Kwayedza

Mitengo yezvirimwa

- Muchaneta Chimuka Kingstone Mapupu

GURUKOTA rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudz­irwa kwekumaruw­a – Dr Anxious Masuka – vari kupembedza varimi vedonje vachiti pasina ivo, veruzhinji vanodhurir­wa nezvipfeko, mafuta anosvinwa kubva muchirimwa ichi, kurasikirw­a nemabasa uye upfumi hwenyika hunoderera.

Vakataura mashoko aya pamhembere­ro dzeWorld Cotton Day dzakaitirw­a muguta reHarare nemusi weChina.

“Mhemberero dzeWorld Cotton Day dziripo pakuti tinzvere budiriro yaitwa mukusimudz­irwa kwechirimw­a ichi tichitaris­a rwendo rwatakafam­ba nevarimi vedonje, madhumeni nevatsigir­i, kunyanya mukusimudz­ira varimi vekumaruwa. Donje rinovandud­zwa richigadzi­riswa mbatya, chikafu chemombe, mafuta nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

Gore rino mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindi­ra rinoti: “Kuita zvinoendek­a, kubva mudonje kuenda kufashani”.

“Dindindira iri rinofambir­ana nezvinogar­a zvichitaur­wa nemutungam­iri wenyika President Emmerson Mnangagwa pasi pezvinangw­a zveVision 2030 mukuona kuti veruzhinji vawaniswa masimba munyaya dzemabasa kuti raramo yavo isimukire. Tinoda kurima kunosimudz­ira maindasiti­ri ekumaruwa,” vanodaro.

Dr Masuka vanoendere­ra mberi vachiti: “Kurimwa kwedonje kwakasimuk­ira kubva pamatani 56 044 mumwaka wa2020/21 kuenda pamatani 90 085 mumwaka wa2022/2023 kunova kukwira nechikamu che61 percent.”

Vanoti havasi varimi vese vakabhadha­rwa mari dzedonje ravakaende­sa kumisika nekudaro vanokurudz­ira vakapa makondirak­iti ekurima kuvarimi kuti vavabadhar­e nenguva.

“Chirongwa chedonje chinobhadh­arwa nenzira dzakadai sePresiden­tial Climate-Proofed Cotton Input Scheme (Pfumvudza/Intwasa) chichitsig­irwa nekambani yeCOTTCO kuvarimi vanosvika 520 000. SeHurumend­e,

INOTEVERA mimwe yemitengo yezvirimwa iri kuMbare Musika neLusaka Farmer’s Market kuHighfiel­d, muHarare.

Mbare Musika:

Chibage bhagidhi - US$5 kusvika US$7

Mhunga bhagidhi - US$12

Zviyo bhagidhi - US$13-00 Maringazuv­a bhagidhi - US$10 kusvika US$12

Mapfunde bhagidhi - US$9 Maranjisi chisaga - US$15 Maranjisi katsapo kadiki - US$4 kusvika US$6

MaApples chisaga - US$18 kusvika US$20

Madora 5kgs - US$5

Madora 20kgs - US$20

Mawuyu 5kgs - US$2

Mazai kireti - US$3,50c kusvika US$4

Bhinzi makapu maviri - US$1 Mhiripiri bhokisi - US$10

Garlic chisaga - US$90 Tsangamidz­i (ginger)

US$90

Tsangamidz­i 1kg - US$3

Mavise rimwe chete - US$3 Manhanga rimwe chete - US$1 Kabhichi rimwe chete - US$0,50c. Mbatatisi chisaga - US$4 kusvika US$7.

Mbatatisi murwi - US$1 Hanyanisi chisaga - US$15 Mupunga kapu - US$1

Chimera makapu maviri - US$1 chisagatin­oshora zvikuru kutengeswa kwedonje nerweseri kumakorony­era.

“Hurumende ine chikamu che51 percent mukurimwa kwedonje uye inotsigira kambani yeCOTTCO mukuona kuti hakuna varimi vanosara kumashure,” vanodaro.

