira nyika mumutambo weCAF Champions League.

Vazhinji vanoziva Nyangela achingonzi Bomber asi vazingaziv­e kwakabva zita remadunhur­irwa iri.

Anoti zita iri rakaritumi­dzwa nemushamar­ari wenhabvu aive nemukurumb­ira Evans Mambara uyo akatanga kumuti Bomber nekuti ainwisa mabhora aishamisa zvikuru.

 ?? ?? MARONGA Nyangela
MARONGA Nyangela
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe