Mukaka wedhongi muzvitoro
KAMBANI yekuBotswana yeTakuwa Natural Products iri kutarisira kutanga muzinda wekugadzira mukaka wemadhongi pamwe nekuzoutengesa muZimbabwe.
Kunyange zvazvo Zimbabwe iine madhongi akawanda, anonyanya kushandiswa kurimisa nevarimi uye munyika muno vanhu havadye mukaka wembongoro kana nyama yacho.
Asi ongororo ichangobva kuitwa inoratidza kuti mukaka wedhongi wakanakira utano hwevanhu, kunyanya pakunatsurudza ganda.
Muhurukuro yavakaita nemunyori uno ku2023 Global Expo Botswana, maneja weTakuwa Natural Products, VaTaolo Sesupo, vanoti vanoona Zimbabwe senyika inokwanisa kubatsira mukusimudzira bhizimusi ravo.
Kubva muna2016, kambani iyi yanga ichiita hurongwa hwekuvandudza bhizimisi rayo, kusanganisira mukaka wembongoro kuti ukwanise kudyiwa nevanhu pamwe nekugadzira sipo kubva mumukaka uyu idzo dzinonzi dzinoshanda mukurapa zvirwere zveganda.
Sekureva kwaSesupo, mukaka wembongoro hauna chero bhakitiriya, une mafuta mashoma uye unonaka zvishoma pakutapira kupfuura wemombe.
Tsvagiridzo yavo yakaratidza kuti mukaka wembongoro une ma”amino acids” makuru ayo akanakira hurongwa hwemwoyo, kurapwa kwe”thrombosis” uye kurwisa dzihwa.
Pamusoro pezvo, mukaka uyu unonzi wakapfumawo nemavhitamini anobatsira kuchengetedza ganda.
Mukaka wemadhongi une huwandu hwe”lysozyme”, iyo inobatsira zvakanyanya kuti ganda rive neutano hwakanaka.
Unonzi zvekare unochengetedza ganda kubva kuzvirwere zvinosanganisira eczema, psoriasis uye acne.
“Tinonyanya kukoshesa zvinhu zvinogadzirwa nemukaka wemadhongi nemishonga chaiyo. Pari zvino tave kugadzira sipo nepefiyumu. Kubva makore achangopfuura, tiri kuona kufarirwa zvikuru kwezvigadzirwa zvedu kunyika dzinosanganisira Zimbabwe neSouth Africa.
“Tine zvimwe zvikumbiro padandemutande redu uye paSocial Media kuti tiwedzere zvinhu kuZimbabwe. Saka tinoda mumwe anobatsira anogona kushanda nesu kuti tigadzire zvinhu muZimbabwe.
“Kana tikawana zvekushandisa muZimbabwe, tinotokwanisa kuvhura mumwe muzinda kuti tigotengesa mumusika weZimbabwe nekumwe,” vanodaro.
Kunyange hazvo zvigadzirwa kubva mumukaka wemadhongi kana nyama yacho zvisati zvawanda muZimbabwe kana muAfrica yose, VaSesupo vanoti kambani yavo yakazvipira kusimudzira bhizimisi iri.
“Takatanga tsvakiridzo yedu muna2016 uye takazviita kwemakore maviri. Isu takatanga tagadzira sipo yakanga isina zvimwe zvinhu uye ndokusaka takazobatanidza nezvakaita segavakava nemakotapeya kuitira kuti tiwedzere hunaku hwechigadzirwa,” vanodaro VaSesupo