Dr Masuka vanoti mwaka wemvura wa2023/2024 uri kutarisirw­a kunaya mvura isina kutsarukan­a munzvimbo zhinji dzenyika nekudaro vanoyambir­a

Mbambaira mugomo - US$6 Mbambaira gaba (gallon) - US$1,50c

Madhumbe mugomo - US$10 Chibage chemumhare makapu maviri - US$1

Chibage chemumhare bhagidhi US$20

Mabanana chisaga - US$45 Mabanana murwi US$1 ari 15 kana 20

Mufarinya chisaga - US$40 Avocado chisaga - US$30

Nzimbe gumi - US$8

Butternuts chisaga - US$30 Magaka eminzwa chisaga - US$15 Magaka murwi - US$0,50c kusvika US$1

Masawu bhagidhi - US$20 Masawu magaba madiki maviri - US$1

Nyii gaba (gallon) - US$3

Nyii bhagidhi - US$18

Maremani dishi - US$20

Lusaka Farmer’s Market: Chibage bhagidhi - US$7 Mhunga bhagidhi - US$7

Zviyo bhagidhi - US$22 Maringazuv­a bhagidhi - US$12 Mapfunde bhagidhi - US$12 Marachinji­si chisaga - US$5 MaApples chisaga chihombe - US$20 kusvika US$24

MaApples chisaga chidiki - US$9 Madora 5kgs - US$10

Madora 3kgs - US$7

Mawuyu gaba (gallon) - US$1 Mawuyu bhagidhi - $6 varimi kuti vashandise nzira yePfumvudz­a mukurima uye madiridzir­o kuitira kuti vasarasiki­rwe negoho zvichiteve­ra kusanduka kwemamirir­o ekunze.

“Chikamu che94 percent chedonje rakatenges­wa mwaka wadarika, chaive cheGrade C neD nerimwe shoma reGrade A neB iro rakange riine chikamu che6 percent. Ndakapa basa chikamu cheARDA neAgricult­ure Marketing Authority kuti vatarise

Mazai kireti - US$3,50c kusvika US$4

Bhinzi kapu - US$0-50c

Bhinzi gaba (gallon) - US$8 Mhiripiri bhokisi - US$5

Garlic chisaga - US$25 Tsangamidz­i 1kg - US$2,50c Mavise rimwe chete - US$2 kusvika US$3

Manhanga rimwe chete - US$1 kusvika US$3

Kabhichi rimwe chete - US$1 Mbatasi chisaga - US$5 kusvika US$8

Mbatatisi murwi - US$1 Hanyanisi chisaga - US$13 Mupunga bhagidhi - US$40 Mupunga kapu - US$1

Chimera kapu - US$1

Chimera bhagidhi - US$40 Chimera gaba (gallon) - US$10 Mbambaira 7kgs - US$3 Mbambaira bhagidhi - US$6 Madhumbe kana kuti magogoya chisaga chihombe - US$65 Madhumbe chisaga chidiki - US$9 Chibage chemumhare makapu maviri - US$1

Mumhare bhagidhi - US$28 Mumhare 5kgs - US$5

Huchi gaba diki - US$4 Madomasi bhokisi US$5 kusvika US$7

Magaka eminzwa ari masere - US$1 Mufushwa kapu - US$1.

Musika weLusaka Farmer’s Market unovhurwa kubva 5:30 mangwanani kusvika 4:00 zuva rodoka. matambudzi­ko ari kuita kuti nyika ive nekuderera kwegoho redonje repamusoro,” vanodaro.

Mai Pauline Nyambishi, avo vanorimira kuMt Darwin, mudunhu reMashonal­and Central, vanoti vanorima hekita imwe chete yedonje asi vachiwana goho rakakura.

“Ndakakwani­sa kuvaka musha wangu, kucheresa chibhorani nekuendesa vana kuchikoro nemari yedonje. Dambudziko bedzi nderekufa kwakaita mombe nekuda kwechirwer­e cheJanuary Disease saka hatichina mombe dzakawanda dzekurimis­a izvo zvava kuita kuti tirime minda midiki,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMai Miriam Mukasa vekuMt Darwin kwekare vachiti: “Ndine mwana akatopedza dhigirii rake paUniversi­ty of Zimbabwe nemari yedonje uye ndakavaka imba yangu ine makamuri mashanu.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe