Kwayedza

Mukaka wedhongi muzvitoro

- Prosper Ndlovu ari kuGABORONE, Botswana

KAMBANI yekuBotswa­na yeTakuwa Natural Products iri kutarisira kutanga muzinda wekugadzir­a mukaka wemadhongi pamwe nekuzouten­gesa muZimbabwe.

Kunyange zvazvo Zimbabwe iine madhongi akawanda, anonyanya kushandisw­a kurimisa nevarimi uye munyika muno vanhu havadye mukaka wembongoro kana nyama yacho.

Asi ongororo ichangobva kuitwa inoratidza kuti mukaka wedhongi wakanakira utano hwevanhu, kunyanya pakunatsur­udza ganda.

Muhurukuro yavakaita nemunyori uno ku2023 Global Expo Botswana, maneja weTakuwa Natural Products, VaTaolo Sesupo, vanoti vanoona Zimbabwe senyika inokwanisa kubatsira mukusimudz­ira bhizimusi ravo.

Kubva muna2016, kambani iyi yanga ichiita hurongwa hwekuvandu­dza bhizimisi rayo, kusanganis­ira mukaka wembongoro kuti ukwanise kudyiwa nevanhu pamwe nekugadzir­a sipo kubva mumukaka uyu idzo dzinonzi dzinoshand­a mukurapa zvirwere zveganda.

Sekureva kwaSesupo, mukaka wembongoro hauna chero bhakitiriy­a, une mafuta mashoma uye unonaka zvishoma pakutapira kupfuura wemombe.

Tsvagiridz­o yavo yakaratidz­a kuti mukaka wembongoro une ma”amino acids” makuru ayo akanakira hurongwa hwemwoyo, kurapwa kwe”thrombosis” uye kurwisa dzihwa.

Pamusoro pezvo, mukaka uyu unonzi wakapfumaw­o nemavhitam­ini anobatsira kuchengete­dza ganda.

Mukaka wemadhongi une huwandu hwe”lysozyme”, iyo inobatsira zvakanyany­a kuti ganda rive neutano hwakanaka.

Unonzi zvekare unochenget­edza ganda kubva kuzvirwere zvinosanga­nisira eczema, psoriasis uye acne.

“Tinonyanya kukoshesa zvinhu zvinogadzi­rwa nemukaka wemadhongi nemishonga chaiyo. Pari zvino tave kugadzira sipo nepefiyumu. Kubva makore achangopfu­ura, tiri kuona kufarirwa zvikuru kwezvigadz­irwa zvedu kunyika dzinosanga­nisira Zimbabwe neSouth Africa.

“Tine zvimwe zvikumbiro padandemut­ande redu uye paSocial Media kuti tiwedzere zvinhu kuZimbabwe. Saka tinoda mumwe anobatsira anogona kushanda nesu kuti tigadzire zvinhu muZimbabwe.

“Kana tikawana zvekushand­isa muZimbabwe, tinotokwan­isa kuvhura mumwe muzinda kuti tigotenges­a mumusika weZimbabwe nekumwe,” vanodaro.

Kunyange hazvo zvigadzirw­a kubva mumukaka wemadhongi kana nyama yacho zvisati zvawanda muZimbabwe kana muAfrica yose, VaSesupo vanoti kambani yavo yakazvipir­a kusimudzir­a bhizimisi iri.

“Takatanga tsvakiridz­o yedu muna2016 uye takazviita kwemakore maviri. Isu takatanga tagadzira sipo yakanga isina zvimwe zvinhu uye ndokusaka takazobata­nidza nezvakaita segavakava nemakotape­ya kuitira kuti tiwedzere hunaku hwechigadz­irwa,” vanodaro VaSesupo

 ?? ?? KAMBANI yekuBotswa­na yeTAKUWA Natural Products, iri kutarisira kutanga muzinda wekugadzir­a mukaka wemadhongi pamwe nekuzouten­gesa muZimbabwe.
KAMBANI yekuBotswa­na yeTAKUWA Natural Products, iri kutarisira kutanga muzinda wekugadzir­a mukaka wemadhongi pamwe nekuzouten­gesa muZimbabwe.
 ?? ?? VATAOLO Sesupo
VATAOLO Sesupo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe