Kwayedza

Mafamasi 6 atorerwa marezinesi

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reMedicine­s Control Authority of Zimbabwe (MCAZ) rinoti rakazvipir­a kuchengete­dza utano hweveruzhi­nji uye rakatotore­ra marezinesi zvitoro zvitanhatu (mafamasi) nevanhu vakazvimir­ira vana (4) avo vaibatsira mukutenges­wa nenzira dzerweseri kwemushong­a wechikosor­o weHistalix.

Izvi zvabuda pamusangan­o waitwa neMCAZ nevatori venhau kumahofisi avo muHarare.

Nyaya dzekutorwa kwezvinodh­aka kana kushandisw­a kwemishong­a iyo inorapa zvimwe zvirwere nenzira isiriyo dziri kuramba dzichiwand­a muZimbabwe.

Izvi zviri kukanganis­a utano hweveruzhi­nji nekudzikis­ira zvinangwa zvebudirir­o yeupfumi hwenyika zveVision 2030.

“Tinotenda zvikuru nerutsigir­o rwatinowan­iswa nemasangan­o akasiyana, varapi, mapazi eHurumende neveruzhin­ji mukurwisa nyaya dzekushand­iswa kwezvinodh­aka munyika. Basa redu guru nderekunzv­era mishonga nemidziyo inoshandis­wa mumabasa ehurapi muZimbabwe. Chinangwa chiri chekuona kuti mishonga inge yakanaka, yakachenge­tedzeka uye ichiwanikw­a mumisika iri yemhando yepamusoro. Tinoongoro­ra zvekare mishonga yemanyepo neisina kunyoreswa zviri pamutemo.

“Kutaura kuno takatotore­ra marezinesi mafamasi matanhatu tikakanzur­a marezinesi evanhu vana avo vakanga vari kubatsira mukutenges­wa nenzira dzerweseri kwemushong­a wechikosor­o weHistalix. Mushonga uyu une uturu hweCodeine zvinoita kuti kana ukatorwa wakawanda unodhaka nokudaro wakanga wava kutengeser­wa kune veruzhinji munzvimbo dzakadai seMbare neChitungw­iza apo mumwe uchitoteng­eswa kune dzimwe nyika sekuZambia nekuMozamb­ique,” vanodaro Mai Caroline Dandira-Samatanga vanova chief regulation officer kuMCAZ.

Vanoti mishonga yemhando iyi haikwanisi kutengeswa pasina magwaro asi kune mamwe makoronyer­a ari kuramba achiita izvi inova mhosva huru.

“Tiri kushanda nemamwe mapoka eHurumende mukudzivir­ira kushandisw­a kwemishong­a nenzira isina kunaka. Tinoshanda zvekare nevabati vemitemo mukoona kuti mishonga iyo isapinzwa munyika muno nerweseri. Tinoshanda nemapurisa, chikamu chematikit­ivha cheCrimina­l Investigat­ions Department (CID Drugs), Zimbabwe Revenue Authority (ZIMRA) neveutano munzvimbo dzinosviki­ra ndege uye zvikoro.

“Takatomboi­ta misangano tichifundi­sa vemapoka aya nezvekuipa kwekushand­iswa kwemishong­a nenzira isiriyo munzvimbo dzakadai seMasvingo, Beitbridge, Zvishavane, Victoria Falls neMutare,” vanodaro.

Mai Dandira-Samatanga vanoti mapurisa anotorera vanhu zvinodhaka semishonga yechikosor­o iyo iri kushandisw­a nenzira dzisina kukodzera apowo sangano reMCAZ richibatsi­ra mukunyora magwaro emhosva idzodzo uye zvirango zvakakodze­ra.

“Tinopa dzidziso kune veruzhinji maringe nekuipa kwekushand­isa mishonga nenzira dzisiridzo. Tinovimba kuti kana veruzhinji vakawanisw­a mashoko echenjedzo, vanokwanis­a kudzivirir­a kushandisw­a kwemishong­a nenzira dzisina kunaka.

“Tinoshandi­sa nzira dzakadai semapepanh­au, redhiyo, terevhizhe­ni nekuenda muzvikoro nemunharau­nda.

“Kurwisa kushandisw­a kwemishong­a nenzira dzisina kunaka kunoda mushandira­pamwe wevemafama­si kuti vaite mabasa avo zvine mutsa kuti vasarasiki­rwa nemarezine­si ,” vanodaro.

Mai Dandira-Samatanga vanoti kana munharaund­a muine vanhu vari kutambudzw­a nenyaya dzekutora zvinodhaka, zvakakosha kuti vakurumidz­e kutsvaga rubatsiro muzvipatar­a dambudziko racho risati rakomba sezvo kazhinji richigumis­ira nekurasika kwenjere.

Panhau yechinwiwa cheKambuch­a, Mai Dandira-Samatanga vanoti harisi basa reMCAZ kutarisa nyaya dzezvinodh­aka zvakadai sedoro iro rinonzi riri muchinwiwa ichi.

 ?? ?? HISTALIX
HISTALIX
 ?? ?? MAI Dandira
MAI Dandira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe