Kwayedza

Zvirango ngazvibve: Muswere

- Peter Matika

KUENDERERA mberi kwezvirang­o zveupfumi izvo zvisiri pamutemo zvakatemer­wa Zimbabwe nenyika dzekumavir­ira hakuzoitad­zise kusvika padanho rayo guru rekuwana upfumi hwepakati nepakati panosvika gore ra2030.

Kuburikidz­a nekushandi­sa zviwanikwa zvayo zvakawanda, ruzivo rwechizvin­o-zvino uye kushanda pamwe chete nenyika dzinodyidz­ana zvakasimba neZimbabwe, nyika ino iri kuenderera mberi nekushandi­sa nzira dzekurwisa zvirango izvi nechinangw­a chekusimud­zira upfumi.

Zvichiteve­ra kubudirira kwakaita sarudzo dzemusi wa23 na24 Nyamavhuvh­u idzo bato reZanu-PF rakakunda zvine mutsindo, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nenhepfeny­uro, Dr Jenfan Muswere, vanoti Zimbabwe iye zvino yakatarisa­na nekushanda nesimba kusimudzir­a budiriro munyaya dzeupfumi zvichiende­rana nechirongw­a cheNationa­l Developmen­t Strategy (NDS1).

Pasi peNDS1, iyo yakatanga muna2021 uye iri kupera muna2025, nyika yakawana budiriro huru mukufambis­a hurongwa hwemari, kusimbarad­zwa kwebhajeti uye mukukwezva vatsigiri vemuno nevekunze.

Zviitiko zvakadai zvinofanir­wa kutsigirwa nekuratidz­wa kwakanaka pamwe nekuyemurw­a kuri kuitwa nyika kuburikidz­a nemasangan­o enhau, ayo anofanirwa kutaura nyaya yeZimbabwe yeshanduko pasi rose, vanodaro Dr Muswere vachinyora mugwaro rine musoro unoti: “Lawmaking, statecraft levers strengthen­ed” iro rakabudits­wa nebepanhau reSunday News.

Vanoti hwaro hwakanaka hwekusimud­zira kudyidzana kweZimbabw­e nedzimwe nyika hwakaiswa pakapinda nyika ino mumusangan­o mukuru weUnited Nations General Assembly uchangodar­ika apo mutungamir­i wenyika President Mnangagwa, vachitsigi­rwa nevatungam­iri venyika dzakawanda dzemuAfric­a, vakashinga kutaura vachiti zvirango zvakatemer­wa Zimbabwe zvibviswe pasina zvisungo.

Dr Muswere vanoti aya mashoko akakosha sezvo zvirango izvi zviri kukanganis­a zvakanyany­a budiriro yeZimbabwe.

“Africa yakataura uye Africa iri kutaura, uye isu tinofanira kufunga nezveAfric­a ichitaura zvakare: Zvirango zvinofanir­a kudonha! Nenzira iyi, zvisungo zvinooneka zveSecond-Republic zvinoendek­a,” vanodaro Dr Muswere.

 ?? ??
 ?? ?? DR MUSWERE
DR MUSWERE

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe