Kwayedza

‘NHABVU HANDI MARI’

- Ano Bomber ari pachikoro

TANGA kundisheve­dza kuti Bomber nekuti ini ndainwisa bhora nemakumbo ese pamwe nemusoro uye mabhora acho aisabatika zvekumhany­a. Saka Mambara akatanga kungonditi Bomber zvikabva zvatopfumb­ira

Bomber ndiani, zvikanzi handiti ndiwe Maronga Nyangela here, ndikati ndini, zvikanzi Bomber izita rako remadunhur­irwa rawakapihw­a naEvans Mambara.

“Zita iroro rakauya pamusana pekubhomba kwandaiita nemusoro nemakumbo zvese apo ndainwisa.

“Ipapa ndipo panguva pandakahwi­na mubairo wetop goal-scorer kwemakore matatu,” anodaro.

Kunyangwe hazvo aive nembiri yekubhomba achinwisa, Bomber anoti vatambi vemukashur­e vaimushais­a hope vanosangan­isira Ephraim “Rock of Gibraltar” Chawanda weZimbabwe Saints, Francis Shonhayi weDynamos naFelix Mtutu uyo aitambira chikwata chainzi Olympics chekuBulaw­ayo. Kuchiti kuvabati vepagedhi anoti sahwira wake, Brenna Msiska, aisada zvekunwisw­a naye zvachose.

“Msiska aive shamwari yangu, takabva tese kure ende patakazosi­yana zvikwata aisada zvekunwisw­a neni, aindishung­urudza. Asi ndakazomun­wisa zvechikiri­bidi muRufaro izvo zvakazozar­ura mukana wekugara ndichimunw­isa,” anodaro.

Mazuva anoswera cheBudirir­o High 2 muguta reHarare achirairid­za vechidiki nhabvu pasi peboka reBudiriro Academy iyo anove mwene wayo.

“Ndakatanga Academy yangu iyo yave nemakore anodarika 12. Ndine rudo rwekuona vechidiki vachibudir­ira muhupenyu hwavo saka ndiri kuvadzidzi­sa nhabvu ndichivaba­tsira kuronga remangwana ravo.

“Vana vedu ngatishand­e navo tisavasiye vachiswera vachimbere­reka mumigwagwa nekuti ndipo vanozopedz­isira vave kutora zvinodhaka vozokangan­isika hupenyu hwavo.

“Chishuviro changu kuwana vakotsveri vanokwanis­a kuuya vazondibat­sirawo nezvinhu zvakasiyan­a zvinosanga­nisira mabhora, mayunifomu nenhandare yakanaka yekutambir­a,” *anodaro Nyangela.

 ?? Kuvatsigir­i venhabvu. “Rimwe zuva ndiri kufamba zvangu, ndakangonz­wa vanhu vachingosh­evedzera kuti ‘Bomber, Bomber’ saka ndakashaya kuti Bomber wacho ndiani. Ndakabvunz­a kuti ko ?? MARONGA Nyangela aine vatambi veBudiriro Academy
Kuvatsigir­i venhabvu. “Rimwe zuva ndiri kufamba zvangu, ndakangonz­wa vanhu vachingosh­evedzera kuti ‘Bomber, Bomber’ saka ndakashaya kuti Bomber wacho ndiani. Ndakabvunz­a kuti ko MARONGA Nyangela aine vatambi veBudiriro Academy
 ?? ?? SHADRECK Mlauzi
SHADRECK Mlauzi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe