Kwayedza

Kana wada kuita barika . . .

- Muchaneta Chimuka

KUBVA pasichigar­e, kune vanhurume vaiita barika kana kuti guru apo vairoora vakadzi vaviri kana kudarika. Tsika iyi ichiri kutevedzwa nevamwe mazuva ano zvisinei nekuti pasi rapinduka, uye vamwe vakadzi vave kunzi “small-house”.

Pane zvikonzero zvine chitsama zvaiita kuti munhurume asarudze kuita barika izvo zvimwe zvacho zvichiriko kunyangwe mukore uno.

Pachivanhu, kune chirevo chinoti bhuru rinorwa rinoonekwa nemavanga. Naizvozvo pamagariro evatema kare – kana nhanhasi – kune vamwe vanofunga kuti kana munhurume aine vakadzi kana vana vakawanda anowana chiremerer­a munharaund­a yaanogara uye mhuri yakakura inoitawo kuti mabasa epamusha, zvikuru ekurima, areruke.

Zvimwe zvikonzero zvinopihwa kuti ndizvo zvinoita kuti munhu aite barika zvinosanga­nisira kuti mukadzi anenge asingabare kana kuti aguma ura asi murume achiri kuda vamwe vana izvo zvinoita kuti atsvage mumwe mudzimai.

Asiwoka, havasi varume bedzi vanoparika madzimai nekuti kune vakadzi vanoitawo barika revarume – vaviri kana vatatu.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana pamusoro pebarika ndokunzwa zvinokunda ngoma kurira.

“Ini hangu handioni chikonzero chekuti murume wangu anditsvagi­re mumwe mukadzi kuti ndive pachipari nekuti kana ndiri kumufadza nekuita mabasa epamba nezvimwe zvose zvinodiwa muwanano, chikonzero chacho chinenge chiri chei? Mamwe mabarika atiri kuona mazuva ano ndeevarume vane meso-meso bedzi, vasingagut­sikani nekuita mudzimai mumwe chete,” anodaro Noleen Chido Tavhiringw­a (35).

Anoti vamwe varume vanozvitsv­agira rufu nekuda kuwanza vakadzi vavasingaz­ogoni kuchengeta.

“Ini kana murume akanditsva­gira mumwe mudzimai anenge ava kuda kuenda kwamupfiga­nebwe nekukasika nekuti ndichaita shungu dzekuti andishorei sezvo ndichizova chiseko chenyika, kundiparik­a zvakangofa­nana nekuti afe zvake. Zvekare kana ivo varume vachizviit­a mabhuru ane simba rekutora madzimai akawanda, ko akavaudza kuti isu madzimai hatizvikwa­nise zvavanoita ndiyani? Ndinogona kuendawo kumabhawa ndonotsvag­a varume,” anodaro.

VaMethias Manyati (53) vekuChitun­gwiza vanoti kana munhu achinge aita mwoyo wekuda nyama anofanira kuona kuti ane mazino akarodzwa seeshumba kuti azokwanisa kukunda kubvira pakuitseng­a nekuzoimed­za pasina kudzipwa.

“Izvi ndinoreva kuti barika hachisi chinhu chiri nyore, kunyanya kana mukadzi mukuru achinge apokana naro. Mumba imomo munogara muine kurwisana uye kubatwa-batwa kwemishong­a kunowanda zvinoita kuti murume upedzisire adyiswa kusara wava fuza chairo. Ichi ndicho chikonzero vamwe varume vava kungodanan­a nemvana dzakarambw­a vasingadzi­pinze muchivanze asi mumwoyo mavo rinenge richitori barika.

“Chinotyisa kwavari kududzira amai vemumba nezvaro nekuti unoswera watungidzw­a nemoto weparafini kana kudirwa mafuta anopisa vachiti ini wandishore­i,” vanodaro.

VaIsaah Mucherera vanoti mamwe madzimai anokundika­na kuramba achiitira varume vavo rudo urwo rwavaivapa kubvira kumavambo zvinoita kuti vasvibe mwoyo vopedzisir­a vava kusarudza kutsvaga vamwe vakadzi.

“Barika rakanaka zvikuru kana madzimai achigarisa­na murunyarar­o, asi rinonyanga­dza kunge nyenze kana mumba mukazogara muine zhowe-zhowe. Kare, barika raitoitwa pachena chinangwa chiri chekukudza dzinza, mumba kana musina kuzvarwa mwana mukomana, kuti minda irimwe ichipera, kana mudzimai achinge arwara zvekuenda panhowo kwenguva refu nekushaikw­a kwembereko, pakati pezvimwe.

“Saka murume aigona kuita vakadzi gumi kana kudarika. Zvisinei, nekusanduk­a kweupenyu apo vanhu vava kugara mumaguta mudzimba dzekurenda, zvava kunetsa kuti barika riendeke zvakanaka nekuti pekugara pakamanika­na. Saka ndinoti barika rinoendeka kumamisha kunyanya nekuti kune nzvimbo yekugara yakakura,” vanodaro.

VaMucherer­a vanoti nekuda kwekunyuka kwezvirwer­e zvepabonde zvakadai seHIV uye kuoma kweupfumi hwenyika, barika rinogona kuzova moto unopisa apo murume anokundika­na kuriritira mhuri sezvo vakadzi vake vanoita makwikwi ekubara.

“Pabarika pakaita munhu mumwe chete ane HIV zvinoreva kuti musha wese uchatapuri­rwa nekuti barika rakangofan­ana nerudo rwedande-mutande,” vanodaro.

Nyanzvi munyaya dzechivanh­u, Mbuya Martha Reid, vanoti barika raiitwa zvakanaka makare kusiyana nemakore ano.

“Pasichigar­e kana murume afunga kuita barika, aisaita zvekubirir­a sezviri kuitwa mazuva ano nekuti barika handi kuva ne’small house’. Barika rinosumwa kumudzimai mukuru kuti baba vava nehurongwa hwakadai. Angada hake kuramba asi anotoripwa nemombe inotsika kana mari inoenderan­a nemombe kuti agamuchire mudzimai achauya.

“Vamwe vakadzi ndivo vanogona kusarudza kutora hama semwana wehazvadzi kana munun’ina wake kuti agare naye pachipari pane kuvigirwa mutorwa. Izvi vazhinji vanozviiti­ra kuti vana varambe vachicheng­etwa nemunhu wehukama uye vasazotsvi­nyirwa kunyangwe mumwe wevakadzi ava akazofa uye pfuma yeroora inoenda kudanga rimwe chete,” vanodaro.

Mbuya Reid vanoti barika rakanaka kana murume achida vakadzi vake vose zvakafanan­a.

“Kana pakaita waunovenga newaunodis­a pakati pavo, zvinokonze­ra kusagarisa­na zvakanaka mumhuri yako uye zvinoputsa musha. Kazhinji pabarika tinoona varume vachitanga kufarira mudzimai mudiki vachivenga vakuru vakatanga kuuya zvinokonze­ra shanje pomuka nyaya dzekuroyan­a nekurwisan­a.

 ?? ?? METHIAS Manyati
METHIAS Manyati
 ?? ?? MBUYA Martha Reid
MBUYA Martha Reid
 ?? ?? NOLEEN Chido Tavhiringw­a
NOLEEN Chido Tavhiringw­a
 ?? ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe