Zvirango ngazvibve: Muswere
KUENDERERA mberi kwezvirango zveupfumi izvo zvisiri pamutemo zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira hakuzoitadzise kusvika padanho rayo guru rekuwana upfumi hwepakati nepakati panosvika gore ra2030.
Kuburikidza nekushandisa zviwanikwa zvayo zvakawanda, ruzivo rwechizvino-zvino uye kushanda pamwe chete nenyika dzinodyidzana zvakasimba neZimbabwe, nyika ino iri kuenderera mberi nekushandisa nzira dzekurwisa zvirango izvi nechinangwa chekusimudzira upfumi.
Zvichitevera kubudirira kwakaita sarudzo dzemusi wa23 na24 Nyamavhuvhu idzo bato reZanu-PF rakakunda zvine mutsindo, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Dr Jenfan Muswere, vanoti Zimbabwe iye zvino yakatarisana nekushanda nesimba kusimudzira budiriro munyaya dzeupfumi zvichienderana nechirongwa cheNational Development Strategy (NDS1).
Pasi peNDS1, iyo yakatanga muna2021 uye iri kupera muna2025, nyika yakawana budiriro huru mukufambisa hurongwa hwemari, kusimbaradzwa kwebhajeti uye mukukwezva vatsigiri vemuno nevekunze.
Zviitiko zvakadai zvinofanirwa kutsigirwa nekuratidzwa kwakanaka pamwe nekuyemurwa kuri kuitwa nyika kuburikidza nemasangano enhau, ayo anofanirwa kutaura nyaya yeZimbabwe yeshanduko pasi rose, vanodaro Dr Muswere vachinyora mugwaro rine musoro unoti: “Lawmaking, statecraft levers strengthened” iro rakabuditswa nebepanhau reSunday News.
Vanoti hwaro hwakanaka hwekusimudzira kudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika hwakaiswa pakapinda nyika ino mumusangano mukuru weUnited Nations General Assembly uchangodarika apo mutungamiri wenyika President Mnangagwa, vachitsigirwa nevatungamiri venyika dzakawanda dzemuAfrica, vakashinga kutaura vachiti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe pasina zvisungo.
Dr Muswere vanoti aya mashoko akakosha sezvo zvirango izvi zviri kukanganisa zvakanyanya budiriro yeZimbabwe.
“Africa yakataura uye Africa iri kutaura, uye isu tinofanira kufunga nezveAfrica ichitaura zvakare: Zvirango zvinofanira kudonha! Nenzira iyi, zvisungo zvinooneka zveSecond-Republic zvinoendeka,” vanodaro Dr Muswere.